Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakambozvibvunzawo Here Mibvunzo Iyi?

Wakambozvibvunzawo Here Mibvunzo Iyi?
  • Kana Mwari achitida, nei achirega zvinhu zvakaipa zvichiitika uye vanhu vachitambura?

  • Tinoziva sei kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira uye kuti nyika yava pedyo kuparadzwa?

  • Tinoziva sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezveUmambo hwaMwari zvichaitika?

  • Bhaibheri rinogona kutibatsira here kuita zvisarudzo zvakanaka?

Musiki wedu akatipa mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwewo nekuti anotida. Kuti uwane mhinduro dzacho enda pawebsite yedu inonzi www.pr418.com, iyo inobatsira vanhu kuti vazive zvinodzidziswa neBhaibheri.

Pawebsite iyi uchawana nyaya dzakasiyana-siyana, dzimwe dzacho unokwanisa kuita dzekuteerera, panewo mavhidhiyo, mabhuku nezvimwewo zvakawanda kusanganisira Bhaibheri. Zvese izvi hazvibhadhariswi.