Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva

Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva

Munyaya dzapfuura, taona kuti Mwari ava pedyo kubvisa vanhu vese vakaipa nematambudziko ese avanokonzera. Tine chokwadi chekuti izvi zvichaitika. Nemhaka yei? Nekuti Shoko raMwari Bhaibheri rakavimbisa kuti:

“Nyika iri kupfuura.”​—1 JOHANI 2:17.

Tine chokwadi chekuti pachava nevachapona nekuti vhesi iri pamusoro apa inovimbisawo kuti:

“Munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.”

Saka kana tichida kupona, tinofanira kuita zvinodiwa naMwari. Kuti tizive zvaanoda, tinofanira kutanga tamuziva.

KUTI UZOPONA UNOFANIRA ‘KUSVIKA PAKUZIVA MWARI’

Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi.” (Johani 17:3) Kuti tizopona pachaparadzwa nyika, torarama nekusingaperi tinofanira ‘kusvika pakuziva Mwari.’ Izvi hazvingogumiri pakubvuma kuti ariko kana kungoziva zvinhu zvishoma nezvake. Asi tinofanira kuva neushamwari naye. Kana tichida kuti ushamwari hwedu nemumwe munhu husimbe, tinofanira kuzvipa nguva yekuti tinyatsozivana. Ndozvazvakaitawo neushamwari hwedu naMwari. Ona zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinodzidza muBhaibheri, zvinotibatsira kuti tive neushamwari hwepedyo naMwari.

VERENGA SHOKO RAMWARI, BHAIBHERI, MAZUVA ESE

Unogona kupona pachaguma nyika kana ukanyengetera kuti Mwari akubatsire uye ukaita kuda kwake

Kuti tirarame tinofanira kugara tichidya. Asi Jesu akati: “Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.

Mazuva ano, mashoko aJehovha tinoawana muBhaibheri. Paunoridzidza, uchaona zvakaitwa naMwari kare, zvaari kuita iye zvino uye zvaachaita mune ramangwana.

NYENGETERA KUTI MWARI AKUBATSIRE

Ungaitei kana uchida kuita zvinodiwa naMwari, asi zvichikuomera kuti usiye zvinhu zvaanoti zvakaipa? Kana zvakadaro zviri kuitika kwauri, kunyatsoziva Mwari kunogona kukubatsira kukunda dambudziko rako.

Inzwa zvakaitika kune mumwe mukadzi watichati Sakura, uyo airarama upenyu hwechipfambi. Paakatanga kudzidza Bhaibheri, akadzidza nezvemurayiro waMwari wekuti “tizai upombwe.” (1 VaKorinde 6:18) Akanyengetera kuti Mwari amubatsire uye akakwanisa kusiya mararamiro akaipa aaiita. Asi achiri kufanira kuramba achirwisa miedzo. Anoti: “Kana pfungwa dzisina kuchena dzikangouya mandiri, ndinonyengetera ndichinyatsoudza Jehovha zvese. Ndinoziva kuti handingambokundi hondo iyi ndiri ndega. Munyengetero une simba, wandiswededza pedyo naJehovha.” Vanhu vakawanda vari kusvikawo pakuziva Mwari sezvakaita Sakura. Mwari ari kuvapa simba rekuti vachinje upenyu hwavo, vorarama upenyu hunomufadza.—VaFiripi 4:13.

Kana ukawedzera kuziva Mwari, uchawedzerawo ‘kuzivikanwa naye’ seshamwari yaanokoshesa. (VaGaratiya 4:9; Pisarema 25:14) Izvozvo zvichaita kuti upone, wopinda munyika itsva yaMwari. Asi nyika itsva iyoyo ichange yakaita sei? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.