Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sumo

Sumo

Zvinhu 6 Zvinofanira Kudzidziswa Vana

Munoda kuti mwana wenyu azova munhu akaita sei paanenge akura?

  • Anozvidzora

  • Anozvininipisa

  • Anoshingirira

  • Anoshanda Nesimba

  • Anoziva Zvaanoita

  • Akatendeseka

Vana havangoerekani vava neunhu hwakadai. Vanoda kutungamirirwa nemi.

Magazini ino ichataura zvinhu 6 zvakakosha zvamunogona kudzidzisa vana venyu, uye zvidzidzo izvi zvichavabatsira pavanenge vakura.