NHARIREYOMURINDI—YEKUDZIDZA March 2016
Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaMay 2 kusvika May 29, 2016.
Vechidiki—Magadzirira Here Kubhabhatidzwa?
Mibvunzo mitatu inogona kukubatsira pakusarudza.
Vechidiki—Mungagadzirira Sei Kuti Muzobhabhatidzwa?
Ko kana usina chokwadi chekuti wagadzirira kubhabhatidzwa? Ko kana uchida kubhabhatidzwa asi vabereki vako vachiti unofanira kumboti mirei?
Zvaungaita Kuti Uwedzere Kubatana Kwatakaita sevaKristu
Zvakaratidzwa Johani zviri muchitsauko 9 chaZvakazarurwa zvinoratidza kuti kubatana kwedu kunokosha.
Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake Munzira Yeupenyu
Tinoratidza sei kuti tinoda kutungamirirwa naJehovha?
Unogona Kubatsira Muungano Yenyu Here?
Ungaitawo semumishinari here uri muungano yenyu?
Iva Nemafungiro Aiva Nevaprofita
Mienzaniso yevaprofita vakadai saEzekieri, Jeremiya, uye Hosiya inotibatsira patinonzwa taneta, takaora mwoyo uye patinopiwa basa rinoita serakaoma.
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Vanhu vaMwari vakatapwa riini neBhabhironi Guru? Satani paaiedza Jesu akatoenda naye patemberi chaiyo here?