Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare

Tinogara tichinzwa nezvemhuri dzakawanda dziri kuparara. Asi chii chiri kubatsira dzimwe mhuri kuti dzifare?

  • Kubva muna 1990 kusvika muna 2015, nhamba yevanhu vakarambana kuUnited States yakawedzera. Nhamba yevane makore 50 zvichikwira yakapetwa kaviri uye yevane makore 65 zvichikwira yakapetwa katatu.

  • Vabereki havachazivi kuti voita sei: Dzimwe nyanzvi pakurera vana dzinoti vana ngavagare vachingorumbidzwa asi vamwe vanoti ngavarangwe kuti vakure vari vana kwavo.

  • Vechidiki vari kukura vasina ruzivo ruchazovabatsira muupenyu.

Asi chokwadi ndechekuti . . .

  • Wanano inogona kuita kuti mufare uye muchembedzane.

  • Vabereki vanogona kuranga vana vavo zvine rudo.

  • Vechidiki vanogona kuwana ruzivo ruchazovabatsira kana vakura.

Magazini ino ine zvinhu 12 zviri kubatsira mhuri kuti dzifare.