Vanhu Vachiri Kuremekedza Vamwe Here?
NEI ZVICHIKOSHA KUREMEKEDZA VAMWE?
Kuremekedza vamwe kunoita kuti vasanyanya kugumbuka kana kuri kuti pane patisina kunzwisisana navo.
-
Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Kutaura kana kuita zvinhu zvinoratidza kusaremekedza vamwe kunoita kuti vamwe vawedzere kutsamwa, uye kakawanda kacho zvinhu zvinobva zvatowedzera kuipa.
-
Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mateu 12:34) Kusaremekedza vamwe nezvatinotaura kunogona kutoratidza kuti tine dambudziko rakakura chaizvo pamaonero atinoita vanhu verumwe rudzi, vanobva kune imwe nyika, kana kuti vane mamiriro ezvinhu akasiyana needu.
Paongororo ichangobva kuitwa pavanhu vanopfuura 32 000 munyika 28, vanopfuura hafu yavo vakati kusaremekedzana kuri kuita vanhu kwanyanya. Vakataura kuti havasati vamboona zvakadaro.
ZVAUNGAITA
Ungava uri kuchikoro kana kubasa, remekedza vanhu vese kunyange vaya vane maonero akasiyana neako. Tsvaga zvinhu zvaunogona kubvumirana navo. Izvozvo zvichakubatsira kuti usavashora kana kuti kuvatonga.
Bata vamwe semabatiro aunoda kuitwa. Kana uine hanya nevamwe uye uchivabata zvakanaka, kakawanda kacho vachakuitirawo izvozvo.
Regerera vamwe. Kana mumwe munhu akataura kana kuita zvinhu zvinokurwadza, usaona sekuti ndizvo zvaanga akaronga.
ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza vamwe uye zvinokurudzira vanhu kuti varemekedzane.
Tinokurukura nevanhu mazano anobva muBhaibheri asi hativamanikidzi kuti vabvume zvatinotenda kana kuti maonero edu. Tinoedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri patinoudza vamwe mashoko edu “neunyoro neruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15; 2 Timoti 2:24.
Hatisaruri vamwe uye tinogamuchira munhu wese anoda kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri pamisangano yedu yeungano pasinei nekwaanobva. Tinonzwisisa kuti munhu wese ane kodzero yekusarudza zvaanoda uye “tinoremekedza vanhu vese.”—1 Petro 2:17, New International Version.
Tinoremekedza hurumende kwatinogara. (VaRoma 13:1) Tinoteerera mutemo uye tinobhadhara mitero. Uye kunyange zvazvo tisingapindiri mune zvematongerwo enyika, tinobvuma kuti vanhu vane kodzero dzekusarudza zvavanoda panyaya dzezvematongerwo enyika.