Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

Kupinda Kwatinoita Misangano Kunoratidzei Nezvedu?

Kupinda Kwatinoita Misangano Kunoratidzei Nezvedu?

‘Rambai muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.’—1 VAK. 11:26.

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Jehovha anoonei mamiriyoni evanhu paanoungana paKudya kwaShe Kwemanheru? (Ona mufananidzo uri pakavha.) (b) Chii chatichakurukura munyaya ino?

FUNGIDZIRA kuti Jehovha anoonei mamiriyoni evanhu paanoungana pasi rese paKudya kwaShe Kwemanheru. Haagumiri pakutarisa kuwanda kunenge kwakaita vanhu, anoona munhu mumwe nemumwe anenge aripo. Semuenzaniso, anoona vaya vanouya gore negore. Pakati pavo panogona kunge paine vamwe vanouya pasinei nekuti vanenge vachitambudzwa chaizvo. Vamwe havauyi nguva dzese kumisangano, asi vanoona kuti kupinda Chirangaridzo chinhu chinokosha chavanofanira kuita. Jehovha anoonawo vaya vanogona kunge vari paChirangaridzo kekutanga, zvichida nekuti vanoda kuziva zvinenge zvichiitika.

2 Zviri pachena kuti Jehovha anofara kuti vanhu vakawanda chaizvo vanopinda Chirangaridzo. (Ruka 22:19) Kunyange zvakadaro, Jehovha haanyanyi kukoshesa kuti vanhu vangani vanouya. Asi anonyanya kukoshesa chikonzero chinoita kuti vanhu vacho vauye. Munyaya ino tichakurukura mubvunzo unokosha chaizvo unoti: Nei tichipinda Chirangaridzo chinoitwa gore negore uye misangano inoitwa vhiki rega rega?

Mamiriyoni evanhu pasi rese ari kuchingamidzwa paKudya kwaShe Kwemanheru (Ona ndima  1-2)

KUZVININIPISA KUNOITA KUTI TIPINDE MISANGANO

3-4. (a) Nei tichipinda misangano? (b) Kupinda kwatinoita misangano kunoratidzei nezvedu? (c) Tichifunga zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 11:23-26, nei tichifanira kupinda Chirangaridzo?

3 Tinopinda misangano yeungano nekuti chikamu chekunamata kwedu. Tinopindawo nekuti tinodzidziswa naJehovha pamisangano yacho. Vanhu vanozvikudza havabvumi kuti vane zvavanofanira kudzidziswa. (3 Joh. 9) Asi isu tine chido chekudzidziswa naJehovha nesangano rake raari kushandisa.—Isa. 30:20; Joh. 6:45.

4 Kupinda kwatinoita misangano kunoratidza kuti tinozvininipisa, takagadzirira kudzidziswa uye tinoda kudzidziswa. Tinopinda musangano uyu unokosha weChirangaridzo cherufu rwaJesu nekuti tinoteerera murayiro waJesu wekuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Verenga 1 VaKorinde 11:23-26.) Musangano iwoyo unosimbisa tariro yedu yeramangwana uye unotiyeuchidza kuti Jehovha anotida zvakadii. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoziva kuti tinoda kukurudzirwa uye kusimbiswa kakawanda pagore. Saka anoita kuti tive nemisangano vhiki rega rega uye anotikurudzira kuti tiipinde. Kuzvininipisa kunoita kuti tide kuteerera. Tinoita maawa akawanda vhiki rega rega tichigadzirira uye tichipinda misangano iyoyo.

5. Nei vanhu vanozvininipisa vachibvuma kukokwa naJehovha?

5 Gore rega rega, vanhu vakawanda vanozvininipisa vanobvuma kukokwa naJehovha kuti vadzidziswe naye. (Isa. 50:4) Vanonakidzwa pavanopinda Chirangaridzo zvekuti vanotanga kupinda mimwe misangano. (Zek. 8:20-23) Tese tinodzidziswa uye tinotungamirirwa naJehovha, “mubatsiri nomupukunyutsi [wedu].” (Pis. 40:17) Chii chinganakidza kana kuti chingakosha kupfuura kubvuma kukokwa kuti tidzidziswe naJehovha uye naJesu, Mwanakomana wake waanoda zvikuru?—Mat. 17:5; 18:20; 28:20.

6. Kuzvininipisa kwakabatsira sei mumwe murume kuti apinde Chirangaridzo?

6 Gore rega rega, tinoshanda nesimba kuti tikoke vanhu vakawanda kuti vapinde Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Vakawanda vanozvininipisa vakabatsirwa pavakabvuma kukokwa. Ona zvakaitika kune mumwe murume. Makore apfuura, murume wacho akapiwa pepa rekumukoka kuChirangaridzo, asi akaudza hama yakanga yamupa pepa racho kuti akanga asingakwanisi kuuya. Asi manheru emusi weChirangaridzo, hama yacho yakashamisika kuona murume uya achipinda muImba yeUmambo. Murume wacho akabayiwa mwoyo nekugamuchirwa kwaakaitwa, zvekuti akatanga kupinda misangano yatinoita vhiki rega rega. Gore rese rakatevera ane misangano mitatu chete yaakatadza kupinda. Chii chakamubatsira kuti asarudze kupinda misangano yese? Akachinja maonero ake nekuti aiva munhu munyoro. Hama yakanga yamukoka yakazoti, “Murume uyu anozvininipisa chaizvo.” Hapana mubvunzo kuti Jehovha akaita kuti murume uyu auye kuzomunamata, uye iye zvino ava hama yakabhabhatidzwa.—2 Sam. 22:28; Joh. 6:44.

7. Zvatinodzidza pamisangano uye zvatinoverenga muBhaibheri zvinotibatsira sei kuti tizvininipise?

7 Zvatinodzidza pamisangano uye zvatinoverenga muBhaibheri zvinotibatsira kuti tizvininipise. Mavhiki mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa, misangano yedu inenge ichinyanya kutaura nezvezvakaitwa naJesu uye kuzvininipisa kwaakaratidza nekupa upenyu hwake serudzikinuro. Uye mazuva mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa, tinokurudzirwa kuti tiverenge nhoroondo dzeBhaibheri dzinotaura zvakaitika pakaurayiwa Jesu uye paakamutswa. Zvatinodzidza pamisangano yakadaro uye zvatinoverenga munhoroondo idzodzo dzeBhaibheri zvinoita kuti tiwedzere kuonga kwatinoita chibayiro chakapiwa naJesu achiitira isu. Tinova nechido chekutevedzera kuzvininipisa kwake uye chekuita kuda kwaMwari, kunyange pazvinenge zvakatiomera kuti tidaro.—Ruka 22:41, 42.

USHINGI HUNOITA KUTI TIPINDE MISANGANO

8. Jesu akaratidza sei ushingi?

8 Tinoedzawo kutevedzera Jesu nekuratidza ushingi. Funga nezveushingi hwaakaratidza mazuva mashoma asati afa. Ainyatsoziva kuti pasina nguva vavengi vake vaizomunyadzisa, vomurova uye vomuuraya. (Mat. 20:17-19) Kunyange zvakadaro akazvipira kuurayiwa. Nguva yacho payakasvika, akaudza vaapostora vake vakatendeka vaakanga ainavo muGetsemane kuti: “Simukai, handei. Tarirai! Mutengesi wangu aswedera pedyo.” (Mat. 26:36, 46) Uye pakauya mhomho yevanhu vaiva nezvombo kuzomusunga, akaenda mberi, akavaudza kuti ndiye wavakanga vachitsvaga ndokubva audza masoja kuti asiye vadzidzi vake vachienda. (Joh. 18:3-8) Ihwohwo ushingi hwakakura hwakaratidzwa naJesu! Mazuva ano, vaKristu vakazodzwa nevemamwe makwai vanoedza kutevedzera Jesu pakuratidza ushingi. Vanozviita sei?

Ushingi hwaunoratidza nekupinda kwaunoita misangano yechiKristu hunosimbisa vamwe (Ona ndima 9) *

9. (a) Nei tingada ushingi kuti tigare tichipinda misangano? (b) Zvatinoita zvinobatsira sei hama dzedu dzakasungirwa zvadzinotenda?

9 Kuti tigare tichipinda misangano, tingatofanira kuratidza ushingi zvinhu pazvinenge zvakatiomera. Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzinopinda misangano pasinei nekushungurudzika, kuora mwoyo kana kuti matambudziko eutano. Vamwe vanopinda misangano pasinei nekupikiswa zvakasimba nevemumhuri kana kuti nehurumende. Chimbofunga kuti zvatinoita zvinobatsira sei hama dzedu dzakasungirwa zvadzinotenda. (VaH. 13:3) Pavanonzwa kuti tiri kuramba tichishumira Jehovha pasinei nemiedzo yatinosangana nayo, vanokurudzirwa kuti varambe vaine kutenda, ushingi uye varambe vakaperera kuna Mwari. Ndizvo zvakaitika kumuapostora Pauro. Paaiva mujeri muRoma, aifara pese paainzwa kuti hama dzake dzaishumira Mwari dzakatendeka. (VaF. 1:3-5, 12-14) Nguva pfupi asati abudiswa kana kuti achangobudiswa mujeri, Pauro akanyorera vaHebheru tsamba. Mutsamba iyoyo akakurudzira vaKristu ivavo vakatendeka kuti vaite kuti ‘kudanana kwavo sehama kupfuurire’ uye kuti vasarega kuungana kwavo.—VaH. 10:24, 25; 13:1.

10-11. (a) Ndivanaani vatinofanira kukoka kuChirangaridzo? (b) VaEfeso 1:7 inotaura chikonzero chipi chinoita kuti tidaro?

10 Tinoratidza ushingi patinokoka veukama, vatinoshanda navo kana kuti vavakidzani vedu kuChirangaridzo. Nei tichivakoka? Tinoonga chaizvo zvatakaitirwa naJehovha naJesu zvekuti hatingambodi kurega kukoka vamwe kuti vapinde nesu Chirangaridzo. Tinoda kuti vazive kuti vanobatsirwa sei ‘nemutsa usina kukodzera kuwanwa’ wavakaratidzwa naJehovha achishandisa rudzikinuro.—Verenga VaEfeso 1:7; Zvak. 22:17.

11 Patinoratidza ushingi nekuungana pamwe chete, tinoratidzawo humwe unhu hunokosha hunonyatsoratidzwa naJehovha neMwanakomana wake.

RUDO RWUNOITA KUTI TIPINDE MISANGANO

12. (a) Misangano yedu inotibatsira sei kuti tiwedzere kuda kwatinoita Jehovha naJesu? (b) 2 VaKorinde 5:14, 15 inotikurudzira kuti tiitei tichitevedzera Jesu?

12 Kuda kwatinoita Jehovha naJesu kunoita kuti tipinde misangano. Zvatinodzidza pamisangano zvinoita kuti tiwedzere kuda kwatinoita Jehovha neMwanakomana wake. Pamisangano tinogara tichiyeuchidzwa zvavakatiitira. (VaR. 5:8) Chirangaridzo chinoita kuti tiyeuke kutida kwavanoita uye kuda kwavanoita kunyange vaya vasingakoshesi rudzikinuro. Kuonga kuchaita kuti tiedze kutevedzera Jesu pamararamiro atinoita zuva nezuva. (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.) Mwoyo yedu inoitawo kuti tide kurumbidza Jehovha nekutipa kwaakaita rudzikinuro. Imwe nzira yatinomurumbidza nayo ndeyekupa mhinduro dzinobva pamwoyo pamisangano yedu.

13. Tingaratidza sei kuda kwatinoita Jehovha neMwanakomana wake? Tsanangura.

13 Tinogona kuratidza kuti tinonyatsoda Jehovha neMwanakomana wake nekuva nechido chekusiya chero chii zvacho tichiitira ivo. Kazhinji kacho tinofanira kusiya zvimwe zvinhu kuti tipinde misangano. Ungano dzakawanda dzinoita misangano pakati pevhiki vanhu vabva kumabasa uye panguva iyoyo tinogona kunge takaneta. Uye mumwe musangano unoitwa pakupera kwevhiki vamwe vanhu pavanenge vakazorora. Jehovha anoona here kuti tinopinda misangano kunyange zvazvo takaneta? Anozviona. Jehovha anoona uye anokoshesa zvese zvatinoedza kuita kuti tikwanise kupinda misangano.—Mako 12:41-44.

14. Jesu akaratidza sei muenzaniso wekuzvipira?

14 Jesu akatisiyira muenzaniso wekuratidza rudo kuburikidza nekuzvipira. Akanga akazvipira kufira vadzidzi vake uye kurarama achiisa zvavaida pekutanga. Semuenzaniso, aiungana nevadzidzi vake kunyange paainge akaneta kana kuti paainge achishushikana. (Ruka 22:39-46) Uye aiisa pfungwa dzake pane zvaaigona kupa vamwe kwete zvaaigona kuwana kwavari. (Mat. 20:28) Kana kuda kwatinoita Jehovha uye hama dzedu kwakasimba saizvozvo, tichaita zvese zvatinogona kuti tipinde musangano weKudya kwaShe Kwemanheru uye mimwe misangano yeungano.

15. Ndivanaani vatinofanira kunyanya kubatsira?

15 Tiri mumhuri yevaKristu vechokwadi uye tinonakidzwa nekuita nguva yakawanda tichikoka vamwe kuti vabatane nesu. Asi tinonyanya kuda kubatsira “vaya vane ukama nesu mukutenda” vasisaiti mabasa echiKristu. (VaG. 6:10) Tinoratidza kuti tinovada nekuvakurudzira kuti vapinde misangano yedu, kunyanya Chirangaridzo. Sezvinoitwa naJehovha naJesu, tinonyanya kufara kana munhu anenge asisaiti mabasa echiKristu akadzoka kuna Jehovha, Baba vedu vane rudo uye Mufudzi wedu.—Mat. 18:14.

16. (a) Tingakurudzirana sei uye misangano yedu ichatibatsira sei? (b) Nei ino iri nguva yakanaka yegore yekuti tiyeuke mashoko aJesu ari pana Johani 3:16?

16 Mumavhiki ari kuuya, koka vanhu vakawanda kuti vapinde Chirangaridzo chichaitwa manheru emusi weChishanu 19 April 2019. (Ona bhokisi rakanzi “ Uchavakoka Here?”) Ngatirambei tichikurudzirana nekugara tichipinda misangano yese yatinogadzirirwa naJehovha. Kuguma kwenyika ino zvakuri kuramba kuchiswedera pedyo, misangano yedu ichatibatsira kuti tirambe tiri vanhu vanozvininipisa, vane ushingi uye vane rudo. (1 VaT. 5:8-11) Ngatiratidzei nemwoyo wese madiro atinoita Jehovha neMwanakomana wake nekuti vanotida zvikuru.—Verenga Johani 3:16.

RWIYO 126 Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba

^ ndima 5 Chirangaridzo cherufu rwaKristu chichaitwa musi weChishanu 19 April 2019. Ndiwo musangano unonyanya kukosha uchaitwa mugore racho. Chii chinoita kuti tide kupinda musangano wacho? Tinoda kufadza Jehovha. Munyaya ino tichaongorora kuti kupinda Chirangaridzo uye misangano yatinoita vhiki rega rega kunoratidzei nezvedu.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama yakasungirwa kutenda kwayo iri kukurudzirwa netsamba yabva kumhuri yayo. Iri kuona kuti vari kufunga nezvayo uye iri kufara kunzwa kuti mhuri yayo iri kurambawo yakatendeka kuna Jehovha pasinei nekusagadzikana kwezvematongerwo enyika kwavanogara.