Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichichembera Uye Tichifa?

Nei Tichichembera Uye Tichifa?

CHAKANGA chisiri chinangwa chaMwari kuti vanhu vafe. Vabereki vedu vekutanga Adhamu naEvha, vakasikwa vasina chivi zvekuti vangadai vari vapenyu nhasi. Chinoita kuti tidaro ndezvakataurwa naJehovha kuna Adhamu panyaya yemuti waiva mumunda weEdheni.

Mwari akaudza Adhamu kuti: “Zuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:17) Dai Adhamu akanga agara ari kuzongochembera uye ofa, pakanga pasina chikonzero chekuti Mwari amupe murayiro uyu. Adhamu aiziva kuti kana aizoteerera murayiro uyu aizoramba achirarama.

CHAKANGA CHISIRI CHINANGWA CHAMWARI KUTI VANHU VAFE

Kudya kwakaita Adhamu naEvha muchero uyu yakanga isiri nzara, nekuti Mwari akanga avapa michero yakawanda. (Genesisi 2:9) Dai vasina kudya muchero uyu, vangadai vakaratidza kuti vanoteerera Mwari uyo akavapa upenyu. Zvaizoratidzawo kuti vanobvuma kuti Mwari ndiye ane kodzero yekuvapa mitemo.

CHII CHAKAITA KUTI ADHAMU NAEVHA VAFE?

Kuti tizive chakaita kuti Adhamu naEvha vafe, tinofanira kutanga taongorora imwe nyaya yakaitika nekuti inobata-bata munhu wese. Satani Dhiyabhorosi akashandisa nyoka kuti ataure nhema dzinokuvadza. Bhaibheri rinoti: “Nyoka ndiyo yakanga yakachenjera kupfuura mhuka dzese dzemusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Saka yakati kumukadzi: ‘Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?’”​—Genesisi 3:1.

Evha akabva ati: “Tingadya hedu michero yemiti yemumunda. Asi Mwari akataura nezvemuchero wemuti uri pakati pemunda, achiti: ‘Musaudya, kana kuubata; mukangodaro muchafa.’” Nyoka yakabva yati: “Chokwadi hamumbofi. Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Saka Satani akanga ari kuti Jehovha anonyepa uye ari kunyima vabereki vedu vekutanga zvinhu zvakanaka.​—Genesisi 3:2-5.

Evha akabvuma zvakataurwa nenyoka, achibva atarisa muchero wacho. Waiyevedza! Akabva atemha muchero wacho, achibva atanga kuudya. Bhaibheri rinobva rati: “Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.”​—Genesisi 3:6.

Mwari akaudza Adhamu kuti: “Zuva raunoudya chokwadi uchafa.”​—GENESISI 2:17

Mwari anofanira kunge akarwadziwa zvisingaiti paakaona vana vake vachiita zvaipesana nezvaakanga avaudza! Aizoita sei? Jehovha akaudza Adhamu kuti: ‘Uchadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.’ (Genesisi 3:17-19) Nemhaka yekusateerera, “mazuva aAdhamu aakararama akasvika makore 930, achibva afa.” (Genesisi 5:5) Adhamu haana kuenda kudenga kana kune imwe nzvimbo yaakaramba achirarama. Jehovha paakanga asati amusika, kwakanga kusina munhu anonzi Adhamu. Saka paakafa akanga asisiri mupenyu sezvakangoita guruva raakanga asikwa naro. Adhamu akanga asisiko.

CHII CHINOITA KUTI ISU TIFE?

Kusateerera nemaune kwakaita Adhamu naEvha kwakaita kuti vave nechivi uye vasararama nekusingaperi. Chivi chakaita kuti vatange kuchembera uye chakabva chapindawo muvana vavo. Saka kutadza kwavakaita kwakakanganisawo upenyu hwevanhu vese. VaRoma 5:12 inoti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.”

Bhaibheri rinofananidza chivi uye rufu ‘nechifukidziro chakafukidza marudzi ese, uye nejira rakarukirirwa richivhara marudzi ese.’ (Isaya 25:7) Chifukidziro ichi chakaita semhepo ine muchetura yakazara kwese kwese zvekuti hapana kwekutizira. Kutaura chokwadi, vanhu “vese vari kufa muna Adhamu.” (1 VaKorinde 15:22) Saka panobva paita mubvunzo sewakabvunzwa naPauro wekuti: “Ndiani achandinunura mumuviri uyu uri kufa?” Pane angatinunura here?​—VaRoma 7:24.