Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 1 2024 | Vanhu Vachiri Kuremekedzana Here?

Vanhu havachanyanyi kuremekedza vamwe, saka zvava kutoshamisa kuona munhu achiremekedza vamwe.

Semuenzaniso, vanhu vakawanda havacharemekedzi vabereki vavo, vanhu vakura, mapurisa, vavanoshandira, uye vadzidzisi. Uyewo vanhu vari kuwedzera kunyora mashoko anoratidza kusaremekedza vamwe paIndaneti. Imwe nyaya yakabuda mumagazini inonzi Harvard Business Review yakati: “Vanhu vari kuwedzera kusatomboremekedza vamwe.” Yakawedzera kuti: “Pane mishumo yakawanda yekusaremekedzana kuri kuita vanhu.”

 

Vanhu Vachiri Kuremekedza Vamwe Here?

Dzidza kuti nei zvichikosha kuremekedza vamwe uye kuti ungaremekedza sei vamwe.

Vanhu Vachiri Kukoshesa Upenyu Here?

Ona zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuti tingakoshesa sei upenyu hwedu uye hwevamwe.

Vanhu Vachiri Kuremekedzana Mumhuri Here?

Mhuri dzese dzinogona kufara kana munhu mumwe nemumwe ari mumhuri achiremekedza vamwe.

Vanhu Vachiri Kuzviremekedza Here?

Bhaibheri rinogona kubatsira vanhu kuti vasazviona sevasingakoshi uye vavandudze upenyu hwavo zvoita kuti vazviremekedze.

Vanhu Vachiri Kuremekedzana Here?

Verenga nyaya dziri kutaura nezvekuremekedzana uye ona zviri kuitwa neZvapupu zvaJehovha kuti vanhu pasi rese varemekedzane.