Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Mesiya

Mesiya

Bhaibheri rakafanotaura kuti Mesiya aizouya panyika uye kuti aizobvisa zvirwere, kutambura uye rufu. Jesu Kristu ndiye Mesiya here?

Vanhu vaizoziva sei kuti ndiye Mesiya wacho?

Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Mesiya, kana kuti Kristu aizouya kaviri, uye mushure mekunge auya kokutanga, paizova nenguva refu asati auya kechipiri. * Kekutanga, aizouya ari munhu wenyama. Kuti vanhu vamuzive, vanyori veBhaibheri vakafanotaura zvinhu zvakawanda zvaaizoita muupenyu hwake nemubasa rake rokuparidza. Kutaura zvazviri, chinangwa chikuru chouprofita hweBhaibheri ‘ndechokupupurira Jesu.’—Zvakazarurwa 19:10.

Jesu paaiva panyika akaita zvinhu zvishoma asi mune ramangwana achaita zvikuru

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Mesiya . . .

Jesu akazadzisa uprofita hwose uhwu nehumwewo hwakawanda hwakataurwa nezvake. Akaporesawo vanorwara uye akamutsa vakafa. Zvose zvakaitwa naJesu zvinotipa uchapupu hwokuti aiva Mesiya uyewo zvinoita kuti tive nechikonzero chakasimba chokutenda kuti munguva yemberi achatoita zvakawanda kudarika zvaakaita. (Ruka 7:21-23; Zvakazarurwa 21:3, 4) Jesu paakamutswa akanogara ‘kuruoko rworudyi’ rwaMwari achimirira nguva yokuti apedzise basa rake saMesiya.—Pisarema 110:1-6.

“Kristu paanosvika, angazoita zviratidzo zvinopfuura zvaitwa nomunhu uyu here?”Johani 7:31.

Mesiya achapedzisa basa rake sei?

VaJudha vairarama panguva yaJesu vaitarisira kuti Mesiya aizovasunungura pakutongwa nevaRoma uye obva aita mambo wavo. (Mabasa 1:6) Vateveri vaJesu vechiJudha vakatozonzwisisa pava paya kuti Mesiya aizopedzisa basa rake ari kudenga pashure pokunge apiwa simba.—Mateu 28:18.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Paachauya kechipiri, Mesiya . . .

Jesu akaita zvose zvaakanzi aizoita pakuuya kwake kwokutanga saMesiya. Achaitawo zvose zvaakanzi achaita pakuuya kwake kechipiri. Saka vanhu vakachenjera vanotodzidza nezvake nokuti iye akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu.”—Johani 14:6.

‘Mumazuva ake, munhu akarurama achakura zvakanaka, uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo. Achatonga vanhu kusvikira kumigumo yenyika.’Pisarema 72:7, 8.

^ ndima 5 Shoko rokuti “Mesiya” nderechiHebheru uye rinoreva zvakafanana nerechiGiriki rokuti “Kristu.”—Johani 1:41.

^ ndima 7 Vhesi yokutanga iri kuratidza uprofita hwacho uye yechipiri iri kuratidza kuzadzika kwahwakaita.