Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUBVUNZURUDZA | IRÈNE HOF LAURENCEAU

Chiremba Wemabhonzo Anotsanangura Kutenda Kwake

Chiremba Wemabhonzo Anotsanangura Kutenda Kwake

Dr. Irène Hof Laurenceau ndichiremba ari kuSwitzerland anorapa zvirwere zvemabhonzo. Pane imwe nguva akanga asina chokwadi kana Mwari aivako. Asi papera makore akati kuti akazoona kuti Mwari aivako uye kuti ndiye akasika zvinhu zvipenyu. Vanyori veMukai! vakavabvunza nezvebasa ravo uye kutenda kwavo.

Chii chakaita kuti mufarire zvesayenzi?

Ndichiri muduku, ndainakidzwa nokuona zvinhu zvakasikwa. Ndakakurira kuRichterswil, musha unoyevedza uri pamhenderekedzo yeLake Zurich. Ndaiwanzofamba-famba nevabereki vangu nehanzvadzi yangu nasisi vangu vachindiratidza zvipuka, miti nemaruva.

Chii chakaita kuti mude basa rokurapa zvirwere zvemabhonzo?

Baba vangu vakamboshanda kwenguva pfupi vachibatsira vanachiremba pakuvhiya vanhu pane chimwe chipatara chekwataigara. Zvavaiona zvaiita kuti vanakidzwe nokutaura nezvebasa iri. Kutaura kwavaiita kwaindinakidza zvokuti ndakazopedzisira ndasarudza kuita basa racho. Ndakatanga kudzidzira basa rokurapa zvirwere zvemabhonzo nokuti ndaifarira mashandiro anoita mabhonzo. Vanachiremba vemabhonzo vanofanira kufunga sainjiniya kuitira kuti vagadzirise mabhonzo, tsandanyama, uye marunda izvo zvinoita kuti tikwanise kufamba.

Chandinonyanya kunakidzwa nacho kuona vanhu vandinorapa vachivandudzika utano hwavo. Ndinofarira chaizvo kubatsira vanhu.

Chii chaiita kuti mufunge kuti Mwari haako?

Zvakatanga ndichiri muduku, uye pane zvinhu zviviri zvaiita kuti ndive nemafungiro iwayo. Chokutanga ndakazoona kuti vamwe vafundisi vaiita unzenza, uye izvi zvakandinetsa chaizvo. Chechipiri ndiri kuchikoro vadzidzisi vebiology vaitenda kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka, uye dzidziso iyi ndakatozoitenda kunyanya pandakanga ndava kuyunivhesiti.

Chii chakaita kuti mufunge kuti zvinhu zvakaita zvokushanduka-shanduka?

Ndaibvuma zvandaidzidziswa nevadzidzisi vangu. Uyezve ndaifunga kuti kufanana kuripo pakati pedzimwe mhuka kwairatidza kuti dzose dzakabva kuchinhu chimwe chete uye kuti kuchinja kunoita magene kunoita kuti pave nemamwe marudzi.

Chii chakazoita kuti muchinje mafungiro enyu?

Ndakakokwa neimwe shamwari yangu kunopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakanakidzwa nokushamwaridzana kwaiita vanhu muungano yacho uye hurukuro dzakapiwa dzaidzidzisa. Gare gare mumwe mukadzi aipinda neungano yacho akandishanyira uye ndakamubvunza kuti, “Ndingaziva sei kuti Bhaibheri nderechokwadi?”

Akandiratidza uprofita hweBhaibheri hunotaura nezvezviitiko zvakawanda zviri kuitika mazuva ano. Humwe hwacho ndehwakataurwa naJesu hunoratidza mazuva okupedzisira, uhwo hunosanganisira hondo yenyika yose, “kudengenyeka kwenyika kukuru,” uye “matenda nokushomeka kwezvokudya.” * Akandiratidzawo uprofita hunotaura nezvekuraswa kwetsika uye kuwedzera kwemakaro uye uipi hwatiri kuona mazuva ano. * Pasina nguva ndakatanga kudzidza Bhaibheri nemwoyo wose uye ndakatanga kuona kuti zvinoprofitwa neBhaibheri zvinoitika. Ndakatangawo kuongorora zvandaitenda panyaya yokuti zvinhu zvakaita zvokusikwa here kana kuti zvokushanduka-shanduka.

Zvamaidzidza nezvebasa renyu zvakakubatsirai here kuziva matangiro akaita upenyu?

Hongu. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndakanga ndichiongorora marapirwo anoitwa ibvi. Makore okuma1960 ava kunopera, masayendisiti akatanga kunzwisisa magadzirwo anoshamisa akaitwa ibvi. Vakaona kuti ibvi rakagadzirwa zvinoshamisa nokuti rinoita kuti ukwanise kuita zvinhu zvakadai sokufamba, kujaivha, uye kuita zvimwe zvinhu zvakawanda.

Kwemakore 40, masayendisiti akaedza kugadzira chinhu chinoshanda sezvinoita ibvi. Asi ibvi rakagadzirwa zvinoshamisa zvokuti harisi nyore kuritevedzera. Uyezve mabvi okugadzira haagari kwenguva yakareba kana tichiaenzanisa nemabvi atinawo. Kunyange kana paine zvokushandisa zvemhando yepamusoro, vanogadzira vangatofara kana ibvi ravanenge vakagadzira rikaramba richishanda kwemakore 20. Ibvi ratinaro rine masero mapenyu zvokuti anoramba achigadzirwa matsva kana mamwe afa. Semaonero angu, ibvi rinoratidza uchenjeri hwaMwari kwete kuti rakavapo nokushanduka-shanduka.

Zvakadini nokuchinja kunoita magene uye kufanana kuripo pakati pedzimwe mhuka?

Kufanana uku kunoratidza kuti Musiki wacho mumwe chete. Uyezve kuchinja kunoita magene hakuiti kuti chinhu chacho chiwedzere kuvandudzika. Asi kunotouraya magene. Ichokwadi kuti pane dzimwe nguva tsaona inogona kubatsira zvimwe zvinhu. Ngatitii chitima chinopfuura nepamusoro pebhiriji chobva chaondomora bhiriji racho, izvi zvichadzivirira guta pamauto anga achida kuriparadza. Asi tsaona iyoyo haina zvainenge yaita pakuunza budiriro muguta. Ndizvo zvinoitikawo panochinja magene haavandudzi chinhu. Haagoni kugadzira chimwe chinhu chinoshamisa chakaita seibvi remunhu, tisingatauri nezvedzimwe nhengo dzemuviri wedu.

Kuchinja kunoita magene hakugadziri chimwe chinhu chinoshamisa chakaita seibvi remunhu

Chii chakaita kuti muzova mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Pandakatanga kushandisa zvandaidzidza muBhaibheri, mararamiro angu akavandudzika zvikuru. Uyezve muna 2003, ndakapinda gungano renyika dzakawanda reZvapupu zvaJehovha uye ndakaona kuti kubatana kwavo kunoshamisa, pasinei nokuti vamwe vaibva kune dzimwe uye kari kokutanga kuonana. Ndakanyatsozvionera chinonzi rudo uye ndakada kuva mumwe wavo.