Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Nzvimbo yepaIndaneti Yakasiyana Nedzimwe

Nzvimbo yepaIndaneti Yakasiyana Nedzimwe
  • VERENGA Bhaibheri mumitauro inosvika 50 uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 500.

  • ONA zvinhu zvomutauro wemasaini mumitauro inoda kusvika 70.

  • ONGORORA nzvimbo iyi yepaIndaneti mumitauro yakawanda.

  • TEERERA mitambo inotaura nyaya dzomuBhaibheri dzinonakidza.

  • ONA nyaya dzomuBhaibheri dzine mifananidzo dzinoita kuti uone sokunge kuti zvinhu zvacho zviri kutoitika.

  • TARISA mitambo nemavhidhiyo zvichakubatsira kuti ukunde matambudziko oupenyu.

  • TORA mae-book, nyaya dziri mumagazini, uye zvinhu zvakarekodhwa, pasina mari yaunobhadhara.

  • TSVAKURUDZA nyaya dzakasiyana-siyana uchishandisa RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower—uye uchawana zvakawanda zvaunoda mumitauro inopfuura 100.

VAKAROORANA

“Ndinoda kuti zvinhu zvitifambire mumhuri yangu. Tinonetsana nomudzimai wangu uye zvakazowedzera patakava nevana. Tibatsireiwo”

BHAIBHERI RINOTI:

“Imba inovakwa nouchenjeri, uye inosimbiswa kwazvo noungwaru.”—Zvirevo 24:3.

ZVIKAMU ZVINOBATSIRA ZVEPAINDANETI

Chikamu chakanzi “Vakaroorana Uye Vabereki” chinogona kukubatsira kukunda matambudziko akaita seaya:

  • Kukunda matambudziko mugore rokutanga maroorana

  • Kuva noukama hwakanaka navanaamwene, vanaambuya nemadzitezvara

  • Kuranga vana

  • Kupopotedzana

  • Zvamungaita kana mune matambudziko pakushandisa mari

(Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VAKAROORANA UYE VABEREKI)

Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ibhuku rinotaura nyaya dzakawanda dzemhuri uye rinobatsira munhu ari kufunga kuzova nemba uye kuti angachengeta sei vabereki vakwegura.

(Rinowanikwawo paIndaneti pawww.pr418.com. Tarisa pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA)

VABEREKI

“Vana vangu ndinovada chaizvo. Handidi kuzonyara kana vakura”

BHAIBHERI RINOTI:

“Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akura haazotsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.

ZVIKAMU ZVINOBATSIRA ZVEPAINDANETI

Chikamu chakanzi “Vana” chine nyaya dzomuBhaibheri dzine mifananidzo, kudzidzisa pachishandiswa mifananidzo, mavhidhiyo, uye zvidzidzo zvamunogona kudzidzisa vana venyu zviri muBhaibheri kuti . . .

  • vateerere

  • varatidze vamwe mutsa

  • vawirirane nevamwe

  • vagone kutaura kuti “maita basa”

(Tarisai pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VANA)

Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye raDzidza Kumudzidzisi Mukuru ane zvidzidzo zvakanaka zvinogona kukubatsirai kuti muverenge nevana venyu.

(Anowanikwawo paIndaneti pawww.pr418.com. Tarisai pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA)

Vari Kuyaruka

“Ndinoda mazano nezvechikoro, kuteerera vabereki vangu, kuva neshamwari uye panyaya dzevakomana nevasikana. Handisisiri mwana muduku anoudzwa zvokuita”

BHAIBHERI RINOTI:

“Mwoyo wako ngaufare pamazuva ouduku hwako.”—Muparidzi 11:9.

ZVIKAMU ZVINOBATSIRA ZVEPAINDANETI

Chikamu chakanzi “Vari Kuyaruka” chine nyaya nemavhidhiyo zvinogona kukubatsira . . .

  • kana wakasurukirwa

  • une zvinokunetsa kuchikoro

  • kana une mutemo wevabereki wawatyora

  • kana uchishungurudzwa nevamwe

(Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA)

Mabhuku  1 ne2 aMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda anokurukura mibvunzo 77 inonyanya kubvunzwa.

(Anowanikwawo paIndaneti pawww.pr418.com. Tarisa pakanzi MABHUKU > MABHUKU UYE MABHUROCHA)

VANODA KUDZIDZA BHAIBHERI

“Ndinoda kunzwisisa Bhaibheri. Ndoita sei?”

BHAIBHERI RINOTI:

“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa.”—2 Timoti 3:16.

ZVIKAMU ZVINOBATSIRA ZVEPAINDANETI

Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene ishanduro yeBhaibheri yakarurama uye iri nyore kuverenga.

(Tarisa pakanzi MABHUKU > BHAIBHERI)

Chikamu chakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa” chinopindura zvakajeka mibvunzo yakadai seyokuti “Kutambura kwatiri kuita kunokonzerwa naMwari here?” uye “Kana munhu akafa anoendepi?

(Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA)

Unogona kuenda papeji rakanzi “Kumbira Kudzidza Bhaibheri Usingabhadhari” kana uchida kuita zvidzidzo zveBhaibheri.

(Enda papeji yokutanga wotarisa nechekuzasi wobaya pakanzi “Kumbira Kudzidza Bhaibheri”)

“Ndakarega kuverenga Bhaibheri nokuti ndakanga ndisingarinzwisisi. Asi pandakazoridzidza ndichishandisa bhuku ra‘Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?’ ndakaona kuti Bhaibheri harina kumboona kunzwisisa.”—Christina.

Zuva rimwe nerimwe vanhu vanosvika 700 000 vanovhura jw.org. Wadii kuvhura woonawo zviripo?