Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI TICHIFANIRA KUVA VANHU VAKATENDESEKA?

Kutendeseka Ndekwechinyakare Here?

Kutendeseka Ndekwechinyakare Here?

Hitoshi aiita zveakaunzi pane imwe kambani inotsvagira vanhu mabasa kuJapan. Paaiongorora akaunzi dzekambani nabhosi wake, Hitoshi akaudzwa kuti aitarisirwa kunyora zvekunyepa nezvemari dzekambani. Hitoshi akatsanangura kuti hana yake yaimurambidza kuita basa rine kusatendeseka. Izvi zvakaita kuti mukuru wake amuudze kuti aizodzingwa basa uye ndizvo zvakazoitika.

Mumwedzi yakazotevera, Hitoshi akanga asisina tariro yekuwana rimwe basa. Semuenzaniso mumwe musi paaibvunzwa kuti apinde basa, Hitoshi akataura kuti aisakwanisa kuita basa rine kusatendeseka. Munhu aimubvunza akashamiswa ndokuti, “Ndiwe munhu wandatanga kunzwa achitaura kudaro!” Hama neshamwari dzaHitoshi dzakamukurudzira kuti arambe akatendeseka, asi akatanga kusava nechokwadi kana izvozvo zvaiva nemusoro. Semuenzaniso, akatombotaura kuti, “Ndaisava nechokwadi kuti kubuda pachena pane zvandinotenda kunobatsira here.”

Zvakaitika kuna Hitoshi zvinongotiyeuchidza kuti haasi munhu wese anokoshesa kutendeseka. Vamwe vanotoona kutendeseka sekunotadzisa kubudirira, kunyanya mune zvebhizimisi. Mumwe mukadzi wekuSouth Africa anoenda kubasa anoti, “Vanhu vandinoshanda navo havana kutendeseka, uye dzimwe nguva ihondo chaiyo kuti ndisavatevedzera.”

Vanhu vakawanda mazuva ano vanoratidza kuti havana kutendeseka nekunyepa kwavanoita. Makore akapfuura, mumwe muongorori wemashandiro epfungwa anonzi Robert S. Feldman wepaUniversity of Massachusetts Amherst, akaona kuti pavanhu 10 vakuru, 6 vacho vanonyepa pese pavanotaura nevamwe mumaminitsi gumi ega ega. Feldman anoti, “Izvi zvakandishamisa chaizvo. Taisambofungidzira kuti vanhu vakawanda vanonyepa zvakadaro mazuva ese.” Chinotoshamisa ndezvokuti vanhu vakawanda havadi kunyeperwa, asi ivo vachinyeperwa.

Sei vakawanda mazuva ano vachinyepa, vachiba, nekuitawo zvimwe zvinhu zvinoratidza kusatendeseka? Kusatendeseka kunokanganisa sei magariro evanhu? Uye mubvunzo unonyanya kukosha ndewekuti: Tingaita sei kuti tisaguma tava kuita zvinhu izvi zvinoratidza kusatendeseka?