Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake Munzira Yeupenyu

Jehovha Anotungamirira Vanhu Vake Munzira Yeupenyu

“Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”—ISA. 30:21.

NZIYO: 65, 48

1, 2. (a) Chii chakaponesa upenyu hwevanhu vakawanda? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Vanhu vaMwari vanotungamirirwa sei kuti vaponeswe?

“MIRA, TARISA, TEERERA.” Mashoko aya akaponesa upenyu hwevanhu vakawanda. Aiva pazvikwangwani zvakakura zvakaiswa mumigwagwa yaipfuura nepanjanji yezvitima kuNorth America makore anopfuura 100 adarika. Zvikwangwani izvi zvakaisirwei? Zvakaisirwa kuti vatyairi vemota vasaita tsaona nezvitima pavanenge vachipfuura nepanjanji. Kuteerera mashoko iwayo kwakaponesa vanhu.

2 Kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha kunopfuura nekure chaizvo kubatsirwa kwaiitwa vanhu nezvikwangwani izvi. Jehovha anoita seakamira pamberi pevanhu vake achivanongedzera kuti iyi ndiyo nzira inoenda kuupenyu husingaperi, kusina njodzi. Uyewo Jehovha anotoita semufudzi ane rudo anenge achishevedza makwai ake achiatungamirira uye achiadzivirira kuti asaenda netunzira tune njodzi.​—Verenga Isaya 30:20, 21.

JEHOVHA AITUNGAMIRIRA VANHU VAKE KUBVIRA KARE

3. Zvakafamba sei kuti vanhu vapinde munzira yerufu?

3 Kubvira kare, Jehovha aipa vanhu mirayiro yakajeka. Somuenzaniso, mubindu reEdheni, Jehovha akapa mirayiro yakajeka yaizobatsira vanhu kuti vararame nekusingaperi vachifara. (Gen. 2:15-17) Kudai Adhamu naEvha vakateerera, vangadai vasina kuzorarama upenyu hunorwadza hwakazoguma nekufa kwavo vasina tariro. Pane kuteerera Jehovha, Evha akateerera zano raiita seraibva kumhukawo zvayo yaitova pasi pake. Adhamu wacho akabva ateerera inzwi remudzimai wake, munhuwo zvake aizofa. Vese vakaramba kutungamirirwa naBaba vavo vane rudo. Izvi zvakaita kuti vanhu vese vapinde munzira yerufu.

4. (a) Nei paidiwa mimwe mirayiro pakapera Mafashamo? (b) Kuchinja kwakaita zvinhu kwakabatsira kuti tinzwisisei nezvaMwari?

4 Mumazuva aNoa, Mwari akapa mirayiro yakazoita kuti vanhu vapone. Mafashamo paakapera Jehovha akapa mutemo wakajeka panyaya yeropa. Chii chakaita kuti mutemo iwoyo upiwe? Zvinhu zvakanga zvachinja. Jehovha akanga ava kubvumidza vanhu kuti vadye nyama, saka paidiwa mitemo mitsva. Mwari akati: “Nyama bedzi ine mweya wayo​—iro ropa rayo—​musaidya.” (Gen. 9:1-4) Kuchinja uku kwakanga kwaita zvinhu kwakaratidza maonero anoita Mwari upenyu. Sezvo ari Musiki uye ari iye akatipa upenyu, ndiye ane kodzero yekutipa mitemo pamusoro peupenyu. Somuenzaniso, akapa mutemo wekuti vanhu vasauraya vamwe. Mwari anoona upenyu uye ropa sezvinhu zvitsvene, uye munhu asingakoshesi upenyu neropa achazvidavirira.​—Gen. 9:5, 6.

5. Tichakurukurei munyaya ino, uye zvichatibatsirei?

5 Ngatimboonai mimwe mienzaniso inoratidza kutungamirira kwaiita Mwari kwemazana emakore akapfuura. Izvi zvichatibatsira kuti titsunge kuramba tichitungamirirwa naJehovha kusvika tapinda munyika itsva.

JEHOVHA ANOPA VAISRAERI MIRAYIRO

6. Nei zvainge zvakakosha kuti vaIsraeri vapiwe mitemo mitsva, uye vaifanira kuva nemafungiro akaita sei?

6 Mumazuva aMosesi, pakanga pava kudiwa mirayiro mitsva pamararamiro nemanamatiro aifanira kuita vaIsraeri. Nei paidiwa mimwe mirayiro? Zvinhu zvakanga zvachinja zvakare. Kwemakore anopfuura 200, vazukuru vaJakobho vaigara muIjipiti, nyika yakanga yakazara vanhu vainamata vakafa, zvidhori, uye vanhu ivavo vaiitawo dzimwe tsika dzakaipa dzinovengwa naMwari. Saka vanhu vaMwari pavakasunungurwa kubva muIjipiti, paidiwa mirayiro mitsva. Vanhu vaMwari vakanga vasisiri nhapwa, asi vakanga vasunungurwa uye vava pasi peMutemo waJehovha. Mamwe mabhuku anoti muchiHebheru shoko rekuti “mutemo” rinobva pashoko rine pfungwa “yekuratidza munhu nzira, kutungamirira, kana kuti kurayira.” Mutemo waMosesi wakanga wakaita serusvingo rwaidzivirira vanhu vaMwari kubva patsika dzakaora dzemamwe marudzi uye pazvitendero zvenhema. VaIsraeri pavaiteerera Mwari, vaikomborerwa. Pavairega kumuteerera, zvinhu zvaivaomera.​—Verenga Dheuteronomio 28:1, 2, 15.

7. (a) Tsanangura kuti nei Jehovha akapa vanhu vake mitemo. (b) Mutemo waMosesi waiva muperekedzi wevaIsraeri pakudini?

7 Paiva nechimwe chikonzero chakaita kuti pave neMutemo. Mutemo waMosesi wairatidza kuti pane chimwe chinhu chinokosha chaizoitika chaiva nechekuita nekuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Jesu Kristu akanga achizouya panyika pano saMesiya. Mutemo uyu wakaita kuti zvinyatsova pachena kuti vaIsraeri vaiva nechivi. Wakaitawo kuti vanyatsoona kuti paidiwa rudzikinuro, chibayiro chakakwana chaizonyatsofukidza chivi. (VaG. 3:19; VaH. 10:1-10) Uyewo Mutemo wakabatsira kuchengetedza dzinza raizouya naMesiya uye wakabatsira kuti vanhu vamuzive paakasvika. Saka Mutemo waMosesi wakanga wakaita ‘semuperekedzi,’ uchitungamirira kuna Kristu.​—VaG. 3:23, 24.

8. Tinobatsirwa sei neMutemo waMosesi?

8 Isuwo vaKristu tinogona kubatsirwa neMutemo wakapiwa vaIsraeri. Tinobatsirwa sei? Tinogona kumbomira totarisa zvidzidzo zviri muMutemo waMosesi. Kunyange zvazvo tisisiri pasi pemitemo iyoyo, mizhinji yacho inogona kutibatsira muupenyu hwedu uye pakunamata Mwari wedu mutsvene, Jehovha. Mitemo iyoyo yakanyorwa muBhaibheri kuitira kuti tiwane zvidzidzo pairi, toshandisa zvatinenge tadzidza muupenyu hwedu uye kuti tikoshese zvakadzidziswa naJesu izvo zviri nani kupfuura mutemo iwoyo. Somuenzaniso, Jesu akati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” Saka pane kungorega kuita upombwe, hatitombofaniri kurega chido chekuda kuita unzenza hwepabonde chichikura matiri.​—Mat. 5:27, 28.

9. Zvii zvakanga zvachinja zvakaita kuti papiwe mitemo mitsva?

9 Kuuya kwaJesu saMesiya kwakaita kuti padiwe mimwe mirayiro yakasiyana neyakanga iripo uye chinangwa chaJehovha chakanga chava kuzowedzera kunzwisiswa. Chakaita kuti zvidaro ndechekuti zvinhu zvakanga zvachinja zvakare. Kubva muna 33 C.E., Jehovha akanga asingachakomboreri ungano yevaIsraeri asi akanga ava kukomborera ungano yechiKristu.

JEHOVHA ANOTUNGAMIRIRA RUDZI RUTSVA

10. Nei ungano yechiKristu yakapiwa mitemo mitsva, uye mitemo iyoyo yakanga yakasiyana papi neyakapiwa vaIsraeri?

10 Pakatanga chiKristu, vanhu vakapiwa mimwe mitemo mitsva yairatidza manamatiro nemararamiro avaifanira kuita. Vashumiri vaMwari ivavo vakatendeka vakanga vava pasi pesungano itsva. Mutemo waMosesi wakanga wakapiwa kurudzi rwaIsraeri chete. Asi Israeri waMwari aizoumbwa nevanhu vanobva kumarudzi akawanda uye mararamiro akasiyana-siyana. Izvi zvinonyatsoratidza kuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) VaIsraeri pavaiva Munyika Yakapikirwa vaibatsirwa neMutemo waMosesi waiva pamatombo akavezwa. Asi Israeri waMwari, aitungamirirwa ‘nemutemo waKristu’ wakanyorwa pamwoyo. “Mutemo waKristu” waizobatsira vaKristu pasinei nekwavanogara.​—VaG. 6:2.

11. Mirayiro ipi miviri inoratidza kuti vaKristu vese vari pasi ‘pemutemo waKristu’?

11 Jehovha aizoshandisa Mwanakomana wake kuti atungamirire Israeri waMwari. Nguva pfupi sungano itsva isati yatanga kushanda, Jesu akapa mirayiro miviri inokosha. Mumwe waiva nechekuita nebasa rekuparidza. Mumwe wacho wainyanya kutaura nezvemararamiro aifanira kuita vateveri vaJesu uye kuti vaizofanira kubata sei vamwe vaKristu. Mirayiro iyi yakanga iri yevaKristu vese, saka inoshanda kuvanamati vechokwadi vese mazuva ano, pasinei nekuti vane tariro yekudenga kana kuti yepanyika.

12. Chii chakachinja pabasa rekuparidza?

12 Chimbofunga nezvebasa rekuparidza mashoko akanaka rakataurwa naJesu kuti vateveri vake vaifanira kuita. Nzira yavaizoshandisa pakuparidza yakanga iri itsva uye basa racho raizoramba richiwedzera. Mumazana emakore akanga apfuura, vanhu vemamwe marudzi vaigamuchirwa pavaiuya kunyika yeIsraeri kuzonamata Jehovha. (1 Madz. 8:41-43) Panguva iyi pakanga pasati pava nemurayiro wakapiwa naJesu wakanyorwa pana Mateu 28:19, 20. (Verenga.) Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vaifanira ‘kuenda’ kuvanhu vese. PaPendekosti ya33 C.E., ndipo pazvakatanga kuoneka kuti Jehovha akanga achinja zvinhu. Basa rekuparidza rakanga rava kufanira kuitwa munyika yese. Mudzimu wake mutsvene wakaita kuti vanhu vanenge 120 vaiva muungano itsva vaite chishamiso chekutaura nemitauro yakasiyana-siyana kuvaJudha uye kune vamwe vakanga vatendeukira kuchitendero chechiJudha. (Mab. 2:4-11) Zvadaro vakatanga kuparidza kuvaSamariya. Uye mugore ra36 C.E., vakatanga kuparidzirawo vanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kudzingiswa. Saka tinogona kuti pakutanga ndima yavaiparidza yakanga yakaita sedziva nokuti yaingova yevaJudha chete asi yakazokura kuita segungwa sezvo vakanga vava kuparidzira vanhu vese.

13, 14. (a) Kana tichiteerera “murayiro mutsva” tinofanira kuitei? (b) Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naJesu?

13 Iye zvino ngatichiongororai “murayiro mutsva” watakapiwa naJesu uyo unobatsira kuziva mabatiro atinofanira kuita vatinonamata navo. (Verenga Johani 13:34, 35.) Murayiro uyu haugumiri pakuda hama dzedu kana zvinhu zvichifamba zvakanaka, asi tinofanirawo kudzida zvekutosvika pakudzifira. Izvi zvakanga zvisingataurwi muMutemo waMosesi.​—Mat. 22:39; 1 Joh. 3:16.

14 Jesu ndiye akaratidza rudo irworwo kupfuura vamwe vanhu vese. Ainyatsoda vadzidzi vake. Aivada zvekuti akatozvipira kuvafira. Aitarisira kuti vadzidzi vake vadanane saizvozvo uye anotarisirawo kuti isu tidaro. Dzimwe nguva tinotofanira kupinda nemumatambudziko tichiitira hama dzedu dzechiKristu, kunyange kutodzifira.​—1 VaT. 2:8.

KUTUNGAMIRIRWA IYE ZVINO UYE MUNE RAMANGWANA

15, 16. Tiri kurarama mumamiriro ezvinhu akaita sei mazuva ano, uye Mwari ari kutitungamirira sei?

15 Mazuva ano, Jesu ari kupa vanhu vake zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” waakagadza. (Mat. 24:45-47) Zvokudya izvi zvinosanganisira mirayiro yakajeka inoenderana nekuchinja kunenge kuchiita zvinhu.

16 Tiri kurarama munguva inonzi neBhaibheri “mazuva okupedzisira,” uye takatarisana nedambudziko guru risina kumbobvira raitika kubvira pakutanga. (2 Tim. 3:1; Mako 13:19) Uyewo Satani nemadhimoni ake vakadzingwa kudenga ndokukandirwa panyika uye havachakwanisi kudzokera ikoko, ndosaka vanhu vachitambura chaizvo panyika. (Zvak. 12:9, 12) Takapiwawo basa rinokosha uye rakakura chaizvo rekuparidzira vanhu vakawanda vemitauro yakasiyana-siyana.

17, 18. Tinofanira kuita sei nemirayiro yatinowana kubva kuna Mwari?

17 Tinofanira kushandisa zvese zvatinopiwa nesangano raMwari zvinotibatsira pakuparidza. Uri kuzvishandisa here? Unoteerera here zvatinoudzwa kumisangano nezvemashandisiro atinofanira kuita zvinhu izvozvo kuti tinyatsobatsira vanhu? Unobvuma here kuti mirayiro iyi inobva kuna Mwari?

18 Kuti tirambe tichikomborerwa naMwari, tinofanira kuteerera mirayiro yese yatinopiwa naMwari achishandisa ungano yechiKristu. Kugara tichiteerera iye zvino kuchatibatsira kuti tizoteerera mirayiro yatichapiwa munguva ‘yekutambudzika kukuru,’ apo pachabviswa nyika yaSatani yakaipa. (Mat. 24:21) Kana izvi zvaitika, tichange tava kuda mirayiro mitsva yekurarama munyika itsva tisingatsauswi naSatani.

MuParadhiso, mipumburu ichavhurwa ichange iine mirayiro mitsva yekurarama munyika itsva (Ona ndima 19, 20)

19, 20. Ndeipi mipumburu ichavhurwa, uye kuvhurwa kwayo kuchaguma nei?

19 VaIsraeri vakapiwa mirayiro mitsva pachishandiswa Mosesi, uye ungano yechiKristu yakazopiwawo “mutemo waKristu.” Bhaibheri rinotaurawo kuti pane mipumburu ichavhurwa ichange iine mirayiro mitsva yekurarama munyika itsva. (Verenga Zvakazarurwa 20:12.) Zvinoita sekuti mipumburu iyi ichange iine mirayiro yaJehovha inofanira kuteererwa nevanhu panguva iyoyo. Vanhu vese, kusanganisira vaya vachamutswa vachadzidza mirayiro iyi uye vachange vava kuziva zvavanotarisirwa naMwari kuti vaite. Mipumburu iyi ichatibatsira kuti tiwedzere kuziva Jehovha. Vanhu vachararama muParadhiso vachawedzera kunzwisisa Shoko raMwari rakafemerwa pamwe chete nezvichange zviri mumipumburu, zvoita kuti vadanane, vachiremekedzana, uye vachikudzana. (Isa. 26:9) Funga kuti vanhu vachadzidza zvakawanda sei pavachange vachitungamirirwa naMambo, Jesu Kristu!

20 Vanhu vachateerera ‘zvinhu zvakanyorwa mumipumburu’ vachararama nekusingaperi. Mazita evaya vacharamba vakatendeka kuna Mwari pamuedzo wekupedzisira achanyorwa naJehovha ‘mumupumburu woupenyu’ uye haazodzimwi. Nesuwo mazita edu anogona kunyorwa zvekusazodzimwa! Saka tinofanira KUMIRA kuti tiverenge Shoko raMwari, TOTARISA zviri muBhaibheri kuti tirinzwisise, uye TOTEERERA zvatiri kuudzwa naMwari iye zvino. Kana tikaita zvinhu izvi tichapona pakutambudzika kukuru, uye tichararama nekusingaperi tichinakidzwa nekudzidza nezvaMwari wedu ane rudo uye ane uchenjeri, Jehovha.​—Mup. 3:11; VaR. 11:33.