Pakunamata
Sezvambotaurwa patangira nyaya ino, vanhu vakawanda vanoremekedza Bhaibheri chaizvo. Pavanoriverenga voshandisa zvarinotaura muupenyu hwavo, vanonzwisisa chinangwa cheupenyu uye vanowedzera kuswedera pedyo naMwari.
Bhaibheri rinoti mararamiro anoita munhu ndiwo anoratidza kuti ari kutungamirirwa naMwari here kana kuti kwete. (Judha 18, 19) Vanhu vanotungamirirwa naMwari vanoteerera mitemo yake asi vaya vasingadi kutungamirirwa naye vanovimba nemafungiro avo.—VaEfeso 5:1.
TARIRO
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika, simba rako rinova shoma.”—Zvirevo 24:10.
ZVAZVINOREVA: Patinenge takaora mwoyo zvinotiomera kukunda matambudziko atinosangana nawo muupenyu. Asi tariro inotipa ushingi hunodiwa kuti titsungirire. Matambudziko edu ndeenguva pfupi uye tinogona kuzowana chimwe chinhu chakanaka pashure pematambudziko iwayo.
ZVAUNOGONA KUITA: Edza kuva nemafungiro akanaka. Pane kunyanya kunetseka uchifunga nezvezvinhu zvinogona kuitika mune ramangwana, kana kumirira kuti zvinhu zvese zvitange zvanaka, ita zvaunogona kuti uzadzise zvinangwa zvako. Ichokwadi kuti dzimwe nguva ‘zvinhu zvatisingatarisiri’ zvinogona kuitika muupenyu. (Muparidzi 9:11) Asi kakawanda kacho hazvizoipi sezvataifungidzira. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nekuti hauzivi kuti ndezvipi zvichabudirira, ichi here kana kuti icho, kana kuti zvese zvichaita zvakanaka.”—Muparidzi 11:6.
MHINDURO DZEMIBVUNZO INOKOSHA YEUPENYU
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Itai kuti ndinzwisise . . . Shoko renyu rese ichokwadi.”—Pisarema 119:144, 160.
ZVAZVINOREVA: Bhaibheri rinopindura mibvunzo inobvunzwa nevakawanda. Mimwe yacho ndeiyi:
-
Takabva kupi?
-
Tinoraramirei?
-
Chii chinoitika kumunhu paanofa?
-
Kana munhu akafa zvatopera here?
Mamiriyoni evanhu pasi rese ari kubatsirwa nekuongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvemibvunzo iyi nemimwewo.
ZVAUNOGONA KUITA: Ongorora zvinodzidziswa neBhaibheri. Unogona kukumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akubatsire kunzwisisa Bhaibheri. Unogonawo kuenda pawebsite yedu inonzi jw.org, kana kupinda misangano yedu. Munhu wese akasununguka kuuya uye hapana mari inobhadhariswa.
ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
ZIVA KUTI UNODA KUTUNGAMIRIRWA NAMWARI.
“Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.”—MATEU 5:3.
DZIDZA ZVAKAWANDA NEZVAMWARI MUBHAIBHERI.
‘Tsvagai Mwari mumuwane, haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’—MABASA 17:27.
VERENGA UYE FUNGISISA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI.
‘Anofara munhu anofarira mutemo waJehovha, * uye anofungisisa mutemo wake siku nesikati. Zvese zvaanoita zvichabudirira.’—PISAREMA 1:2, 3, mashoko emuzasi.
^ ndima 23 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.