‘Ane Hanya Newe’
Kunyange vamwe vanhu vakakusiya, aripo asingambofi akakusiya. Ndiani iyeye?
Mambo Dhavhidhi akati: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.”—Pisarema 27:10.
Jehovha ndiye “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.
‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.
Kuti uzive kuti Mwari angakubatsira sei, verenga chitsauko 12 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Rinowanikawo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com