Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hama Dzedu Dzakafa Tichazombodziona Here?

Hama Dzedu Dzakafa Tichazombodziona Here?

Tese tinofirwa, asi kana munhu akafa zvatopera here? Tichazomboona here hama dzedu dzakafa?

INZWA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:

TICHAONANAZVE NEHAMA DZEDU DZAKAFA

‘Vese vari mumakuva evanoyeukwa vachabuda.’​—Johani 5:28, 29.

Mwari anoyeuka vakafa; achavamutsa.

VANHU VACHAMUTSWA PANYIKA

“Kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.”​—Mabasa 24:15.

Mabhiriyoni evanhu achamutswa kuti azorarama nekusingaperi panyika ine rugare.

TARIRO YEKUMUTSWA KWEVANHU NDEYECHOKWADI

“[Mwari] anoverenga uwandu hwenyeredzi; anodzishevedza dzese nemazita.”​—Pisarema 147:4.

Kana Mwari achikwanisa kushevedza nyeredzi nemazita, haangambotadzi kuyeuka vanhu vakafa vaachazomutsa.