Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko

3 Bhaibheri Rinokubatsira Kutsungirira Matambudziko

Pane mamwe matambudziko atisingakwanisi kudzivisa kana kugadzirisa panguva ino. Mamwe acho kufirwa kana kuti kubatwa nechirwere chisingarapiki. Unogona kunge usina chimwe chaungaita kunze kwekutsungirira marwadzo acho. Bhaibheri rinogona kukubatsira here panguva yakaoma kudaro?

CHIRWERE CHISINGARAPIKI

Rose anoti: “Ndine chirwere chinoita kuti ndirwadziwe zvisingamboiti. Handichakwanisi kuita zvimwe zvinhu zvandaimboita.” Dzimwe nguva paaidzidza Bhaibheri kana kuita zvimwe zvinhu zvekunamata, aitadza kuisa pfungwa dzake ipapo. Asi akabatsirwa chaizvo nemashoko aJesu ari pana Mateu 19:26, ayo anoti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” Rose akaona kuti aigona kudzidza Bhaibheri achishandisa dzimwe nzira. Dzimwe nguva aimborwadziwa zvekusvika pakutadza kuverenga, saka akatanga kuteerera Bhaibheri uye mamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri akarekodhwa. * Anoti, “Kudai pasina zvinhu zvakarekodhwa izvi, handizivi kuti ndingadai ndakaita sei kuti ndirambe ndakasimba pakunamata.”

Rose paanomboora mwoyo nemhaka yekutadza kuita zvimwe zvinhu zvaaimboita, anonyaradzwa nemashoko ari pana 2 VaKorinde 8:12 anoti: “Kana mwoyo unoda uripo pakutanga, zvinogamuchirika kwazvo maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvisina munhu.” Mashoko iwayo anoyeuchidza Rose kuti Mwari anofara nezvaanokwanisa kuita.

KUFIRWA

Delphine, ambotaurwa nezvake anoti: “Pakafa mwana wangu aine makore 18, ndakarwadziwa zvekuti ndaitoti kufawo kuri nani. Zvinhu zvese zvakanga zvachinja.” Akanyaradzwa nemashoko ari pana Pisarema 94:19, anoti: “Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.” Anoti, “Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuti ndiwane zvinhu zvekuita zvaizondinyaradza.”

Akabva atanga kupedza nguva yakawanda achiita basa rekuparidza. Akanga ava kuzviona sekirayoni revana rekuti kunyange rikatyoka rinenge richiri kushanda. Iye ainzwa seatyoka, asi akaona kuti achiri kugona kubatsira vamwe. Anoti: “Ndakaona kuti pandaishandisa Bhaibheri kunyaradza vamwe, zvaitondinyaradzawo.” Akanyora pasi vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakambofirwawo. Anoti: “Vese vaigara vachinyengetera.” Akadzidzawo kuti “kana usingaverengi Bhaibheri haugoni kutsungirira.”

Kudzidza Bhaibheri kwakabatsira Delphine kuisa pfungwa pane ramangwana. Anonyaradzwa nemashoko ari pana Mabasa 24:15 anoti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Anozvibvuma here kuti Jehovha achamutsa mwana wake? Delphine anoti: “Ndine chokwadi chekuti ndichaonazve mwana wangu kana nguva yaJehovha yekumutsa vakafa yakwana. Ndinozviona tichitamba tese uye ndichimuda semadiro andaimuita paakazvarwa.”

Mashoko anotevera ndeekuwedzera

^ ndima 4 Zvakarekodhwa izvi zvinowanikawo pawebsite yedu inonzi jw.org.

Bhaibheri rinogona kukunyaradza kunyange zvinhu pazvinenge zvakanyanya kukuomera