Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kenneth E. Cook, Jr., nemudzimai wake, Jamie

Nhengo Itsva yeDare Rinotungamirira

Nhengo Itsva yeDare Rinotungamirira

MANGWANANI emusi weChitatu, 24 January 2018, mhuri yeBheteri yemuUnited States neyemuCanada dzakafara padzakanzwa chiziviso chekuti Hama Kenneth Cook, Jr., vakanga vava nhengo yeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha.

Hama Cook vakaberekerwa muPennsylvania, U.S.A uye ndimo mavakakurira. Vakawana chokwadi kubva kune mumwe wavaidzidza naye kuchikoro vava pedyo nekupedza sekondari uye vakabhabhatidzwa musi wa7 June 1980. Vakatanga basa renguva yakazara sapiyona wenguva dzose musi wa1 September 1982. Pavakanga vava nemakore maviri vachipayona vakashevedzwa kuBheteri ndokutanga basa repaBheteri muWallkill, New York, musi wa12 October 1984.

Kwemakore 25 akazotevera, Hama Cook vakaita mabasa akasiyana-siyana mudhipatimendi rinoprinda mabhuku uye mudhipatimendi rinoona nezvemusha weBheteri. Vakachata nemudzimai wavo, Jamie, muna 1996, uye vakatanga kushanda vese paBheteri kuWallkill. Muna December 2009, Hama naHanzvadzi Cook vakanzi vaende kuWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, uye ikoko Hama Cook vakanzi vashande mudhipatimendi reWriting Correspondence. Pashure pekumbodzokera kuWallkill, muna April 2016, Hama naHanzvadzi Cook vakanzi vaende kuBrooklyn, New York. Papera mwedzi mishanu, vakaenda kumahofisi makuru kuWarwick, New York. Muna January 2017, Hama Cook vakagadzwa kuti vabatsire Komiti Yekunyora yeDare Rinotungamirira.