Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi nezveUmambo hwaMwari

Chokwadi nezveUmambo hwaMwari

Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.” (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari chii? Huri kuitei? Uye sei tichifanira kunyengetera kuti huuye?

Jesu ndiye Mambo weUmambo hwaMwari.

Ruka 1:31-33: “Unofanira kumutumidza kuti Jesu. Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye achava Mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye Umambo hwake hahuzogumi.”

Jesu ainyanya kutaura nezveUmambo hwaMwari paaiparidza.

Mateu 9:35: “Jesu akatanga kushanyira maguta ese nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese.”

Jesu akaudza vadzidzi vake chiratidzo chaizobatsira kuti vazive kuti Umambo hwava kusvika.

Mateu 24:7: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.”

Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza nezveUmambo munyika yese.

Mateu 24:14: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”