Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki​—Mungagadzirira Sei Kuti Muzobhabhatidzwa?

Vechidiki​—Mungagadzirira Sei Kuti Muzobhabhatidzwa?

“Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu.”​—PIS. 40:8.

NZIYO: 51, 58

1, 2. (a) Tsanangura kuti nei kubhabhatidzwa riri danho rinokosha. (b) Munhu anofanira kuva nechokwadi chei asati abhabhatidzwa?

URI wechidiki ari kufunga kubhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, hapana chimwe chinhu chingakosha kupfuura chikomborero chauchawana. Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, kubhabhatidzwa idanho rinokosha chaizvo. Kunoratidza kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha, izvo zvinoreva kuti wakamuvimbisa kuti uchamushumira nekusingaperi uchiita kuti kuda kwake kuve pokutanga muupenyu hwako. Ndokusaka uchifanira kubhabhatidzwa kana wava kukwanisa kuita chisarudzo ichocho, uchizvisarudzira iwe pachako, uye wava kunyatsonzwisisa kuti kuzvitsaurira kwacho kuita sei.

2 Zvakadini kana usati wava nechokwadi chekuti wagadzirira kubhabhatidzwa? Ko kana uchida kubhabhatidzwa asi vabereki vako vachifunga kuti unofanira kumboti mirei kusvikira wava kuziva zvakati wandei nezvemararamiro anofanira kuita vaKristu? Kana zvakadaro, usaore mwoyo. Asi shandisa mukana iwoyo kuti ufambire mberi, uye nekufamba kwenguva unenge wava kukwanisa kubhabhatidzwa. Uchifunga nezvechido chako chekubhabhatidzwa, ona kuti mibvunzo iyi ingakubatsira sei: (1) ungava sei nechokwadi nezvaunotenda, (2) zvaunoita zvinoratidza kuti uri munhu akaita sei, uye (3) ungaratidza sei kuti unotenda zvawakaitirwa naMwari?

UNGAVA SEI NECHOKWADI NEZVAUNOTENDA?

3, 4. Vechidiki vanodzidzei pane zvakaitwa naTimoti?

3 Funga kuti ungapindura sei mibvunzo iyi: Nei ndichitenda kuti Mwari ariko? Chii chinoita kuti ndive nechokwadi chekuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafemerwa? Nei ndichiona sekuti kuteerera Mwari kwakanaka pane kutevedzera zviri kuitwa nevanhu vari munyika? Mibvunzo iyi haisi yekuita kuti usave nechokwadi nezvaunotenda. Asi inogona kukubatsira kuteerera zano rakataurwa nemuapostora Pauro rekuti: “Muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaR. 12:2) Asi nei vaKristu vaiva kuRoma vaifanira kutangazve kuedza, kana kuti kuongorora zvinhu zvavakanga vatobvuma kare?

4 Chimbofunga nezvemuenzaniso waTimoti. Ainyatsoziva Magwaro. Akanga adzidziswa “kubvira paucheche” naamai vake naambuya vake. Kunyange zvakadaro, Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo.” (2 Tim. 3:14, 15) Maererano nerimwe bhuku, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo,” rinopa pfungwa “yekunyatsogutsikana iwe pachako kuti chimwe chinhu ndechechokwadi.” Timoti akanga aita kuti chokwadi chive chake. Akachibvuma, kwete nekuti amai vake naambuya vake vakanga vamuudza kuti adaro, asi nekuti akanga anyatsofunga nezvacho achibva agutsikana kuti ndicho chaiva chokwadi.​—Verenga VaRoma 12:1.

5, 6. Nei zvichikosha kuti udzidze kushandisa ‘simba rako rokufunga’ uchiri mudiki?

5 Ungatevedzera sei Timoti? Zvichida watova nenguva uchiziva chokwadi chiri muBhaibheri. Kana zvakadaro, wadii kuronga kuti unyatsoongorora zvikonzero zvinoita kuti utende zvawakadzidza? Izvozvo zvichaita kuti uve nechokwadi nezvaunotenda uye hauzongotevedzeri zviri kuitwa nevezera rako, zvinonzi nenyika zvakanaka, kana kungoita chero zvaunenge uchingonzwa kuda kuita.

6 Kana ukadzidza kushandisa ‘simba rako rokufunga’ uchiri mudiki zvichakubatsira kuti ugadzirire kuzopindura vezera rako kana vakakubvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Unozviziva sei kuti Mwari ariko zvechokwadi? Kana Mwari achitida, nei achitisiya tichitambura? Zvinoita here kuti Mwari anzi haana paakatangira?’ Kana wakagadzirira, mibvunzo yakadai haizoiti kuti usava nechokwadi nezvaunotenda, asi ichatoita kuti ude kuramba uchidzidza uri wega.

7-9. Tsanangura kuti chikamu chiri pajw.org. chakanzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?,” chingakubatsira sei kuti unyatsova nechokwadi nezvaunotenda.

7 Kana ukashingaira pakudzidza uri wega uchanzwisisa mhinduro dzemibvunzo yaunogona kunge uinayo, uye uchava nechokwadi nezvaunotenda. (Mab. 17:11) Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kukubatsira kuita izvozvo. Vakawanda vakaona zvichibatsira kushandisa bhurocha rinonzi The Origin of Life​—Five Questions Worth Asking uye bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? Uyewo vechidiki vakawanda vari kunakidzwa uye vari kubatsirwa nechikamu chiri pajw.org. chakanzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?” Chikamu ichi chinowanikwa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA. Nyaya imwe neimwe iripo inokubatsira kuti unyatsova nechokwadi nezvinodzidziswa neBhaibheri.

8 Unotoziva zvinotaurwa neBhaibheri, saka pamwe haungambonetseki kupindura mimwe mibvunzo iri panyaya idzi. Asi nei uine chokwadi nazvo? Munyaya dziri pakanzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?” mune mibvunzo inokubatsira kuongorora magwaro arimo, wobva wanyora zvaunofunga. Izvi zvinogona kukubatsira kuti uone kuti ungatsanangurira sei vamwe zvaunotenda zviri muBhaibheri. Nyaya idzi dziri kubatsira vechidiki vakawanda kuti vanyatsova nechokwadi nezvavanotenda. Kana uchikwanisa kuwana nyaya idzi, unogona kumbodziongorora paunenge uchidzidza uri wega.

9 Kana ukanyatsova nechokwadi nezvaunotenda unenge watotora danho rinokosha kuti uzobhabhatidzwa. Imwe hanzvadzi ichiri kuyaruka inoti: “Ndisati ndasarudza kubhabhatidzwa, ndakadzidza Bhaibheri ndikaona kuti ichi ndicho chitendero chechokwadi. Uye zuva nezuva, ndinowedzera kuva nechokwadi nezvandinotenda.”

ZVAUNOITA ZVINORATIDZA KUTI URI MUNHU AKAITA SEI?

10. Nei mabasa anoitwa nemuKristu akabhabhatidzwa achifanira kuenderana nezvaanotenda?

10 Bhaibheri rinoti: “Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.” (Jak. 2:17) Kana uine chokwadi nezvaunotenda, hapana mubvunzo kuti zvichaonekwa nezvaunoita. Asi ndezvipi zvaungaita? Bhaibheri rinotaura ‘nezvemabasa matsvene omufambiro uye mabasa okuzvipira kuna Mwari.’​—Verenga 2 Petro 3:11.

11. Tsanangura kuti mashoko ekuti ‘mabasa matsvene omufambiro’ anorevei.

11 Kuti tive ‘nemabasa matsvene omufambiro’ tinofanira kuva vanhu vakachena pamberi paMwari. Mabasa ako anoratidzei? Somuenzaniso, chimbofunga zvawakaita mumwedzi 6 yapfuura. Wakaratidza sei kuti ‘simba rako rokunzwisisa’ rakarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa? (VaH. 5:14) Pane here pawakambokunda muedzo kana kuti pawakaramba kufurirwa nevezera rako? Zvaunoita kuchikoro zvinoratidza kuti une kutenda kwakasimba here? Unoshinga here kutaura zvaunotenda kana kuti unongotevedzera zvinoitwa nevezera rako uchitya kusekwa? (1 Pet. 4:3, 4) Chokwadi hapana munhu asingakanganisi. Kunyange vanhu vava nenguva refu vachishumira Jehovha dzimwe nguva vanogona kunyara kana kuti kutya kutaura zvavanotenda paruzhinji. Zvisinei, munhu akazvitsaurira kuna Jehovha anofanira kudada nezita raMwari, uye anozviratidza nezvaanoita.

12. Ndeapi mamwe “mabasa okuzvipira kuna Mwari,” uye tinofanira kuaona sei?

12 Ko “mabasa okuzvipira kuna Mwari” ndeapi? Mabasa aya anosanganisira zvaunoita muungano, zvakadai sekupinda misangano uye kuita basa rekuparidza. Anosanganisirawo zvaunoita usingaonekwi nevamwe, zvakadai sekunyengetera uye kudzidza uri wega. Munhu anenge azvitsaurira kuna Jehovha haaiti zvinhu izvi nekungoti chete ndizvo zvaanofanira kuita. Asi anoratidza mafungiro aiva naMambo Dhavhidhi uyo akati: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.”​—Pis. 40:8.

13, 14. Chii chinogona kukubatsira kuti uite “mabasa okuzvipira kuna Mwari,” uye vamwe vechidiki vakabatsirwa sei?

13 Chikamu chakanzi “Pepa Rokushandira” chiri papeji 308 ne309 mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku​—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chinogona kukubatsira kuti uve nezvinangwa pakunamata kwako. Pamapeji aya pane mibvunzo yaunofanira kupindura uchiita zvekunyora mhinduro dzacho. Mimwe mibvunzo yacho ndeyekuti; “Minyengetero yako yakajeka zvakadini, uye inoratidzei nezvokuda kwaunoita Jehovha?” “Zvii zvaunobatanidza paunodzidza uri woga?” “Unobuda muushumiri kunyange vabereki vako vasingabudi here?” Mapeji aya ane paunogona kunyora zvauchada kuita panyaya yekunyengetera, kudzidza uri wega uye kuita basa rekuparidza.

14 Vechidiki vakawanda avo vaida kubhabhatidzwa vakabatsirwa nechikamu ichi. Imwe hanzvadzi yechidiki inonzi Tilda yakati: “Ndakashandisa chikamu ichi kuti ndironge zvandaida kuzoita. Zvishoma nezvishoma ndakaita zvose zvandainge ndaronga uye pakazopera gore, ndakanga ndagadzirira kubhabhatidzwa.” Imwe hama yechidiki inonzi Patrick yakabatsirwawo nechikamu ichocho. Patrick akati: “Ndakanga ndatoronga nechekare zvandaida kuita, asi kuzvinyora pasi kwakandibatsira kuti ndishande nesimba kuti ndizviite.”

Ungaramba uchishumira Jehovha kunyange vabereki vako vakarega here? (Ona ndima 15)

15. Tsanangura kuti nei uchifanira kuzvisarudzira wega kuzvitsaurira.

15 Mumwe mubvunzo unokosha waunofanira kufunga nezvawo uri pachikamu ichi ndewekuti: “Ungashumira Jehovha kunyange vabereki vako neshamwari dzako vakarega kudaro here?” Yeuka kuti muKristu akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa anozvidavirira ega kuna Jehovha. Saka haufaniri kushumira Mwari nekungoti vabereki vako kana kuti vamwe vanhu ndizvo zvavari kuita. Mabasa ako matsvene omufambiro nemabasa ako okuzvipira kuna Mwari anoratidza kuti unonyatsobvuma kuti zvawakadzidza ndicho chokwadi uye kuti uri kufambira mberi kuti uzobhabhatidzwa.

UNGARATIDZA SEI KUTI UNOTENDA ZVAWAKAITIRWA NAMWARI?

16, 17. (a) Chii chinofanira kuita kuti munhu azosarudza kuva muKristu? (b) Kubatsira kunoita rudzikinuro kungafananidzwa nei?

16 Mumwe murume ainyatsoziva Mutemo waMosesi akabvunza Jesu kuti: “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?” Jesu akamupindura kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mat. 22:35-37) Zvakataurwa naJesu zvinoratidza kuti kuda Jehovha nemwoyo wose ndiko kunofanira kuita kuti munhu aite mabasa echiKristu uye abhabhatidzwe. Chimwe chinhu chinogona kukubatsira chaizvo kuti uwedzere kuda Jehovha kufungisisa chipo chikuru chaakatipa. Chipo ichocho chibayiro cherudzikinuro cheMwanakomana wake. (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15; 1 Johani 4:9, 19.) Kufunga nezverudzikinuro uye kuti runokubatsira sei muupenyu hwako kuchaita kuti utende zvawakaitirwa naMwari.

17 Kukoshesa kwaunoita chibayiro cherudzikinuro kunogona kufananidzwa neizvi: Ngatitii wava kunyura mumvura, asi mumwe munhu anokubatsira kuti usanyura. Paunobuda mumvura, unobva wangoenda hako kumba here, wochinja hembe, wotokanganwa zvawaitirwa? Haungambodaro! Unotoshaya kuti munhu iyeye womutenda nei. Chokwadi ndechekuti kudai munhu iyeye asipo, ungadai wafa. Jehovha Mwari naJesu Kristu vakatiitira zvakatokura kupfuura izvi. Kudai tisina kudzikinurwa, mumwe nemumwe wedu angadai akatonyura muchivi nerufu. Asi nemhaka yerudo rwukuru rwatakaratidzwa, tine tariro yakanaka chaizvo yekuzorarama muparadhiso panyika.

18, 19. (a) Nei usingafaniri kutya kuzvitsaurira kuna Jehovha? (b) Kushumira Jehovha kunoita sei kuti uve neupenyu hwakanaka?

18 Unonzwa uchida kutenda Jehovha here nezvaakakuitira? Kana zvakadaro, zvakakodzera kuti utsaurire upenyu hwako kuna Jehovha wobhabhatidzwa. Yeuka kuti kuzvitsaurira kunoreva kuvimbisa Jehovha kuti uchamushumira nekusingaperi, chero zvodini. Unofanira kutya here kuita mhiko yakadaro? Aiwa! Ziva kuti Jehovha anoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka, uye kuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” (VaH. 11:6) Kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa hakuiti kuti uomerwe neupenyu. Asi kushumira Jehovha kuchaita kuti uve neupenyu hwakanaka. Imwe hama ine makore 24 iyo yakabhabhatidzwa isati yasvika pazera rekuyaruka inoti: “Pandakabhabhatidzwa ndakanga ndisati ndava kunzwisisa zvakawanda sezvandava kuita iye zvino, asi kusarudza kwandakaita kuzvitsaurira kuna Jehovha kwakandibatsira kuti ndisamhanyisana nezvinhu zvenyika.”

19 Jehovha anokuda chaizvo, asi Satani haana kana basa newe. Satani haana kana zvisvinu zvaanopa vanhu vanomutsigira. Angambozviwana kupi? Iye pachake haana kana chinhu chinofadza chekufunga nezvacho, uye haana kana tariro. Saka angakupa sei zvaasina iye pachake? Chaanongoda chete ndechekuti uparadzwewo sezvaachaitwa!​—Zvak. 20:10.

20. Vechidiki vangaitei kuti vagadzirire kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvinhu Zvinogona Kukubatsira Kuti Ukure Pakunamata.”)

20 Sezvataona, kuzvitsaurira kuna Jehovha chinhu chakanaka chaunofanira kuita. Wagadzirira here kutora danho iroro? Kana wagadzirira usanonoka kuzvitsaurira. Asi kana uchiri kumboda kanguva, shandisa mazano ari munyaya ino kuti ugadzirire. Pauro akanyorera vaKristu vaiva kuFiripi kuti: “Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nomuitiro iwoyu.” (VaF. 3:16) Kana ukateerera zano iri, munguva pfupi inotevera uchange wava kuda kutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha, wobhabhatidzwa.