Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki​—Magadzirira Here Kubhabhatidzwa?

Vechidiki​—Magadzirira Here Kubhabhatidzwa?

“Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi, overenga zvinodiwa, kuti aone kana aine zvakakwana zvokuipedza nazvo?”—RUKA 14:28.

NZIYO: 120, 64

Nyaya ino neinotevera dzakanyorerwa vechidiki vari kufunga nezvekubhabhatidzwa

1, 2. (a) Mazuva ano, chii chiri kuita kuti vanhu vaMwari vafare? (b) Vabereki vechiKristu uye vakuru vangabatsira sei vechidiki kuti vanzwisise zvavanotarisirwa kuita kana vabhabhatidzwa?

MUMWE mukuru wechiKristu akaudza Christopher uyo aiva nemakore 12 kuti: “Ndinokuziva kubvira uchiri mucheche, uye ndafara kuziva kuti wava kuda kubhabhatidzwa. Asi ndine mubvunzo, Sei uri kuda kutora danho iroro?” Zvaakabvunzwa nemukuru iyeye zvaikosha. Tinofara chaizvo patinoona munyika yose vechiduku vakawanda vachibhabhatidzwa gore negore. (Mup. 12:1) Asiwo vabereki vechiKristu nevakuru veungano vanofanira kuva nechokwadi chekuti vechidiki ivavo vasarudza vega kubhabhatidzwa uye kuti vari kunzwisisa zvavanotarisirwa kuita kana vabhabhatidzwa.

2 Shoko raMwari rinoratidza kuti munhu paanotora danho rekuzvitsaurira uye rekubhabhatidzwa kuti ave muKristu anotanga kuwana makomborero anobva kuna Jehovha, asi anenge achirwiswawo naSatani. (Zvir. 10:22; 1 Pet. 5:8) Saka vabereki vechiKristu vanonyatsodzidzisa vana vavo kuti ndezvipi zvinotarisirwa kumudzidzi waKristu. Kana muungano muine vana vane vabereki vasiri Zvapupu, vakuru vanovaratidza rudo, vovabatsira kunzwisisa zvinotarisirwa kumunhu anoda kuva mudzidzi waKristu. (Verenga Ruka 14:27-30.) Kana tichida kuvaka imba, tinofanira kunyatsogadzirira. Saka kana tichidawo kushumira Jehovha “kusvikira pakuguma,” tinofanirawo kunyatsogadzirira. (Mat. 24:13) Asi vechidiki vangaitei kuti vazvipire kushumira Jehovha kweupenyu hwavo hwese? Ngationei.

3. (a) Mashoko aJesu neaPetro anotidzidzisei nezvekukosha kwekubhabhatidzwa? (Mat. 28:19, 20; 1 Pet. 3:21) (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura uye ichatibatsira sei?

3 Uri wechidiki ari kufunga kubhabhatidzwa here? Kana uchida kubhabhatidzwa, uri kuda kutora danho rakanaka! Kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha iropafadzo yakakura. Kuti munhu ave muKristu anotofanira kubhabhatidzwa uye iroro idanho rinokosha kuti azoponeswa. (Mat. 28:19, 20; 1 Pet. 3:21) Sezvo uine chido chekuzoita zvauchavimbisa Jehovha, unofanira kugadzirira kuti utore danho iri rinokosha. Zvakanaka kuti ufunge nezvemibvunzo mitatu inogona kukubatsira kuti uone kana wagadzirira kubhabhatidzwa. Mibvunzo yacho ndeiyi: (1) Ndakura here zvekuti ndava kugona kutora danho iroro? (2) Izvi ndizvo zvandiri kuda kunyatsoita here? (3) Ndinonzwisisa here zvinotarisirwa kumunhu anenge azvitsaurira kuna Jehovha? Ngationgororei mibvunzo iyi.

UNOZIVA SEI KUTI WAVA KUKWANISA KUBHABHATIDZWA?

4, 5. (a) Nei kubhabhatidzwa kusiri kwevanhu vakura pazera chete? (b) Chii chinoratidza kuti muKristu akura?

4 Bhaibheri haritauri kuti vanhu vakuru ndivo chete vanofanira kubhabhatidzwa uye haritauri kuti munhu anofanira kuzobhabhatidzwa asvika pazera rinonzi nemitemo ava kukwanisa kuwana dzimwe kodzero munyika. Zvirevo 20:11 inoti: “Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita.” Izvi zvinoratidza kuti kunyange munhu achiri mudiki anogona kuziva chakanaka nechakaipa uye anogona kunzwisisa kuti kuzvitsaurira kuMusiki wake kunorevei. Saka kubhabhatidzwa idanho rinokosha uye rakakodzera kune vechidiki vanenge vachiratidza kuti vakura uye vanenge vazvitsaurira kuna Jehovha.—Zvir. 20:7.

5 Chii chinoratidza kuti munhu akura? Kukura kwatiri kutaura nezvako hakusi kukura pazera kana kuti mumhu. Kukura uku ndekwevaya “vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Vanhu ivavo vanoziva kuti zvakanaka kuna Jehovha ndezvipi uye vanozvipira nemwoyo wose kuramba vachiita izvozvo. Havatsauswi nyore nyore kuti vaite zvakaipa uye havangomiriri kuita zvekuudzwa kuti vaite zvakanaka. Saka zvine musoro kutarisira kuti kana wechidiki akabhabhatidzwa, acharamba achiteerera Mwari kunyange vabereki vake kana kuti vamwe vanhu vakuru vasipo.—Enzanisa naVaFiripi 2:12.

6, 7. (a) Taura miedzo yakasangana naDhanieri paakanga ari kuBhabhironi. (b) Dhanieri akaratidza sei kuti akanga akura?

6 Zvinoita here kuti vechidiki varatidze kuti vakura? Funga zvakaitika kuna Dhanieri. Zvimwe ainge achangoti pfuurei makore 12 paakatorwa nechisimba, ndokuendeswa kuBhabhironi kwakanga kusina vabereki vake. Dhanieri akatanga kuona kuti vanhu vaakanga ava kugara navo vakanga vakanyatsosiyana naye pane zvavaiti ndizvo zvakanaka nezvakaipa. Mumwe muedzo waakasangana nawo waiva wekuti kuBhabhironi ikoko, aibatwa semunhu anokosha kupfuura vamwe. Aitova pakati pevechidiki vakasarudzwa kuti vaende kunomira pamberi pamambo! (Dhan. 1:3-5, 13) Zvaiita sekuti Dhanieri akanga ava nemikana yekubudirira kuBhabhironi kupfuura yaaiva nayo kuIsraeri.

7 Dhanieri akaita sei nemiedzo yese iyi? Akatorwa mwoyo nezvinhu zvaiyevedza uye zvaikwezva zvemuBhabhironi here? Akaedza here kutevedzera vanhu vekuBhabhironi kana kuti kuvanza zvaaitenda? Haana kana kumbotsauswa nezvinhu izvozvo. Bhaibheri rinoti Dhanieri paaiva kuBhabhironi “akatsunga mumwoyo make kuti aisazozvisvibisa” nechero chii zvacho chine chekuita nekunamata kwenhema. (Dhan. 1:8) Zvakaitwa naDhanieri zvinonyatsoratidza kuti akanga akura!

Wechidiki anoratidza kuti akura haati kana ari kuImba yoUmambo oita seshamwari yaMwari, asi kana ava kuchikoro ova shamwari yenyika (Ona ndima 8)

8. Unodzidzei pane zvakaitwa naDhanieri?

8 Unodzidzei pane zvakaitwa naDhanieri? Wechidiki anoratidza kuti akura kana asingabvi pane zvaanotenda. Haangochinji chinji sezvinoita rwaivhi. Haati kana ari kuImba yoUmambo oita seshamwari yaMwari, asi kana ava kuchikoro ova shamwari yenyika. Pane kungokandwa kwese kwese, haabvi pana Mwari kunyange paanenge achisangana nemiedzo.—Verenga VaEfeso 4:14, 15.

9, 10. (a) Wechidiki angabatsirwa sei nekufunga zvaakaita pamiedzo yaakasangana nayo munguva pfupi yapfuura? (b) Kubhabhatidzwa kunoratidzei?

9 Tese tinoberekwa tiine chivi, saka tinombokanganisa. (Mup. 7:20) Asi kana uchida kubhabhatidzwa, zvakanaka kuzviongorora kuti uzive kuti wakazvipira zvakadini kuramba uchiteerera Jehovha. Ungazviongorora sei? Zvibvunze kuti, ‘Ndinogara ndichiita zvinodiwa naMwari here?’ Chimbofunga kuti wakaita sei pamiedzo yawakasangana nayo munguva pfupi yapfuura. Wakaratidza here kuti unoziva musiyano wezvakanaka nezvakaipa? Ko kana mumwe munhu ari munyika yaSatani achikubata seunokosha kupfuura vamwe sezvaiitwa Dhanieri? Unogona here ‘kuramba uchinzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi’ kunyange paya paunoedzwa kuti uite zvinopesana nekuda kwaMwari?—VaEf. 5:17.

10 Tiri kumbobvunzirei zvese izvi? Zvichakubatsira kuti uzive zvaunotarisirwa kana wabhabhatidzwa. Sezvatamboona, kubhabhatidzwa kunoratidza kuti unenge waita vimbiso isiri yekutamba nayo kuna Jehovha. Unenge wamuvimbisa kuti ucharamba uchimuda nemwoyo wako wese uye uchamushumira nekusingaperi. (Mako 12:30) Munhu wese anobhabhatidzwa anofanira kutsunga kuramba achiita zvaakavimbisa.—Verenga Muparidzi 5:4, 5.

WAZVISARUDZIRA WEGA HERE?

11, 12. (a) Munhu anenge achifunga nezvekubhabhatidzwa anofanira kuva nechokwadi chei? (b) Chii chichakubatsira kuti urambe uchiona kubhabhatidzwa semaonerwo akunoitwa naJehovha?

11 Bhaibheri rinoti vanhu vaJehovha, vakuru nevadiki, “vachazvipa nomwoyo unoda” pakuita basa rake. (Pis. 110:3) Saka munhu anenge achifunga nezvekubhabhatidzwa anofanira kuva nechokwadi chekuti iye pachake ndiye asarudza kuita izvozvo. Izvi zvingatoda kuti unyatsozviongorora. Nei tichidaro? Pamwe mamiriro ako ezvinhu anogona kunge akasiyana neevamwe vezera rako. Somuenzaniso, unogona kunge wakarerwa mumhuri yeZvapupu.

12 Zvimwe wava nemakore uchiona vanhu vakawanda vachibhabhatidzwa, vangava vezera rako kana kuti vamwe vana vemumba menyu. Kana zviri izvo, chii chaunofanira kungwarira? Ngwarira kuti usaguma wava kuona kubhabhatidzwa sechinhu chinongofanira kuitwa nemunhu wese paanokura. Ungaitei kuti urambe uchiona kubhabhatidzwa semaonerwo akunoitwa naJehovha? Unofanira kuwana nguva yekufunga kuti nei kubhabhatidzwa riri danho rinokosha. Munyaya ino neinotevera uchawana zvikonzero zvakawanda zvinoratidza kuti kubhabhatidzwa idanho rinokosha.

13. Ungaziva sei kuti chisarudzo chako chekubhabhatidzwa chiri kubva pamwoyo?

13 Pane zvinogona kukubatsira kuti uzive kana chisarudzo chako chekubhabhatidzwa chichibva pamwoyo. Somuenzaniso, kuda kwaunoita kushumira Jehovha nemwoyo wese kunooneka nezvaunotaura muminyengetero yako. Kuwanda kweminyengetero yako uye zvaunotaura muminyengetero yacho, zvinogona kuratidza kuti ushamwari hwako naJehovha hwakasimba zvakadini. (Pis. 25:4) Chimwe chinhu chinokosha chinoshandiswa naJehovha pakupindura minyengetero yedu iShoko rake. Saka patinoshingaira kudzidza Bhaibheri tinenge tichitoratidza kuti tinonyatsoda kuva pedyo naJehovha uye kumushumira nemwoyo wese. (Josh. 1:8) Saka zvibvunze kuti: ‘Pandinonyengetera, ndinonyatsoudza Jehovha zviri pasi pemwoyo here? Ndinodzidza Bhaibheri ndiri ndega kakawanda sei?’ Kana kumba kwenyu muchiva nemanheru oKunamata Kwemhuri zvibvunze kuti: ‘Ndinoitawo zvese zvandinogona here kuti nditsigire kunamata ikoko?’ Mhinduro dzako dzichakubatsira kuti uzive kana chisarudzo chako chekubhabhatidzwa chichibva pamwoyo.

KUZVITSAURIRA KUITA SEI?

14. Taura kuti kuzvitsaurira kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa.

14 Vamwe vanogona kutadza kuziva kuti kuzvitsaurira kwakasiyana papi nekubhabhatidzwa. Somuenzaniso, vamwe vechidiki vanoti vakazvitsaurira kuna Jehovha asi vanoti havasati vava kuda kubhabhatidzwa. Izvozvo zvine musoro here? Kuzvitsaurira kunyengetera kuna Jehovha uchimuudza kuti uchamushumira nekusingaperi. Munhu paanobhabhatidzwa, anenge ava kuratidza vanhu kuti akazvitsaurira. Saka paunobhabhatidzwa unenge uchiita kuti vamwe vazive kuti wakatonyengetera uri wega kuna Jehovha uchizvitsaurira kwaari. Usati wabhabhatidzwa, unofanira kunyatsonzwisisa kuti kuzvitsaurira kuita sei.

15. Kuzvitsaurira kuita sei?

15 Paunozvitsaurira kuna Jehovha, unenge wazviramba. Unenge wavimbisa Jehovha kuti pazvinhu zvose zvauchaita muupenyu hwako, zvaanoda ndizvo zvinenge zviri pekutanga. (Verenga Mateu 16:24.) Kana tichiita zvatinovimbisa vanhu, zvinokosha chaizvo kuti tiitewo zvatinenge tavimbisa Jehovha Mwari! (Mat. 5:33) Saka ungaratidza sei kuti wakazviramba uye kuti wava kuraramira Jehovha?—VaR. 14:8.

16, 17. (a) Taura muenzaniso unoratidza kuti kuzviramba kuita sei. (b) Munhu paanozvitsaurira kuna Jehovha anenge achitotaura kuti chii?

16 Ngatitii shamwari yako yakupa mota sechipo. Anokupa mapepa emota yacho obva ati: “Mota iyi ndeyako.” Asi anobva ati: “Ndini ndichachengeta makiyi acho. Uye ndini ndichange ndichityaira, kwete iwewe.” Unonzwa sei nezvechipo chakadaro? Ko munhu wacho akupa, unomuona sei?

17 Chifunga zvinotarisirwa naJehovha kumunhu anenge azvitsaurira kwaari, uyo anenge amuudza kuti: “Ndiri kukupai upenyu hwangu. Ndava wenyu.” Ko kana munhu iyeye akatanga kuti uku ari kushumira Mwari asi nerweseri achiita zvakaipa, zvimwe achitodanana nemunhu asiri Chapupu? Ko kana akabvuma basa rinoita kuti atadze kuita ushumiri hwake nemweya wake wese kana kuti rinomutadzisa kupinda misangano yechiKristu? Izvozvo hazvina kufanana here nemunhu anokupa mota asi asingakupi makiyi acho? Munhu anozvitsaurira anenge achitoudza Jehovha kuti: “Ndava kurarama ndichiita zvamunoda kupfuura zvandinoda. Kana zvikaitika kuti zvandinoda zvapesana nezvamunoda, zvamunoda ndizvo zvandichaita nguva dzose.” Kana akaita izvi anenge aratidza mafungiro aiva naJesu uyo akati: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.”—Joh. 6:38.

18, 19. (a) Zvakataurwa naRose naChristopher zvinoratidza sei kuti kubhabhatidzwa idanho rinoita kuti munhu awane makomborero? (b) Unonzwa sei nezveropafadzo yekubhabhatidzwa?

18 Zviri pachena kuti kubhabhatidzwa idanho rinokosha risingafaniri kurerutswa. Asiwo kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa iropafadzo yakakura. Vechidiki vaya vanoda Jehovha uye vanonzwisisa kuti kuzvitsaurira kuita sei, havatyi kubhabhatidzwa uyewo havazombofi vakazvidemba nekutora danho iroro. Mumwe wechidiki akatobhabhatidzwa anonzi Rose anoti: “Ndinoda Jehovha, uye hapana chimwe chaizoita kuti ndifare sezvandiri kuita pakumushumira. Pandakasarudza kubhabhatidzwa ndainyatsoziva kuti ndaita chinhu chinokosha kupfuura zvimwe zvose.”

19 Ko Christopher ambotaurwa kwatangira nyaya ino akazoita sei? Ainzwisisa here zvaaizotarisirwa kuita paakasarudza kubhabhatidzwa aine makore 12? Christopher paanofunga nezvekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kwaakaita, anofara chaizvo. Akatanga kushumira sapiyona wenguva dzose ava nemakore 17 uye akagadzwa semushumiri anoshumira ava nemakore 18. Iye zvino ava kushumira paBheteri. Anoti: “Ndakaita chisarudzo chakanaka pandakabhabhatidzwa. Ndiri kufara chaizvo nebasa randiri kuitira Jehovha nesangano rake.” Kana uchifunga nezvekubhabhatidzwa, ungagadzirira sei? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.