MUKAI! Nhamba 6 2016 | Tingazvidzivirira Sei Pazvirwere?

Zvirwere zvitsva uye zvimwe zvava kudzoka zvekare zvinogona kukurwarisa. Ungazvidzivirira sei?

NYAYA IRI PAKAVHA

Tingazvidzivirira Sei Pazvirwere?

Zuva nezuva muviri wako unorwisana neutachiona uye humwe hwacho hunogona kuuraya.

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvidzivirire Pazvirwere

Verenga unzwe zvinhu 5 zvinogona kukurwarisa, uye zvaungaita kuti uzvidzivirire.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Tutambo Twehozhwa Inonzi Marine Mussel

Hozhwa idzi dzinonamira pazvinhu dzichishandisa tutambo tutete tete. Kunzwisisa mashandiro anoita tutambo utwu kunogona kubatsira pakugadzira zvinhu zvinenge zvichida kunamirwa pazvivako kana kuti pakubatanidza nyama nemabhonzo.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Zvaungaita Kuti Uremekedze Mumwe Wako

Murume nemudzimai vanofanira kugara vachiremekedzana. Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unoremekedza mumwe wako?

ZVAKAITIKA KARE

Desiderius Erasmus

Erasmus anonzi aiva ‘nemukurumbira wakafanana newemunhu anenge achizivikanwa pasi rose.’ Chii chakaita kuti ave nemukurumbira wakadaro?

Hove Inonzi Clown Fish

Hove iyi ine mavara anoyevedza uye kugara kwainoita neanemone kunoshamisa. Inozviita sei kuti ikwanise kugara neanemone?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Kubata Nguva

Kubata nguva kune zvakunobatsira here? Bhaibheri rinotii nezvenyaya iyi? Ungaita sei kuti ubate nguva?

Indekisi yeMukai! dza2016

Indekisi yenyaya dzakabudiswa muna 2016 muMukai!

Zvimwe Zviri paIndaneti

Rongedza Zvinhu Zvako

Jehovha anoisa zvinhu zvose panzvimbo yakakodzera. Ona kuti ungamutevedzerawo sei!

Bhaibheri Rinoti Chii nezveKrisimasi?

Pane zvinhu 6 zvinoitwa paKrisimasi zvinoratidza kwayakatangira uye ukazviongorora unogona kushamisika nazvo.