Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 3

Ungachengetedza Sei Mwoyo Wako?

Ungachengetedza Sei Mwoyo Wako?

“Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako.”—ZVIR. 4:23.

RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1-3. (a) Nei Jehovha aida Soromoni, uye Soromoni akawana makomborero api? (b) Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

SOROMONI akava mambo wevaIsraeri achiri mudiki. Mumakore aakatanga kutonga, Jehovha akazviratidza kwaari achirota achibva ati: “Kumbira chandingakupa.” Soromoni akati: “Ndinongovawo zvangu mukomana muduku. Handizivi kuti ndinobuda sei uye kuti ndinopinda sei. . . . Zvino ipai mushumiri wenyu mwoyo unoteerera kuti atonge vanhu venyu.” (1 Madz. 3:5-10) Kukumbira kwakaita Soromoni “mwoyo unoteerera” kwairatidza kuti aiva nemwero. Ndosaka Jehovha aimuda. (2 Sam. 12:24) Mwari wedu akafarira chaizvo mhinduro yamambo wechidiki Soromoni, zvekuti akamupa “mwoyo wakachenjera, unonzwisisa.”—1 Madz. 3:12.

2 Chero bedzi aizoramba akatendeka, Soromoni aizoramba achiwana makomborero. Akapiwa basa rekuvakira “zita raJehovha Mwari waIsraeri” temberi. (1 Madz. 8:20) Uchenjeri hwaakapiwa naMwari hwakaita kuti ave nemukurumbira. Uye zvinhu zvaakataura achifemerwa naMwari zvakanyorwa mumabhuku matatu eBhaibheri. Rimwe remabhuku aya ibhuku raZvirevo.

3 Mwoyo unotaurwa kanenge ka100 mubhuku raZvirevo. Pana Zvirevo 4:23 tinoverenga kuti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako.” Muvhesi iyi, shoko rekuti “mwoyo” rinorevei? Tichapindura mubvunzo iwoyo munyaya ino. Tichaonawo mhinduro dzemibvunzo miviri inoti: Satani anoedza sei kukanganisa mwoyo yedu? Uye tingaitei kuti tichengetedze mwoyo yedu? Kuti tirambe takatendeka kuna Mwari, tinofanira kunzwisisa mhinduro dzemibvunzo iyoyo inokosha.

CHII CHINONZI “MWOYO”?

4-5. (a) Pisarema 51:6 inotibatsira sei kunzwisisa zvinorehwa neshoko rekuti “mwoyo”? (b) Kukosha kwekuchengetedza utano hwedu kunotibatsira sei kunzwisisa kukosha kwekuchengetedza mwoyo yedu?

4 Pana Zvirevo 4:23, shoko rekuti “mwoyo” rinoshandiswa richireva zvakaita munhu nechemukati. (Verenga Pisarema 51:6.) Nemamwe mashoko, “mwoyo” unoreva zvatinofunga, manzwiro edu, vavariro dzedu uye zvido zvedu. Unoreva zvatiri chaizvo nechemukati, kwete zvinongooneka patiri nechekunze.

5 Ona kuti kuchengetedza kwatinoita utano hwedu kwakafanana papi nezvatinoita mwoyo yedu. Chekutanga, kuti tirambe tiine utano hwakanaka tinofanira kudya zvekudya zvinovaka muviri, uye tinofanira kugara tichiita maekisesaizi. Saizvozvowo, kuti tirambe tiine utano hwakanaka pakunamata, tinofanira kugara tichidya zvekudya zvekunamata zvese zvatinowana uye kugara tichiratidza kutenda kwedu muna Jehovha. Tinoratidza kutenda kwedu nekushandisa zvatinodzidza uye kuudza vamwe zvatinotenda. (VaR. 10:8-10; Jak. 2:26) Chechipiri, tichizvitarisa nechekunze, tinogona kuona sekuti takagwinya kunyange zvazvo tichitorwara. Saizvozvowo, patinotarisa zvatinoita pakunamata, tinogona kufunga kuti kutenda kwedu kwakasimba, asi zvido zvakaipa zvinogona kunge zvichitokura matiri. (1 VaK. 10:12; Jak. 1:14, 15) Tinofanira kuyeuka kuti Satani anoda kuti tive nemafungiro ake. Angaedza sei kuita izvozvo? Uye tingazvidzivirira sei?

ZVINOITWA NASATANI KUTI AKANGANISE MWOYO YEDU

6. Chinangwa chaSatani ndechei, uye anoedza sei kuchizadzisa?

6 Satani anoda kuti tifanane naye. Iye mupanduki asina basa nemirayiro yaJehovha uye anoda kuita zvakangomunakira. Satani haakwanisi kutimanikidza kufunga saiye kana kuita zvaanoita. Saka anoedza kuita kuti tidaro achishandisa dzimwewo nzira. Semuenzaniso, anotipoteredza nevanhu vaakatokanganisa kare. (1 Joh. 5:19) Anotarisira kuti tichasarudza kuita nguva tiinavo, kunyange zvazvo tichiziva kuti ushamwari hwakaipa “hunoshatisa” mafungiro nemaitiro edu. (1 VaK. 15:33) Izvi zvakashanda pana Mambo Soromoni. Akaroora madzimai akawanda akanga asinganamati Mwari, uye madzimai acho “akatsausa mwoyo wake zvishoma nezvishoma” kubva pana Jehovha.—1 Madz. 11:3.

Ungadzivirira sei mwoyo wako kuti usakanganiswa nemafungiro aSatani? (Ona ndima 7) *

7. Zvii zvimwe zvinoshandiswa naSatani kuti aparadzire mafungiro ake, uye nei tichifanira kuzvingwarira?

7 Satani anoshandisa mafirimu uye mapurogiramu epaTV kuti aparadzire mafungiro ake. Anoziva kuti nyaya hadzingopereri pakutivaraidza, asi dzinotidzidzisa mamwe mafungiro, manzwiro uye maitiro. Jesu aishandisa nyaya pakudzidzisa. Funga nezvemufananidzo wemuSamariya akanaka uye wemwanakomana akabva pamba ndokupambadza nhaka yake. (Mat. 13:34; Ruka 10:29-37; 15:11-32) Asi vaya vakakanganiswa nemafungiro aSatani vanogona kushandisa nyaya kuti vatikanganise. Tinofanira kuva vanhu vanonzwisisa. Mafirimu nemapurogiramu epaTV anogona kutivaraidza uye kutidzidzisa asingashatisi pfungwa dzedu. Asi tinofanira kungwarira. Patinosarudza zvekuzvivaraidza nazvo, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Firimu kana kuti purogiramu iyi yepaTV haisi kundidzidzisa here kuti hapana chakaipa nekuita zvinodiwa nenyama yangu?’ (VaG. 5:19-21; VaEf. 2:1-3) Unofanira kuitei kana ukaona kuti imwe purogiramu iri kusimudzira mafungiro aSatani? Idzivise sezvawaizongoita chirwere chinotapukira.

8. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vachengetedze mwoyo yavo?

8 Vabereki, mune basa rakakura rekuchengetedza vana venyu kuti mwoyo yavo isakanganiswa naSatani. Hapana mubvunzo kuti munoita zvese zvamunogona kuti mudzivirire vana venyu pazvirwere. Munoita kuti musha wenyu ugare wakachena, uye munorasa chero chii chingarwarisa imi kana vana venyu. Saizvozvowo, munofanira kudzivirira vana venyu pamafirimu, mapurogiramu epaTV, magemhu, uye mawebsite anogona kuita kuti vave nemafungiro aSatani. Jehovha akakupai basa rekuti mubatsire vana venyu kuti vave shamwari dzake. (Zvir. 1:8; VaEf. 6:1, 4) Saka musazeza kuvapa mitemo inoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Udzai vana venyu zvavanogona kuona nezvavasingafaniri kuona, uye vabatsirei kunzwisisa zvikonzero zvinoita kuti mudaro. (Mat. 5:37) Vana venyu zvavanenge vachikura, vadzidzisei kuongorora vega zvakanaka nezvakaipa maererano nezvinodiwa naJehovha. (VaH. 5:14) Uye yeukai kuti vana venyu vachadzidza pane zvamunotaura, asi vachadzidza zvakatowanda pane zvamunoita.—Dheut. 6:6, 7; VaR. 2:21.

9. Ipfungwa ipi inosimudzirwa naSatani uye nei yakaipa chaizvo?

9 Satani anoedzawo kukanganisa mwoyo yedu nekuita kuti tivimbe neuchenjeri hwevanhu pane kuvimba nemafungiro aJehovha. (VaK. 2:8) Imwe pfungwa inosimudzirwa naSatani yekuti kupfuma kunokosha kupfuura zvese muupenyu. Vaya vanofunga saizvozvo vanogona kupfuma kana kuti zvinogona kuramba. Pasinei nezvingaitika, vari pangozi. Nei zvakadaro? Nekuti vanganyanya kuisa pfungwa dzavo pakutsvaga mari zvekuti vanotanga kusakoshesa utano hwavo, kuwirirana kwemhuri uye kunyange ushamwari hwavo naMwari kuti vangozadzisa chinangwa chavo. (1 Tim. 6:10) Tinotenda chaizvo kuti Baba vedu vekudenga vakachenjera vanotibatsira kuti tisanyanya kuda mari.—Mup. 7:12; Ruka 12:15.

TINGACHENGETEDZA SEI MWOYO YEDU?

Sezvaiitwa nevarindi uye vachengeti vemagedhi vekare, ramba wakamuka uye ita kuti zvinhu zvisina kunaka zvisapinda mumwoyo mako (Ona ndima 10-11) *

10-11. (a) Chii chatinofanira kuita kuti tidzivirire mwoyo yedu? (b) Varindi vepanguva yekare vaiitei, uye hana yedu ingashanda sei semurindi wedu?

10 Kuti tibudirire kuchengetedza mwoyo yedu, tinofanira kunge tichikwanisa kuona ngozi tobva takurumidza kuzvidzivirira. Shoko rakashandurwa kuti “chengetedza” pana Zvirevo 4:23 rinotiyeuchidza nezvebasa raiitwa nemurindi. Mumazuva aMambo Soromoni, varindi vaimira pamusoro pemasvingo kuti varinde guta uye vaipa nyevero pavaiona vavengi vachiuya. Izvozvo zvinotibatsira kunzwisisa zvatinofanira kuita kuti tisabvumira Satani kuti akanganise mafungiro edu.

11 Kare, varindi vaishanda pamwe chete nevachengeti vemagedhi eguta. (2 Sam. 18:24-26) Vese vaibatsira pakudzivirira guta nekuva nechokwadi chekuti magedhi eguta ainge akavharwa pese painge pachiuya muvengi. (Neh. 7:1-3) Hana * yedu yakadzidziswa neBhaibheri inogona kushanda semurindi ichitipa nyevero Satani paanoedza kupinda mumwoyo yedu. Nemamwe mashoko, anozviita paanoedza kukanganisa mafungiro, manzwiro uye maitiro edu, kana kuti zvido zvedu. Pese patinopiwa nyevero nehana yedu, tinofanira kuiteerera, toita zvese zvatinogona kuti tizvidzivirire.

12-13. Tingava pamuedzo wekuitei, asi tinofanira kuitei?

12 Ona muenzaniso unoratidza kuti tingazvidzivirira sei kuti tisakanganiswa nemafungiro aSatani. Jehovha anotidzidzisa kuti “ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara [hazvifaniri] kumbotaurwa nezvazvo pakati [pedu].” (VaEf. 5:3) Asi tichaita sei kana vatinoshanda navo kana kuti vatinodzidza navo vakatanga kutaura nyaya dzeunzenza? Tinoziva kuti tinofanira ‘kuramba zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari uye kuchiva kwenyika.’ (Tito 2:12) Murindi, kureva hana yedu, anogona kutipa nyevero. (VaR. 2:15) Tichamuteerera here? Tinogona kuva pamuedzo wekuteerera zvinenge zvichitaurwa nevamwe kana kuti wekutarisa mapikicha avanenge vachiona. Asi iyi ndiyo nguva yekuti tivhare magedhi eguta nekuchinja nyaya kana kubva pavanenge vari.

13 Tinofanira kuva neushingi kuti tikurire miedzo inobva kune vezera redu yekufunga kana kuita zvakaipa. Tine chokwadi chekuti Jehovha anoona zvatinoedza kuita, uye achatipa simba uye uchenjeri kuti tirambe mafungiro aSatani. (2 Mak. 16:9; Isa. 40:29; Jak. 1:5) Asi zvii zvimwe zvatingaita kuti tichengetedze mwoyo yedu?

RAMBAI MAKARINDA

14-15. (a) Chii chatinofanira kuvhurira kuti chipinde mumwoyo yedu, uye tingazviita sei? (b) Maererano naZvirevo 4:20-22 tinganyatsobatsirwa sei nekuverenga kwatinoita Bhaibheri? (Onawo bhokisi rakanzi “Ungafungisisa Sei?”)

14 Kuti tichengetedze mwoyo yedu, tinofanira kuivhara kuti zvakaipa zvisapinda asi tinofanira kuivhura kuti zvakanaka zvipinde. Funga zvakare nezveguta rine masvingo. Muchengeti wemagedhi aivhara magedhi eguta kuti muvengi asapinda, asi dzimwe nguva aiavhura kuti zvekudya nezvimwe zvinhu zvipinzwe muguta. Kudai magedhi eguta aisavhurwa zvachose, vagari vemuguta vaizofa nenzara. Saizvozvowo, tinofanira kugara tichivhura mwoyo yedu kuti mafungiro aMwari apinde.

15 Bhaibheri rine mafungiro aJehovha, saka pese patinoriverenga, tinenge tichibvumira kuti mafungiro aJehovha aumbe mafungiro, manzwiro, uye maitiro edu. Tinganyatsobatsirwa sei nekuverenga kwatinoita Bhaibheri? Kunyengetera kunokosha. Imwe hanzvadzi yechiKristu inoti: “Ndisati ndatanga kuverenga Bhaibheri, ndinonyengetera kuna Jehovha, ndichikumbira kuti andibatsire ‘kunyatsoona zvinhu zvinoshamisa’ zviri muShoko rake.” (Pis. 119:18) Tinofanirawo kufungisisa zvatinoverenga. Patinonyengetera, toverenga, uye tofungisisa, Shoko raMwari richasvika mukatikati ‘memwoyo yedu’ uye tichatanga kuda mafungiro aJehovha.—Verenga Zvirevo 4:20-22; Pis. 119:97.

16. Vakawanda vakabatsirwa sei nekuona JW Broadcasting?

16 Imwe nzira yatinobvumira nayo kuti mafungiro aMwari atiumbe ndeyekuona mavhidhiyo ari paJW Broadcasting®. Mumwe murume nemudzimai vanoti: “Mapurogiramu emwedzi nemwedzi imhinduro yeminyengetero yedu. Anotisimbisa uye anotikurudzira patinenge takasuwa. Uye mumba medu tinogara tichiridza nziyo dzinobuda mwedzi nemwedzi pamapurogiramu aya. Tinodziridza patinenge tichibika, tichichenesa mumba, kana patinenge tichinwa tii.” Mapurogiramu aya anotibatsira kuti tichengetedze mwoyo yedu. Anotidzidzisa kuti tive nemafungiro aJehovha uye tirambe muedzo wekuva nemafungiro aSatani.

17-18. (a) Sezvinoratidzwa na1 Madzimambo 8:61, chii chinoitika kana tikashandisa zvatinodzidziswa naJehovha? (b) Chii chatinodzidza pane zvakaitwa naMambo Hezekiya? (c) Maererano nemunyengetero waDhavhidhi uri pana Pisarema 139:23, 24, tinogona kunyengeterera chii?

17 Pese patinoona kuti kuita zvakanaka kunobatsira sei, kutenda kwedu kunowedzera kusimba. (Jak. 1:2, 3) Tinofara nekuti tinenge taita kuti Jehovha atidane semumwe wevana vake, uye chido chedu chekumufadza chinowedzera kusimba. (Zvir. 27:11) Muedzo mumwe nemumwe unotipa mukana wekuratidza kuti tinoshumira Baba vedu nemwoyo wakakwana. (Pis. 119:113) Patinodaro, tinoratidza kuti tinoda Jehovha nemwoyo wakakwana, mwoyo wakatsunga kuteerera mirayiro yake uye kuita kuda kwake.—Verenga 1 Madzimambo 8:61.

18 Pane patichakanganisa here? Ehe, nekuti tine chivi. Kana tikambokanganisa, ngatiyeukei zvakaitwa naMambo Hezekiya. Akambokanganisa. Asi akapfidza uye akaramba achishumira Jehovha “nemwoyo wakakwana.” (Isaya 38:3-6; 2 Makoronike 29:1, 2; 32:25, 26) Saka ngatirambei zvinoedzwa naSatani kuti atikanganise nemafungiro ake. Ngatinyengeterei kuti tive ‘nemwoyo unoteerera.’ (1 Madz. 3:9; verenga Pisarema 139:23, 24.) Tinoramba takatendeka kuna Jehovha kana tikachengetedza mwoyo yedu kupfuura zvimwe zvinhu zvese.

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

^ ndima 5 Ticharamba takatendeka kuna Jehovha here kana kuti tichabvumira Satani kuti atibvise pana Mwari? Mhinduro haibvi pakuti tinosangana nemiedzo yakakura sei, asi inobva pakuti tinochengetedza mwoyo yedu zvakadini. Shoko rekuti “mwoyo” rinorevei? Satani anoedza sei kukanganisa mwoyo yedu? Uye tingaichengetedza sei? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo inokosha.

^ ndima 11 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Jehovha akaita kuti tikwanise kuongorora zvatinofunga, manzwiro edu, uye maitiro edu tobva taona kuti tiri kuita zvakanaka here kana kuti kwete. Bhaibheri rinoti kukwanisa kuita izvozvo ndiko kunonzi hana. (VaR. 2:15; 9:1) Hana yakadzidziswa neBhaibheri ndeiya inoshandisa zvinodiwa naJehovha, zviri muBhaibheri, kuti itiudze kuti zvatinofunga, zvatinoita, kana kuti zvatinotaura zvakanaka here kana kuti zvakaipa.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama yakabhabhatidzwa iri kuona TV uye panobva pabuda zvinhu zveunzenza. Inofanira kusarudza zvekuita.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murindi wekare ari kuona ngozi iri kunze kweguta. Anoshevedzera kuvachengeti vegedhi vari pasi, uye vanobva vavhara magedhi eguta ipapo ipapo vobva vaakiya nemukati.