Paunofirwa
KANA wakafirwa, unogona kunge wakambonzwa kusurukirwa, kunzwa usisina simba, hasha, kutya kana kuti kumbozvipa mhosva. Unogona kunge wakamboshaya kuti chauri kuraramira chii?
Kana ukaramba uchirwadziwa kunyange kwenguva refu, hazvirevi kuti uri kukanganisa. Zvinongoratidza madiro awaiita munhu wacho. Asi pane chinogona kukubatsira kuti unyaradzwe here?
ZVIMWE ZVAKABATSIRAWO VAMWE
Kunyange zvazvo ungaona sekuti kurwadziwa kwacho hakusi kupera, mazano anotevera anogona kukunyaradza:
USAFIRA MUKATI
Vanhu vanosiyana pakuratidza kurwadziwa kwavo uye vamwe vanotora nguva yakati rebei. Kuchema kunogona kukubatsira kubudisa shungu. Vanessa, ambotaurwa anoti: “Ndaichema, uye zvaiita kuti ndinzwe zviri nani.” Sofía uyo akafirwa nemunin’ina wake anoti: “Kufunga zvakaitika kunorwadza. Zvakafanana nekuvhura ronda uchirigeza. Marwadzo acho haaiti kani, asi zvinobatsira kuti upore.”
UDZA VAMWE ZVIRI KUKUNETSA
Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva unenge uchida kungova wega. Asi ukasaudza vamwe zviri
kukunetsa ucharamba uchiremerwa. Jared uyo ane makore 17, akafirwa nababa vake uye anoti: “Ndakaudza vamwe zvaindinetsa. Handifungi kuti zvandaitaura zvine musoro, asi ndinofara kuti ndakavaudza.” Janice, ambotaurwa munyaya yekutanga anowedzerawo achiti: “Kuudza vamwe kwakandibatsira chaizvo. Vainyatsonzwisisa zvaiitika kwandiri uye ndainzwa kuti handisi ndega.”BVUMA KUBATSIRWA
Mumwe chiremba akati: “Kana munhu afirwa uye akabvuma kubatsirwa nehama neshamwari kazhinji kacho hazvizonyanyi kumuomera kuenderera mberi neupenyu.” Udza shamwari dzako rubatsiro rwaunoda; vanogona kunge vachida kukubatsira asi vasingazivi kuti unoda kubatsirwa papi.—Zvirevo 17:17.
SWEDERA PEDYO NAMWARI
Tina anoti: “Murume wangu paakangoerekana ashaya nekenza, ndakasara ndisisina mumwe munhu wekuudza zvaindinetsa, kunze kwaMwari chete! Zuva rimwe nerimwe ndaitanga nekumukumbira kuti andibatsire kuziva zvekuita. Akandibatsira kupfuura zvandaifungidzira.” Tarsha uyo akafirwa naamai vake paaiva nemakore 22, anoti: “Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva ndiko kwakandinyaradza. Ndaiwana chimwe chinhu chinokurudzira chekufunga nezvacho.”
FUNGIDZIRA HAMA YAKO YAMUTSWA
Tina anoenderera mberi achiti: “Pakutanga tariro yerumuko haina kundinyaradza nekuti ndaida kuva nemurume wangu uye vana vangu vaida kuva nababa vavo. Iye zvino patova nemakore 4 uye tariro iyoyo ndiyo iri kundisimbisa uye iri kuita kuti ndikwanise kutsungirira. Ndinombofungidzira amutswa uye izvi zvinoita kuti ndisanyanya kunetseka uye ndifare!”
Hazvirevi hazvo kuti marwadzo acho achabva atoti hwaa. Asi zvakaitika kuna Vanessa zvinopa simba. Anoti, “Unenge uchifunga kuti handichafi ndakakwanisa kutsungirira asi zvishoma nezvishoma zvinhu zvinotanga kuita nani.”
Yeuka kuti kunyange zvazvo ucharamba uchisuwa hama yako, uchine chikonzero chekuti urarame. Mwari achakubatsira kuti uwane shamwari dzichakusimbisa uye uchaona kuti une chikonzero chekuti urarame. Munguva pfupi iri kutevera Mwari achamutsa vakafa. Anoda kuti muzoonanazve nehama yako. Panguva iyoyo marwadzo uinawo mumwoyo mako achange apera!