Kuziva Chokwadi Kwakanakirei?
Mwari uyo anotaura chokwadi nguva dzese, anokuvimbisa “upenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
ZVAUNOFANIRA KUITA
Dzidza Shoko raMwari.—Johani 17:3, 17.
Teerera zvinotaurwa naMwari.—Dheuteronomi 30:19, 20.
Shandisa zvawadzidza.—Jakobho 1:25.
Zvapupu zvaJehovha pasi rese zviri kubatsirwa nekudzidza chokwadi chiri muBhaibheri. Vanoda chaizvo kukuratidzawo zvavari kudzidza.
Kuti udzidze zimwe zvakawanda zviri muBhaibheri, ona bhuku rakanzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com.