Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 4

Chiitiko Chinotidzidzisa nezvaMambo Wekudenga

Chiitiko Chinotidzidzisa nezvaMambo Wekudenga

“Ichi chinomirira muviri wangu. . . . Iyi inomirira ‘ropa rangu resungano.’”—MAT. 26:26-28.

RWIYO 16 Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Nei tingatarisira kuti Jesu aizotipa nzira iri nyore yekuyeuka nayo rufu rwake? (b) Tichakurukura nezveunhu hupi hwaJesu?

UNOGONA here kutsanangura zvinoitwa paChirangaridzo cherufu rwaKristu? Vakawanda tinokwanisa kuyeuka zvinoitwa paKudya kwaShe Kwemanheru. Nei zvakadaro? Nekuti hapana zvakawandawanda zvinoitwa. Kunyange zvakadaro, chiitiko ichi chinokosha. Saka tingabvunza kuti, ‘Nei kudya uku kusina twakawandawanda?’

2 Paaiita ushumiri hwake panyika, Jesu aizivikanwa nekudzidzisa zvinhu zvinokosha nenzira yakajeka uye iri nyore kunzwisisa. (Mat. 7:28, 29) Saizvozvowo, akaita kuti tiyeuke * rufu rwake nenzira isina twakawandawanda asi inokosha. Ngatinyatsofungai nezvekudya uku kweChirangaridzo nezvimwe zvinhu zvakataurwa naJesu uye zvaakaita. Tichawedzera kunzwisisa kuzvininipisa, ushingi uye rudo rwuna Jesu, uye tichadzidza kuti tinganyatsomutevedzera sei.

JESU ANOZVININIPISA

Chingwa newaini zvinoshandiswa paChirangaridzo zvinotiyeuchidza kuti Jesu akatipa upenyu hwake uye kuti iye zvino ava Mambo wedu kudenga (Ona ndima 3-5)

3. Sezvinotaurwa pana Mateu 26:26-28, Jesu paakatanga kudya kweChirangaridzo akashandisa chii, uye zvinhu zviviri zvaakashandisa zvaimiririrei?

3 Jesu akatanga Chirangaridzo cherufu rwake aine vaapostora vake 11 vakatendeka. Akatora zvinhu zvainge zvasara paPaseka ndokutanga chiitiko ichi chisina twakawandawanda. (Verenga Mateu 26:26-28.) Akangoshandisa chingwa chisina mbiriso newaini zvainge zviripo. Jesu akaudza vaapostora vake kuti zvinhu zviviri izvozvo zvaimiririra muviri wake neropa rake zvainge zvisina chivi, izvo zvaaizopa nekuda kwavo. Vaapostora vangangodaro vasina kushamisika kuti chiitiko ichi chitsva chinokosha chaisava netwakawandawanda. Nei vangangodaro vasina kushamisika?

4. Zano rakapiwa Marita rinotibatsira sei kunzwisisa chakaita kuti Jesu asaita Chirangaridzo chine twakawandawanda?

4 Funga zvakanga zvaitika mwedzi yakanga yadarika, mugore rechitatu reushumiri hwaJesu, paakaenda kumba kweshamwari dzake dzepedyo, Razaro, Marita naMariya. Jesu atanga kuvadzidzisa. Marita akanga aripo, asi aivhiringwa nekugadzirira muenzi wake zvekudya zvakawanda. Achiona izvi, Jesu akaruramisa Marita nemutsa, achimubatsira kuti aone kuti hapasi pese panodiwa zvekudya zvakawanda. (Ruka 10:40-42) Kwasara maawa mashoma kuti aurayiwe sechibayiro, Jesu akashandisa zano rake. Akava nechokwadi chekuti kudya kweChirangaridzo kwakanga kusina twakawandawanda. Izvi zvinotiudzei nezvaJesu?

5. Kudya uku kusina twakawandawanda kunoratidzei nezvaJesu, uye izvi zvinoenderana sei nezviri pana VaFiripi 2:5-8?

5 Jesu aizvininipisa pane zvese zvaaitaura uye zvaaiita. Saka hazvishamisi kuti akaratidza kuzvininipisa kwakakura pausiku hwake hwekupedzisira asati afa. (Mat. 11:29) Aiziva kuti ainge ava pedyo nekupa chibayiro chinopfuura zvese zvakambopiwa nevanhu uye kuti Jehovha aizomumutsa kuti ave mambo kudenga. Kunyange zvakadaro, haana kuda kuita kuti vanhu vanyanye kufunga nezvake nekuita mutambo wemaoresa wekuyeuka rufu rwake. Akaudza vadzidzi vake kuti kamwe chete pagore vaifanira kumuyeuka nekuva nechiitiko ichi chisina twakawandawanda. (Joh. 13:15; 1 VaK. 11:23-25) Kudya uku kusina twakawandawanda, asi kwakakodzera, kunoratidza kuti Jesu aisazvikudza. Tinofara kuti kuzvininipisa ndehumwe hweunhu hunokosha hwaMambo wedu wekudenga.—Verenga VaFiripi 2:5-8.

6. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJesu patinenge tiri mumatambudziko?

6 Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJesu? Nekukoshesa zvinodiwa nevamwe kupfuura zvatinoda isu pachedu. (VaF. 2:3, 4) Funga zvakaitika usiku hwekupedzisira Jesu asati afa. Jesu aiziva kuti pasina nguva aizofa zvinorwadza, asi ainyanya kufunga nezvevaapostora vake vakatendeka avo vaizoshungurudzika nekufa kwake. Saka muusiku ihwohwo akavarayiridza, akavakurudzira, uye akavasimbisa. (Joh. 14:25-31) Achizvininipisa, Jesu akaratidza kuti aiva nehanya nezvakanakira vamwe kupfuura zvakamunakira. Uyu muenzaniso wakazonaka waakatiratidza.

JESU ANE USHINGI

7. Jesu akaratidza sei ushingi hwakakura achangobva kuita Kudya kwaShe Kwemanheru?

7 Pashure pekunge aita Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akaratidza ushingi hwakakura. Akahuratidza sei? Akabvuma kuita zvaidiwa naBaba vake kuti aite, kunyange zvazvo aiziva kuti izvozvo zvaizoita kuti aurayiwe semunhu ane mhosva inonyadzisa yekumhura. (Mat. 26:65, 66; Ruka 22:41, 42) Jesu akaramba akanyatsoperera kuitira kuti akudze zita raJehovha, atsigire uchangamire hwaMwari, uye avhure nzira yekuti vanhu vanenge vapfidza vawane upenyu husingaperi. Panguva imwe chete, Jesu akabatsira vateveri vake kuti vagadzirire zvavaizotarisana nazvo nekukurumidza.

8. (a) Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka kutii? (b) Pashure pekunge Jesu afa, vadzidzi vake vakatevedzera sei muenzaniso wake?

8 Jesu akaratidzawo ushingi nekusaisa pfungwa pakuzvidya mwoyo chero kupi kwaangadaro aiva nakwo uye nekuratidza kuti aiva nehanya nezvaidiwa nevaapostora vake vakatendeka. Chiitiko ichi chaakatanga pashure pekudzinga Judhasi, chaizoyeuchidza vaya vaizova vateveri vake vakazodzwa nezvekubatsirwa kwavanoitwa neropa raJesu rakadeurwa uye kuva musungano itsva. (1 VaK. 10:16, 17) Kuti avabatsire kuti varambe vakatendeka vozova naye kudenga, Jesu akaudza vateveri vake kuti iye naBaba vake vaitarisira kuti vaitei. (Joh. 15:12-15) Jesu akaudzawo vaapostora nezvemiedzo yavaizosangana nayo. Akabva avakurudzira kuti vamutevedzere achiti, “Shingai!” (Joh. 16:1-4a, 33) Makore akawanda akazotevera, vadzidzi vaJesu vakanga vachiri kutevedzera kuzvipira kwake uye vakanga vachiri kuratidza ushingi. Kunyange zvazvo vaifanira kutambura, vakabatsirana mumiedzo yakasiyana-siyana.—VaH. 10:33, 34.

9. Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza ushingi?

9 Saizvozvowo, mazuva ano tinotevedzera Jesu pakuratidza ushingi. Semuenzaniso, zvinoda ushingi kuti tibatsire hama dzedu dzinenge dzichitambudzirwa kutenda kwadzo. Dzimwe nguva hama dzedu dzinogona kuiswa mujeri dzisina mhosva. Izvozvo pazvinoitika, tinofanira kudziitira zvese zvatinogona, kusanganisira kudzidzivirira. (VaF. 1:14; VaH. 13:19) Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti takashinga ndeyekuramba tichiparidza ‘neushingi.’ (Mab. 14:3) Kufanana naJesu, takatsunga kuparidza mashoko eUmambo, kunyange zvazvo vanhu vakatipikisa kana kutitambudza. Asi dzimwe nguva tinogona kuona kuti hatina ushingi. Tingaitei?

10. Mavhiki mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa, tinofanira kuitei uye nei tichifanira kudaro?

10 Tinogona kuwedzera ushingi hwedu nekufunga nezvetariro yatinova nayo nemhaka yechibayiro chaKristu cherudzikinuro. (Joh. 3:16; VaEf. 1:7) Mavhiki mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa, tine mukana wekuwedzera kuonga kwatinoita rudzikinuro. Panguva iyoyo, fambirana nepurogiramu yekuverengwa kweBhaibheri kweChirangaridzo uye fungisisa zvakaitika panguva yakafa Jesu. Patinozoungana paKudya kwaShe Kwemanheru, tichanyatsonzwisisa kukosha kwechingwa newaini zveChirangaridzo uye chibayiro chazvinomiririra. Patinonzwisisa zvatakaitirwa naJesu naJehovha uye kuti zvinotibatsira sei, tariro yedu inowedzera kusimba, uye tinokurudzirwa kutsungirira kusvikira kumugumo.—VaH. 12:3.

11-12. Kusvika pari zvino tadzidzei?

11 Tadzidza kuti Kudya kwaShe Kwemanheru kunotiyeuchidza nezverudzikinuro runokosha uyewo kuzvininipisa uye kushinga kwaJesu. Tinoonga chaizvo kuti Jesu achiri kuratidza unhu uhwu seMupristi wedu Mukuru wekudenga, uyo anotitetererera. (VaH. 7:24, 25) Kuti tiratidze kuonga zvichibva pasi pemwoyo, tinofanira kuramba tichiyeuka rufu rwaJesu, sezvaakarayira. (Ruka 22:19, 20) Tinoita izvi musi unoenderana naNisani 14, zuva rinokosha kupfuura mamwe ese pagore.

12 Tinodzidza humwe unhu hwakaita kuti Jesu atifire pazvinhu zvakashandiswa paKudya kwaShe Kwemanheru. Paaiva panyika aizivikanwa neunhu ihwohwo. Unhu hupi ihwohwo?

JESU ANE RUDO

13. Rudo rwakaratidzwa naJehovha naJesu runorondedzerwa sei pana Johani 15:9 na1 Johani 4:8-10, uye ndiani anobatsirwa nerudo rwacho?

13 Pane zvese zvaakaita, Jesu akanyatsoratidza kuti Jehovha anotida zvikuru. (Verenga Johani 15:9; 1 Johani 4:8-10.) Chinonyanya kukosha ndechekuti Jesu akazvipira nemwoyo wese kuti atifire. Tingava vakazodzwa kana kuti ‘vemamwe makwai,’ tinobatsirwa nerudo rwakaratidzwa naJehovha neMwanakomana wake pavakatipa chibayiro ichocho. (Joh. 10:16; 1 Joh. 2:2) Funga zvakare nezvezvinhu zvakashandiswa pakudya kweChirangaridzo. Zvinoratidza rudo rwaJesu uye kufunga kwaanoita zvakanakira vadzidzi vake. Zvinoratidza sei izvozvo?

Achiratidza rudo, Jesu akatanga Chirangaridzo chisina twakawandawanda zvekuti chaigona kuitwa kwemazana akawanda emakore uye mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana (Ona ndima 14-16) *

14. Jesu akaratidza sei kuti aida vadzidzi vake?

14 Jesu akaratidza kuti aida vateveri vake vakaberekwa nemweya mutsvene nekutanga chiitiko chisina twakawandawanda, pane kutanga zvinhu zvaizovaomera. Nekufamba kwenguva vadzidzi ivavo vakazodzwa vaifanira kuita Chirangaridzo gore negore, mumamiriro ezvinhu akasiyana siyana, kusanganisira mumajeri. (Zvak. 2:10) Vakakwanisa kuita zvavakaudzwa naJesu here? Hongu vakakwanisa.

15-16. Vamwe vakaita sei kuti vakwanise kuva neKudya kwaShe Kwemanheru mumamiriro ezvinhu akaoma?

15 Kubva panguva yevaKristu vekutanga kusvika panguva ino, vaKristu vachiri kuyeuka rufu rwaJesu. Vanotevedzera nepavanogona napo zvakaitwa naJesu paKudya kwaShe Kwemanheru, dzimwe nguva vachizviita mumamiriro ezvinhu akaoma. Funga nezvemienzaniso inotevera. Hama Harold King pavainge vari mujeri muChina vakavharirwa mavo vega, vaitofanira kutsvaga nzira yekuita nayo Chirangaridzo. Pasina aizviziva, vakagadzira zvekushandisa paChirangaridzo nezvinhu zvavaiva nazvo. Vakaitawo zvese zvavaigona kuti vazive musi weChirangaridzo. Pakasvika nguva yacho, vakaimba, vakanyengetera uye vakapa hurukuro yeBhaibheri vari vega mavainge vakavharirwa.

16 Mumwe muenzaniso ndewehanzvadzi dzaiva mumusasa wevasungwa panguva yeHondo Yenyika II. Dzakaisa upenyu hwadzo pangozi kuti dzive neKudya kwaShe Kwemanheru. Asi sezvo pasina twakawandawanda tunoshandiswa paChirangaridzo, vakakwanisa kuchiita vasingaonekwi. Dzakati: “Takamira pedyo nepedyo takaita denderedzwa, pakati pedu paine chituru chakanga chakafukidzwa nejira jena chaiva nechingwa newaini. Takashandisa kenduru sezvo chiedza chemagetsi chaizoita kuti tionekwe kuti taiitei. . . . Takadzokorora mhiko dzatakaita kuna Baba vedu kuti tichashandisa simba redu rese pakureverera zita ravo dzvene.” Dzakaratidza kutenda kwakakura chaizvo! Uye Jesu akaratidza rudo rwakakura paakaita kuti tikwanise kuita Chirangaridzo kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma.

17. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

17 Chirangaridzo zvachinoswedera pedyo, zvakanaka kuti tizvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Ndinganyatsotevedzera sei Jesu pakuratidza rudo? Ndinofunga zvinodiwa nevandinonamata navo kupfuura zvandinoda ini pachangu here? Ndinotarisira kuti hama nehanzvadzi dzangu dziite zvakawanda kupfuura zvadzinogona here, kana kuti ndinoziva zvadzisingakwanisi kuita?’ Ngatirambei tichitevedzera Jesu uye ‘tichinzwirana ngoni.’—1 Pet. 3:8.

RAMBA UCHIYEUKA ZVIDZIDZO IZVI

18-19. (a) Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho? (b) Watsunga kuitei?

18 Munguva pfupi iri kuuya tinenge tisingachafaniri kuita Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Jesu ‘paanosvika’ pakutambudzika kukuru, achatora “vakasarudzwa vake” vanenge vachiri panyika kuti vaende kudenga, uye tinenge tisisaiti Chirangaridzo.—1 VaK. 11:26; Mat. 24:31.

19 Kunyange Chirangaridzo pachinenge chisisaitwi, tinogona kuva nechokwadi chekuti vanhu vaJehovha vachayeuka chiitiko ichi chisina twakawandawanda sechiratidzo chekuzvininipisa, ushingi uye rudo zvakaratidzwa naJesu. Hapana mubvunzo kuti vaya vaipinda Chirangaridzo vachataura nezvacho kune vanenge vachirarama panguva iyoyo. Asi kuti tibatsirwe nekudya uku iye zvino, tinofanira kutsunga kutevedzera kuzvininipisa kwaJesu, ushingi hwake uye rudo rwake. Kana tikadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti tichapiwa mubayiro wedu naJehovha.—2 Pet. 1:10, 11.

RWIYO 13 Kristu, Muenzaniso Wedu

^ ndima 5 Munguva pfupi iri kuuya tichava neKudya kwaShe Kwemanheru kuti tiyeuke rufu rwaJesu Kristu. Chiitiko ichi chisina twakawandawanda chinotidzidzisa nezvekuzvininipisa kwaJesu, ushingi hwake uye rudo rwake. Munyaya ino tichakurukura kuti tingatevedzera sei unhu hunokosha hwaakaratidza.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kuyeuka kunoreva kuita chimwe chinhu chinokosha nechinangwa chekurangarira uye kukudza mumwe munhu kana chiitiko chinokosha.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kuratidza zvingangodaro zvaiitwa nevashumiri vakatendeka paChirangaridzo panguva yevaKristu vekutanga; makore ekuma1800 ava kupera; mumusasa wevasungwa weNazi; uye zvinoitwa mazuva ano muImba yeUmambo yakavhurika iri munyika inopisa yekuSouth America.