Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vachiri Kukoshesa Upenyu Here?

Vanhu Vachiri Kukoshesa Upenyu Here?

NEI UCHIFANIRA KUKOSHESA UPENYU?

Kana uchiita zvinhu zvinokanganisa utano hwako kana kuti zvinoisa upenyu hwevamwe pangozi unenge uchiratidza kuti haukoshesi upenyu hwako uye hwevamwe.

  • Kuputa kunokonzera kenza uyewo kunoita kuti muviri utadze kuirwisa. Pavanhu vanofa nekenza yemapapu, vakawanda vavo vanenge vachiputa kana kuti vakakanganiswa nevanhu vanoputa.

  • Gore negore kupfurwa kunoitwa vanhu panguva imwe chete kunoita kuti vakawanda vatange kutya. Imwe ongororo inoratidza kuti kunyange vaya vanenge vapona panopfurwa vanhu kuchikoro vanoramba vachishungurudzika uye vachinetseka kwemakore akawanda.

  • Vanhu vanotyaira pashure pekunge vanwa doro kana kuti vashandisa madrugs vanoita kuti zvive nengozi kufamba mumigwagwa kunyange kune vaya vanenge vachifamba netsoka. Kana vanhu vachiratidza kuti havana basa neupenyu, kakawanda kacho zvinokanganisa vaya vanohukoshesa.

ZVAUNGAITA

Chengetedza utano hwako. Usambofa wakaona sekuti hazvichaiti kuti usiyane nemaitiro asina kunaka akadai sekuputa, kuvhepa, kunwisa, kana kushandisa madrugs uchiitira kumbozvivaraidza. Maitiro akadaro anokanganisa upenyu hwako uye anoratidza kuti haukoshesi upenyu hwevaya vaunogara navo kusanganisira vemumhuri mako.

“Ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama.”—2 VaKorinde 7:1.

Ngwarira njodzi. Kuti pasava nenjodzi, ita kuti zvinhu zvigare zvichishanda zvakanaka pamba. Tyaira mota yako zvakanaka, uye iva nechokwadi chekuti zvinhu zvese zviri pairi zviri kushanda zvakanaka. Usabvumira vamwe vanhu kuti vakumanikidze kuita zvinhu zvinogona kuita kuti munhu akuvare zvakanyanya kana kuti afe.

“Kana ukavaka imba, unofanira kuvaka kamudhuri kanopoteredza denga racho, kuti urege kuisa mhosva yekudeura ropa paimba yako mumwe munhu adonha achibva pairi.”—Dheuteronomi 22:8. a

Iva nehanya nevamwe. Kukoshesa upenyu kunooneka nemabatiro atinoita vanhu verumwe rudzi, uye vekune dzimwe nyika, vangava vapfumi kana kuti varombo, vakadzidza kana kuti vasina. Izvi zvakadaro nekuti mhirizhonga dzakawanda dziri munyika uye hondo, zvinowanzokonzerwa nekusafarira vamwe vanhu uye kuvavenga.

“Bvisai kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka, pamwe chete nezvinhu zvese zvakaipa. Asi itiranai mutsa.”—VaEfeso 4:​31, 32.

ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA

Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vamwe kuti vachengetedze utano. Kudzidzisa kwatinoita vanhu Bhaibheri kuri kuvabatsira kuti vakunde maitiro akaipa anenge akavapinda muropa.

Tinonyatsotevedzera zvatinodzidziswa kuti tidzivise njodzi patinenge tichiita mabasa ekuvaka. Vaya vanozvipira pakubatsira kuvaka nzvimbo dzekunamatira uyewo zvimwe zvivakwa zvinoshandiswa pabasa redu rekudzidzisa vanhu Bhaibheri vanodzidziswa zvavanofanira kuita kuti pavanenge vachishanda pasaitika tsaona. Zvivakwa zvedu zvinogara zvichiongororwa kuti zvionekwe kuti zviri kuenderana here nezvinotaurwa nemitemo panyaya yekudzivirira njodzi.

Tinobatsira vanhu vanowirwa nenjodzi. Muna 2022, pasi rese takabatsira panjodzi dzingada kusvika 200, uye takashandisa mari inoda kusvika US$12 000 000 iyo yakapiwa sezvipo kuti ibatsire vakanga vawirwa nenjodzi.

Pakatanga kupararira Ebola kuWest Africa muna 2014 uye kuDemocratic Republic of Congo muna 2018, takadzidzisa vanhu kuti vangaitei kuitira kuti chirwere ichi chinouraya chisapararira. Takaita kuti pave nevanhu vaienda kunodzidzisa vamwe nyaya yaiva nemusoro waiti “Kuteerera Kunochengetedza Upenyu.” Takaitawo kuti pamasuo aipindwa nawo munzvimbo dzedu dzekunamatira pave nepekugezera maoko, uye takasimbisawo kukosha kwazvakaita kugeza maoko, tikatsanangurawo zvaigona kuitwa nevanhu kuti chirwere ichi chisapararira.

MuSierra Leone, Zvapupu zvaJehovha zvakarumbidzwa paredhiyo nekubatsira kwazvaiita zvimwe Zvapupu uyewo vamwe vanhu vaisava Zvapupu pakuita kuti chirwere cheEbola chisapararira.

Paigezerwa maoko paImba yeUmambo muna 2014 paipararira Ebola muLiberia

a Kare, mavakiro edzimba akadaro airatidza kuti munhu aikoshesa upenyu hwemhuri yake nehwevamwe.