Vanhu Vachiri Kuremekedzana Mumhuri Here?
NEI ZVICHIKOSHA KUTI VANHU VAREMEKEDZANE MUMHURI?
Kuremekedzana mumhuri kunoita kuti vanhu vagarisane zvakanaka.
-
Bhuku rinonzi The Seven Principles for Making Marriage Work rinotaura kuti kana murume nemudzimai vachiremekedzana, vanoratidzana rudo “nezvinhu zvikuru uye zvidiki zvavanoitirana zuva nezuva.”
-
Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vana vanodzidza kuremekedza vamwe havazvitarisiri pasi, vanowirirana nevabereki vavo, uye havanyanyi kuzvidya mwoyo kana kunetseka.
ZVAUNGAITA
Rongai zvamunoda kuita muri pamwe chete semhuri. Chekutanga, ivai nechokwadi chekuti muri kunzwisisa kuti “kuremekedza munhu” kuita sei. Chechipiri, nyorai pasi maitiro amunotarisira kuti munhu wese ari mumhuri ave nawo uyewo aasingafaniri kuva nawo. Chechitatu, kurukurai nevana venyu zvamunenge maronga kuitira kuti munhu mumwe nemumwe ari mumhuri azive zvaanofanira kuita pakuremekedza vamwe.
Ratidza muenzaniso wakanaka. Unotsoropodza vemumhuri mako here pavanokanganisa? Unovashora here pavanotaura maonero avo, kana kusavateerera uye kuvadimburira pavanenge vachitaura newe?
Edza izvi: Remekedza wawakaroorana naye uye vana vako. Usaona sekuti vanofanira kutanga vaita chimwe chinhu kuti uzovaremekedza.
Remekedza vamwe kunyange usingabvumirani navo. Paunenge uchitaura manzwiro ako, usataura mashoko akadai sekuti, “unogara uchi-” kana kuti “haumbo-.” Mashoko akadaro anoita kuti mumwe munhu wemumhuri anzwe sekuti haasi kuremekedzwa uye anogona kuita kuti nyaya diki izopedzisira yakura.
ZVIRI KUITWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
Zvapupu zvaJehovha zvinokurudzira mhuri kuti dziremekedzane, uye izvozvo ndizvo zvinogara zvichitaurwa munyaya dzinobudiswa pawebsite yedu, uyewo mumavhidhiyo nemumabhuku edu, zvaunokwanisa kuwana usingabhadhari.
KUNE VARI MUWANANO: Nyaya dzinogara dzichibuda pakanzi Mazano Ekubatsira Mhuri dzinogona kubatsira varume nemadzimai kuti . . .
-
vanyatsoteererana
-
vasanyararirana
-
vasapopotedzane
(Pajw.org tsvagai pakanzi “Mazano Ekubatsira Mhuri”)
KUNE VABEREKI: Nyaya dzinogara dzichibuda pakanzi Mazano Ekubatsira Mhuri dzinogona kubatsira vabereki kudzidzisa vana vavo kuti . . .
-
vave vanhu vanoteerera
-
vaitewo mabasa epamba
-
vataure kuti “ndinokumbirawo” uye kuti “mazvita”
(Pajw.org tsvagai pakanzi “Kurera Vana” uye “Kurera Vana Vari Kuyaruka”)
Onaiwo pakanzi Mashoko Okuwedzera, “Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki,” mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1. (Pajw.org tsvagai pakanzi “Mibvunzo Inobvunzwa Nevabereki”)
KUNE VECHIDIKI: Pajw.org pane chikamu chakanzi Vari Kuyaruka chine nyaya, mavhidhiyo, uye mapepa akanzi “Mapepa Ezvandakaronga Kuita Evechiduku.” Zvese izvi zvinogona kubatsira vechidiki kuti . . .
-
vakwanise kuwirirana nevabereki vavo uye nevamwe vana vemumba mavo
-
vataure nevabereki vavo zvine ruremekedzo panyaya yemitemo yavanopiwa
-
vakwanise kuita zvinhu zvinoita kuti vabereki vavo vavimbe navo
(Pajw.org tsvaga pakanzi “Vari Kuyaruka”)
Kushandisa website yejw.org hakubhadhariswi. Hapana mari yaunofanira kubvisa, uye haufaniri kutumira zita rako, nhamba dzefoni, kana mamwewo mashoko ane chekuita newe.