Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

‘Usanetseka, Nekuti Ndiri Mwari Wako’

‘Usanetseka, Nekuti Ndiri Mwari Wako’

“Usatya, nokuti ndinewe. [Usanetseka], nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.”—ISA. 41:10.

RWIYO 7 Jehovha, Simba Redu

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Hanzvadzi inonzi Yoshiko yakabatsirwa sei nemashoko ari pana Isaya 41:10? (b) Jehovha akaita kuti mashoko iwayo achengetedzwe kuti abatsire ani?

YOSHIKO, hanzvadzi yechiKristu yakatendeka, akaudzwa mashoko asingafadzi. Chiremba wake akamuudza kuti akanga asarirwa nemwedzi mishoma kuti afe. Akaita sei paakanzwa izvi? Yoshiko akayeuka vhesi yaaifarira yaIsaya 41:10. (Verenga.) Akabva ataura nachiremba wake akadzikama achimuudza kuti akanga asingatyi nekuti Jehovha akanga akabata ruoko rwake. * Mashoko anonyaradza anotaurwa muvhesi iyoyo akabatsira hanzvadzi yedu kuti inyatsovimba naJehovha. Vhesi iyoyo inogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama patinenge tichisangana nematambudziko. Kuti tinzwisise kuti inotibatsira sei, ngatitangei nekuongorora kuti nei Mwari akafemera Isaya mashoko iwayo.

2 Pakutanga, Jehovha akaita kuti Isaya anyore mashoko iwayo kuti anyaradze vaJudha vaizova nhapwa muBhabhironi. Zvisinei, Jehovha akaita kuti mashoko iwayo achengetedzwe kuti abatsire vaJudha vaiva nhapwa uye azobatsirawo vanhu vake vese kusvikira iye zvino. (Isa. 40:8; VaR. 15:4) Mazuva ano, tiri kurarama munguva “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” uye tinonyanya kuda mashoko anokurudzira ari mubhuku raIsaya kupfuura zvataiita kare.—2 Tim. 3:1.

3. (a) Ivimbiso dzipi dziri pana Isaya 41:10, rugwaro rwegore rwa2019? (b) Nei vimbiso idzi dzichikosha?

3 Munyaya ino, tichaongorora vimbiso nhatu dzaJehovha dzinoita kuti tisimbise kutenda kwedu dziri pana Isaya 41:10 dzinoti: (1) Jehovha anesu, (2) ndiMwari wedu, uye (3) achatibatsira. Vimbiso * idzi dzinokosha nekuti tinosangana nematambudziko sezvakaita Yoshiko. Tiri kusanganawo nematambudziko anokonzerwa nezvakaipa zviri kuitika munyika. Vamwe vedu tiri kutsungirira kutambudzwa nehurumende dzine simba. Ngationgororei imwe neimwe yevimbiso idzi nhatu.

“NDINEWE”

4. (a) Ivimbiso ipi yatichatanga kuongorora? (Onawo mashoko emuzasi.) (b) Jehovha anoratidza sei kuti anotida? (c) Mashoko aMwari anoita kuti unzwe sei?

4 Jehovha anotanga nekutivimbisa kuti: “Usatya, nokuti ndinewe.” * Jehovha anoratidza kuti anesu nekunyatsotiteerera uye kutiratidza rudo. Ona kuti anoratidza sei kuti anotida chaizvo. Jehovha anoti: “Wave uchikosha kwandiri, wanzi unokudzwa, uye ini ndakuda.” (Isa. 43:4) Hapana chinogona kuita kuti Jehovha arege kuda vaya vanomushumira. Kuvimbika kwake hakuzununguki. (Isa. 54:10) Rudo rwake neushamwari hwake zvinotipa ushingi. Achatidzivirira, sezvaaiita shamwari yake Abramu (Abrahamu). Jehovha akati kwaari: “Abramu, usatya. Ndiri nhoo yako.”—Gen. 15:1.

Tichibatsirwa naJehovha tinogona kupfuura nemumiedzo yatinosangana nayo yakaita semvura uye semoto (Ona ndima 5-6) *

5-6. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kutibatsira patinosangana nematambudziko? (b) Chidzidzo chipi chatinowana kubva kuna Yoshiko?

5 Tinoziva kuti Jehovha anoda kutibatsira pamatambudziko edu nekuti anovimbisa vanhu vake kuti: “Kana ukapfuura nomumvura, ndichava newe; uye nomunzizi, hadzizokuyeredzi. Kana ukafamba nomumoto, hauzopiswi, uyewo murazvo hauzokubvuraudzi.” (Isa. 43:2) Mashoko iwayo anorevei?

6 Jehovha haativimbisi kuti achabvisa matambudziko edu pari zvino, asi haazobvumiri kuti matambudziko edu atitadzise zvachose kumushumira. Anotivimbisa kuti achava nesu uye achatibatsira kuti ‘tipfuure’ nemumatambudziko iwayo. Jehovha achaitei? Achatibatsira kuti tidzikame kuitira kuti tirambe takaperera kwaari, kunyange tikanangana nerufu. (Isa. 41:13) Yoshiko, ambotaurwa nezvake, akaona kuti ichi ichokwadi. Mwanasikana wake anoti: “Takashamisika nekudzikama kwainge kwakaita amai. Takanyatsoona kuti Jehovha aivapa rugare rwemupfungwa. Kusvika zuva ravakashaya, amai vaitaura nemanesi uye vamwe varwere nezvaJehovha uye vimbiso dzake.” Tinodzidzei kubva kuna Yoshiko? Kana tikavimba nevimbiso yaMwari yekuti “ndichava newe,” tichava neushingi uye tichakwanisa kutsungirira matambudziko.

“NDIRI MWARI WAKO”

7-8. (a) Ivimbiso ipi yechipiri yatichaongorora, uye inorevei? (b) Nei Jehovha akaudza vaJudha vaiva nhapwa kuti: ‘Usanetseka’? (c) Mashoko api ari pana Isaya 46:3, 4 anofanira kunge akanyaradza vanhu vaMwari?

7 Ona vimbiso yechipiri yakanyorwa naIsaya yekuti: “[Usanetseka], nokuti ndiri Mwari wako.” Mashoko aya anorevei? Muvhesi iyi, shoko rakashandiswa pakanyorwa Bhaibheri, rakazoshandurwa kuti ‘kunetseka’ rinopa pfungwa ‘yekucheuka-cheuka kunoita munhu achityira kukuvadzwa.’

8 Nei Jehovha akaudza vaJudha vaizova nhapwa muBhabhironi kuti ‘vasanetseka’? Nekuti aiziva kuti vanhu vemuguta racho vaizotya. Chii chaizoita kuti vatye? Paizopera makore 70 vaJudha vari nhapwa, Bhabhironi raizorwiswa nemauto eMedhiya nePezhiya. Jehovha aizoshandisa mauto iwayo kuti asunungure vanhu vake muutapwa hweBhabhironi. (Isa. 41:2-4) VaBhabhironi nevanhu vemamwe marudzi vairarama panguva iyoyo pavakaziva kuti vavengi vavo vakanga vachiuya, vakaedza kuramba vachisimbisana vachiti: “Iwe simba.” Vakagadzirawo zvimwe zvidhori vachitarisira kuti zvaizovadzivirira. (Isa. 41:5-7) Panguva iyi, Jehovha akadzikamisa mwoyo yevaJudha nekutaura kuti: “Iwe, haiwa Israeri, [kusiyana nevavakidzani vako] uri mushumiri wangu . . . [Usanetseka], nokuti ndiri Mwari wako.” (Isa. 41:8-10) Ona kuti Jehovha akati: “Ndiri Mwari wako.” Nemashoko iwayo, Jehovha aisimbisa vanamati vake vakavimbika kuti akanga asina kuvakanganwa, akanga achiri Mwari wavo, uye vakanga vachiri vanhu vake. Akavaudza kuti: ‘Ndichakutakura uye ndichakupukunyutsa.’ Mashoko iwayo anofanira kunge akasimbisa vaJudha vaiva nhapwa.—Verenga Isaya 46:3, 4.

9-10. Nei tisingafaniri kutya? Taura muenzaniso.

9 Vanhu vakatipoteredza vari kunetseka nezvekuipa kuri kuita zvinhu munyika kupfuura zvavaiita kare. Nesuwo tinosangana nematambudziko iwayo. Asi hatifaniri hedu kutya. Jehovha anotiudza kuti: “Ndiri Mwari wako.” Nei mashoko iwayo achitibatsira kuti tidzikame?

10 Funga nezvemuenzaniso uyu: Jim naBen vari mundege isina kugadzikana nekuti iri kurohwa nemhepo yakasimba. Ndege zvainoramba ichirohwa nemhepo, mutyairi wendege anozivisa munhu wese kuti: “Rambai makasunga mabhandi epamakagara. Ndege yedu ichange isina kugadzikana kwechinguva.” Jim anotanga kunetseka chaizvo. Asi mutyairi wendege anobva ati: “Musanetseka. Ndini mutyairi wendege ndiri kutaura nemi.” Jim anotanga kuzunguza musoro, achiti, “Ari kumbotii ko uyu?” Asi anoona kuti Ben haasi kana kumbonetseka. anomubvunza kuti: “Nei usiri kunetseka?” Ben anonyemwerera oti: “Nekuti mutyairi wacho ndinonyatsomuziva. Ndibaba vangu.” Ben anobva ati: “Rega ndikuudze nezvababa vangu. Ndine chokwadi chekuti kana ukavaziva uye ukaziva zvavanokwanisa kuita newewo hauzonetseki.”

11. Zvidzidzo zvipi zvatinowana pamuenzaniso wevanhu vaviri vari mundege?

11 Tinodzidzei pamuenzaniso uyu? Kungofanana naBen, takadzikama nekuti tinonyatsoziva Baba vedu vekudenga, Jehovha. Tinoziva kuti vachatitungamirira takachengeteka mumatambudziko atiri kusangana nawo mumazuva ano ekupedzisira. (Isa. 35:4) Tinovimba naJehovha, saka tinogona kuramba takadzikama kunyange zvazvo vamwe vanhu vese vari munyika vachitya chaizvo. (Isa. 30:15) Tinoita saBen patinoudza vavakidzani vedu zvikonzero zvinoita kuti tivimbe naMwari. Ivo vachakwanisawo kuva nechokwadi chekuti pasinei nematambudziko avanosangana nawo, Jehovha achavatsigira.

“NDICHAKUSIMBISA [UYE] NDICHAKUBATSIRA”

12. (a) Ivimbiso ipi yechitatu yatichakurukura? (b) Mashoko ekuti “ruoko” rwaJehovha anotiyeuchidzei?

12 Funga nezvevimbiso yechitatu yakanyorwa naIsaya yekuti: “Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” Isaya akanga atotsanangura nechekare kuti Jehovha aizosimbisa sei vanhu vake achiti: “Jehovha achauya somunhu ane simba, uye ruoko rwake ruchange ruchimutongera.” (Isa. 40:10) Bhaibheri rinowanzoshandisa shoko rekuti “ruoko” richitaura nezvesimba. Saka mashoko ekuti ‘ruoko rwaJehovha ruchamutongera’ anotiyeuchidza kuti Jehovha ndiMambo ane simba. Akashandisa simba rake guru kuti atsigire uye adzivirire vashumiri vake vekare, uye anoramba achisimbisa uye achidzivirira vanovimba naye mazuva ano.—Dheut. 1:30, 31; Isa. 43:10.

Hapana chombo chichakunda ruoko rwaJehovha rwakasimba rwunodzivirira (Ona ndima 12-16) *

13. (a) Ndepapi Jehovha paanonyanya kuita zvinoenderana nevimbiso yake yekuti achatisimbisa? (b) Ivimbiso ipi inoita kuti tive nesimba nechivimbo?

13 Jehovha anoita zvinoenderana nevimbiso yake yekuti: “Ndichakusimbisa,” kunyanya vavengi vedu pavanotitambudza. Mazuva ano, mune dzimwe nyika vavengi vedu vari kuedza chaizvo kumisa basa redu rekuparidza kana kubhana sangano redu. Kunyange zvakadaro, hatinyanyi kunetseka nezvavari kuita. Jehovha akatipa vimbiso inoita kuti tive nesimba nechivimbo. Anotivimbisa kuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.” (Isa. 54:17) Mashoko iwayo anotiyeuchidza nezvezvinhu zvitatu zvinokosha.

14. Nei zvisingatishamisi kuti tinorwiswa nevavengi vaMwari?

14 Chekutanga, sevateveri vaKristu, tinotarisira kuti tichavengwa. (Mat. 10:22) Jesu akagara ataura kuti vadzidzi vake vaizotambudzwa chaizvo mumazuva ekupedzisira. (Mat. 24:9; Joh. 15:20) Chechipiri, uprofita hwaIsaya hwakagara hwataura kuti vavengi vedu vaisazongogumira pakutivenga asi vaizoshandisa zvombo zvakasiyana-siyana kuti vatirwise. Vavengi vedu vangaedza kuita kuti nhema dzavo dziite sechokwadi, vanogona kutaura nhema nezvedu, uye vanogona kutitambudza. (Mat. 5:11) Jehovha haasi kuzoita kuti vavengi vedu varege kushandisa zvombo izvi pakutirwisa. (VaEf. 6:12; Zvak. 12:17) Asi hatifaniri kutya. Nei tisingafaniri kutya?

15-16. (a) Chinhu chipi chechitatu chatinofanira kuyeuka, uye izvozvo zvinotsigirwa sei naIsaya 25:4, 5? (b) Isaya 41:11, 12 inotii nezvevanhu vanotirwisa?

15 Ona chechitatu chatinofanira kuyeuka. Jehovha akati “chero chombo chipi zvacho” chichashandiswa pakutirwisa “hachizobudiriri.” Sezvinoita madziro anotidzivirira pasimba redutu rinoparadza, Jehovha anotidzivirira ‘pamhepo yevanodzvinyirira.’ (Verenga Isaya 25:4, 5.) Vavengi vedu havazombofi vakabudirira pakuita kuti tikuvare zvachose.—Isa. 65:17.

16 Jehovha anosimbisawo kuvimba kwatinoita naye nekunyatsotsanangura zvichaitika kune ‘vari kutitsamwira.’ (Verenga Isaya 41:11, 12.) Pasinei nekuti vavengi vedu vachatirwisa zvakadii, zvichaitika kwavari zvakangofanana. Vavengi vese vevanhu vaMwari “vachava vasingabatsiri uye vachaparara.”

ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUVIMBA NAJEHOVHA

Tinogona kuwedzera kuvimba kwatinoita naJehovha nekugara tichiverenga nezvake muBhaibheri (Ona ndima 17-18) *

17-18. (a) Kuverenga Bhaibheri kunoita sei kuti tiwedzere kuvimba naJehovha? Taura muenzaniso. (b) Kufungisisa rugwaro rwegore rwa2019 kunotibatsira sei?

17 Tinowedzera kuvimba naJehovha patinowedzera kumuziva. Uye nzira chete inoita kuti tinyatsoziva Mwari ndeyekunyatsoverenga Bhaibheri uye kufungisisa zvatinoverenga. Bhaibheri rine nhoroondo yakavimbika inoratidza kuti Jehovha akadzivirira sei vanhu vake kare. Nhoroondo iyoyo inoita kuti tive nechokwadi chekuti achatidzivirira iye zvino.

18 Funga nezvemufananidzo wakashandiswa naIsaya achiratidza kuti Jehovha anotidzivirira sei. Anotaura nezvaJehovha achimuti mufudzi uye vashumiri vaMwari achivati makwayana. Isaya anoti nezvaJehovha: “Achaunganidza makwayana noruoko rwake; uye achaatakura pachipfuva chake.” (Isaya 40:11) Patinonzwa takagumbatirwa nemaoko aJehovha akasimba, tinonzwa takadzivirirwa uye takadzikama. Kuti atibatsire kuti tirambe takadzikama pasinei nematambudziko atiri kusangana nawo, muranda akatendeka akangwara akasarudza Isaya 41:10 kuti ive rugwaro rwegore rwa2019 rwunoti, ‘Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako.’ Fungisisa mashoko iwayo anosimbisa. Achakusimbisa pauchasangana nematambudziko ari mberi.

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Rugwaro rwegore rwa2019 runotipa zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tirambe takadzikama kunyange zvinhu zvikaipa munyika kana kuti muupenyu hwedu. Nyaya ino ichaongorora zvikonzero izvozvo uye ichatibatsira kuti tisanyanya kunetseka asi tiwedzere kuvimba naJehovha. Fungisisa mashoko erugwaro rwegore. Rubate nemusoro kana uchikwanisa. Ruchakubatsira kuti ukurire matambudziko auchasangana nawo.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Vimbiso mashoko echokwadi anoratidza kuti chimwe chinhu chichatoitika. Vimbiso dzatinopiwa naJehovha dzinoita kuti tisanetseka nezvematambudziko atingasangana nawo muupenyu.

^ ndima 4 Shoko rekuti “Usatya” rinotaurwa katatu pana Isaya 41:10, 13, ne14. Mavhesi iwayo anoshandisa shoko rekuti “ini” kakawanda achitaura nezvaJehovha. Nei Jehovha akafemera Isaya kuti ashandise shoko rekuti “ini” kakawanda? Aisimbisa chokwadi chinokosha chekuti tinongokwanisa kudzikama kana tikavimba naJehovha.

^ ndima 52 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vanhu vemumhuri vari kusangana nematambudziko pabasa, pautano hwavo, muushumiri uye kuchikoro.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mapurisa anovhiringidza musangano weZvapupu uri kuitirwa pamba, asi hama nehanzvadzi hadzivhunduki.

^ ndima 56 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kugara tichiita Kunamata Kwemhuri kunotisimbisa kuti titsungirire.