Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ona kuti ungabatsira sei hama nehanzvadzi dzako, padzinenge dzichizvidya mwoyo, pane zvekunamata uye nezvimwewo

Unogona Kubatsira Muungano Yenyu Here?

Unogona Kubatsira Muungano Yenyu Here?

JESU asati adzokera kudenga, akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) VaKristu ivavo vekare vaizokwanisa sei kuita basa iroro rakakura?

Mumwe purofesa wepaOxford University anonzi Martin Goodman akati: “VaKristu vainge vakasiyana nezvimwe zvitendero zvaiva muumambo hweRoma kusanganisira chitendero chechiJudha nekuti vaiziva kuti vaifanira kuita basa ravakanga vatumwa.” Jesu akanga afamba munzvimbo dzakawanda achiita basa rekuparidza. Vachitevedzera muenzaniso wake, vaKristu vechokwadi ivavo vanofanira kunge vakanzwisisa kuti kuparidza “mashoko akanaka oUmambo hwaMwari” kunosanganisira kuenda kunotsvaga vanhu vanoda kudzidza chokwadi chiri muBhaibheri. (Ruka 4:43) Ndosaka muungano yevaKristu vekutanga maiva ‘nevaapostora.’ Shoko rekuti muapostora rinoreva munhu anenge atumwa kunoparidza. (Mako 3:14) Jesu akapa vateveri vake murayiro wekuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—Mat. 28:18-20.

Iye zvino vaapostora vaJesu 12 havasisipo, asi pane vashumiri vaJehovha vakawanda vanotevedzera muenzaniso wavo. Pavanokumbirwa kuti vawedzere basa ravo rekuparidza vanopindura vachiti: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Vamwe vakatamira kune dzimwe nyika dziri kure chaizvo, sezvinoitwa nehama nehanzvadzi dzakawanda dzinenge dzapinda Chikoro cheGiriyedhi. Vamwe vakatamira kune dzimwe nzvimbo dziri munyika mavo. Vamwewo vakadzidza mutauro mutsva kuti vabatsire ungano nemapoka emutauro iwoyo. Asi zvinogona kunge zvakanga zvisiri nyore kuti vaparidzi ava vatamire kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti vadzidze mumwe mutauro. Vaitofanira kuzvipira kuti varatidze kuda kwavanoita Jehovha uye vavakidzani vavo. Asi vakanyatsoronga zvaidiwa, uye vakazvipira kuti vabatsire. (Ruka 14:28-30) Hama nehanzvadzi dzinozvipira kudaro dzinobatsira chaizvo.

Zvisinei, mamiriro ezvinhu evashumiri vaMwari akasiyana-siyana. Hatisi tese tinokwanisa kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti kudzidza mumwe mutauro. Saka tingakwanisawo here kuita semamishinari kunyange tiri muungano yedu?

IVA MUMISHINARI MUUNGANO YENYU

Ita zvese zvaunogona kuti ubatsire vamwe . . .

VaKristu vekutanga vaishingaira mubasa rekuparidza sezvinoita mamishinari, asi zvinoita sekuti vazhinji vavo havana kumbobvira vatama. Kunyange zvakadaro, mashoko akaudzwa Timoti aishanda kwavari uye anoshandawo kuvashumiri vaMwari vese. Timoti akakurudzirwa naPauro kuti: “Ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako zvizere.” (2 Tim. 4:5) Murayiro wekuparidza mashoko eUmambo nekuita kuti vanhu vave vadzidzi unoshanda kuvaKristu vese pasinei nekwavanogara. Uyewo zvakawanda zvinoitwa nemamishinari tinogona kuzviitawo tiri muungano yedu.

Somuenzaniso, mumishinari anenge achishanda mune imwe nyika angatofanira kudzidza kuita zvinoenderana nekwaanenge ava. Zvinhu zvakawanda zvinenge zvasiyana nezvaakajaira. Zvakadini nesu kana tisingakwanisi kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda? Tingati here hatina chimwe chatichagona kuita nekuti ndima yeungano yedu taijaira? Hatinawo here dzimwe nzira itsva dzekuparidzira vanhu dzatinogona kushandisa? Somuenzaniso, muna 1940 hama dzakakurudzirwa kuti dzironge kuva nemusi mumwe chete pavhiki wekuparidza mumugwagwa. Unokwanisawo here kutsvaka dzimwe nzira dzekuparidzira vanhu? Ungaparidzawo here uchishandisa chingoro? Nyaya iri pakuti: Wakambofungawo here kushandisa dzimwe nzira itsva dzekuparidza mashoko akanaka?

nekuvakurudzira kuti vaite “basa romuevhangeri”

Kuona vanhu vari mundima yedu sevachazobvuma chokwadi, kuchatibatsira kuti tishingaire uye tifarire basa redu. VaKristu vanoenda kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti vanodzidza mumwe mutauro, kazhinji vanenge vari vaparidzi vane unyanzvi, saka vanogona kubatsira chaizvo muungano. Somuenzaniso kushingaira kwavanoita pakuparidza kunokurudzira vakawanda muungano. Uyewo mamishinari anowanzoita mabasa akawanda pakuronga zvinodiwa neungano kusvikira hama dzemunyika yacho dzava kukwanisa kuita mabasa acho. Saka kana uri hama yakabhabhatidzwa, uri kushanda nesimba here uchiratidza kuti unoda kushumira hama dzako muungano?—1 Tim. 3:1.

YAMURA VAMWE UYE VASIMBISE

nekuonawo paunogona kuvayamura

Tinobatsira ungano patinoshingaira pabasa rekuparidza uye patinozvipira kuita mamwe mabasa muungano. Asi panewo zvimwe zvatinogona kuita. Vanhu vese, vakuru nevadiki, varume nevakadzi, vanogona kuva ‘ruyamuro runosimbisa’ kune vamwe vanenge vachida kubatsirwa muungano.—VaK. 4:11.

Kuti tikwanise kubatsira hama nehanzvadzi dzedu, tinofanira kunyatsoziva zvadziri kusangana nazvo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti “tirangarirane” patinoungana pamwe chete. (VaH. 10:24) Shoko iri rinoratidza kuti kunyange tisingapindiri munyaya dzevamwe vanhu, tinofanira kuedza kuziva uye kunzwisisa hama dzedu, toona padzinoda kubatsirwa. Tinogona kuvasimbisa pavanenge vaine zviri kuvadya mwoyo, kuvabatsira nezvatiinazvo, kana kuti pane zvekunamata. Kubatsira hama nehanzvadzi dziri muungano harisi basa revakuru nevashumiri vanoshumira chete. Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvinenge zvakakodzera kuti hama idzi dzibatsire mumwe munhu ari muungano. (VaG. 6:1) Asi tese tinogonawo kubatsira hama nehanzvadzi dzakwegura, kana kuti mhuri dzinenge dzasangana nematambudziko.

nekuvasimbisa pavanenge vachizvidya mwoyo nematambudziko eupenyu

Somuenzaniso, Salvatore akasangana nedambudziko remari zvekuti aifanira kutengesa bhizinesi rake, imba yake nezvinhu zvakawanda zvaaiva nazvo, uye akanetseka kuti iye nemhuri yake vaizoita sei. Imwe mhuri yaiva muungano mavo yakaona kuti vaida kubatsirwa. Saka yakavabatsira nemari ikavabatsirawo kuti vawane basa, uye kakawanda ari manheru mhuri iyi yaiteerera Salvatore nemudzimai wake vachitaura zvaiva pamwoyo pavo uye yaivakurudzira. Vakabva vava shamwari dzepedyo. Pavanofunga zvaiitika mazuva iwayo avaigara vese, vanofara chaizvo kunyange zvazvo zvinhu zvakakanga zvakaoma.

VaKristu vechokwadi havavanzi zvavanotenda. Tichitevedzera zvakaitwa naJesu, tinofanira kuudza vanhu vese zvinhu zvinofadza zvatinovimbiswa muBhaibheri. Pasinei nekuti tinokwanisa kuenda kunodiwa vaparidzi vakawanda kana kuti hatikwanisi, tinogona kushanda nesimba kuti tiitire vose zvakanaka. Izvi tinogona kuzviita muungano yatiri. (VaG. 6:10) Kana tikadaro, tichawana mufaro unobva pakupa, uye ‘ticharamba tichibereka zvibereko mumabasa ose akanaka.’—VaK. 1:10; Mab. 20:35.