Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinoda Nyika Yakanaka!

Tinoda Nyika Yakanaka!

Mukuru mukuru weSangano Renyika Dzepasi Rese, António Guterres, akati: “Tiri kurarama munyika yakazara nematambudziko.” Haufungiwo kudaro here?

Munhau tinogara tichinzwa nezvezvinhu zvinorwadza zvinosanganisira:

  • Zvirwere nematenda

  • Njodzi dzinongoitika dzega

  • Urombo nenzara

  • Kusvibiswa kwenharaunda uye kusvibiswa kuri kuitwa mhepo, izvo zviri kukonzera kuti kunze kuwedzere kupisa

  • Kuparwa kwemhosva, kurwisana, uye uori

  • Hondo

Izvi zvinoratidza kuti tinoda nyika yakanaka, nyika yekuti vanhu vanenge:

  • Vaine utano hwakanaka

  • Vakagara zvakanaka vasina chekutya

  • Vaine zvekudya zvakawanda

  • Vachigara munharaunda yakanaka uye yakachena

  • Vachibatwa zvakanaka uye nyaya dzavo dzichitongwa zvakarurama

  • Vari murunyararo pasina kurwisana

Asi tiri kumborevei patiri kuti nyika yakanaka?

Chii chichaitika kunyika yatiri kurarama mairi?

Tingaitei kuti tizorarama munyika yakanaka?

Magazini ino yeNharireyomurindi, ichatipa mhinduro dzinonyaradza dzinobva muBhaibheri dzemibvunzo iyi nemimwewo.