Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUVENGANA KUNGAPEDZWA SEI?

2 | Usatsiva

2 | Usatsiva

Zvinodzidziswa neBhaibheri:

“Musadzorera chakaipa nechakaipa. . . . Kana zvichiita, itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese. Musatsiva, . . . nekuti zvakanyorwa kuti: ‘“Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza,” anodaro Jehovha.’”VAROMA 12:17-19.

Zvazvinoreva:

Kana munhu akatadzirwa anogumbuka uye zvinonzwisisika, asi Mwari haadi kuti titsive. Anoda kuti tive nemwoyo murefu, nekuti anovimbisa kuti ava pedyo kugadzirisa kusabatwa zvakanaka kwatinoitwa.—Pisarema 37:7, 10.

Zvaungaita:

Vanhu pavanotsiva, zvinoita kuti ruvengo rutowedzera. Saka kana munhu akakugumbura kana kuti akakuitira zvakaipa, usadzorera. Edza kuzvidzora uye usaita hasha. Pane dzimwe nguva zvakanaka kungosiya zvakadaro. (Zvirevo 19:11) Pamwe pacho zvingadawo kuti nyaya yacho igadziriswe. Semuenzaniso, kana kuri kuti wabirwa kana kuti pane zvimwewo zvaitika unogona kunotaura nyaya yacho kumapurisa.

Ukatsiva ndiwe unenge uchizvikuvadza

Ko kana zvichiita sekuti hapana nzira yekugadzirisa nayo dambudziko racho zvakanaka? Kana kuti wakaedza zvese zvaunogona kuti ugadzirise nyaya yacho nerugare asi zvakaramba? Usatsiva, nekuti ukadaro ruvengo rwacho haruperi. Vimba nezvinotaurwa naMwari pakugadzirisa matambudziko. “Vimba naye, uye iye achagadzirisa zvinhu.”—Pisarema 37:3-5.