Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinogona Kufara Iye Zvino

Tinogona Kufara Iye Zvino

UNOGONA kurarama upenyu husina kurwara, kuchembera, uye kufa. Asi iye zvino, tine matambudziko atiri kusangana nawo. Chii chingakubatsira kuti ufare pasinei nematambudziko aungava nawo? Bhaibheri rine mazano ezvaungaita iye zvino kuti urarame upenyu hunogutsa uye hunofadza. Ngationei mamwe ematambudziko atinosangana nawo uye mazano atinopiwa neBhaibheri.

KUGUTSIKANA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.”​VaHebheru 13:5.

Mazuva ano pane zvinhu zvinonzi nevanhu munhu wese anofanira kuva nazvo. Asi Bhaibheri rinotaura kuti tinogona kugutsikana nezvatinenge tiinazvo. Tingazviita sei?

Usanyanya “kuda mari.” Vanhu vanozvipira kuisa upenyu hwavo panjodzi, kusiya mhuri dzavo, kukanganisa ushamwari, kana kuita zvinhu zvisina unhu, vachingoitira kuti vawane mari. (1 Timoti 6:10) Asi zvinoguma nei? Pakupedzisira munhu anoda pfuma ‘haambofi akagutsikana.’​—Muparidzi 5:10.

Koshesa vanhu, kupfuura zvinhu. Ichokwadi kuti tinoda zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu. Asi zvinhu hazvikwanisi kutiratidza rudo kana kutitenda, vanhu chete ndivo vanokwanisa kudaro. Kuva ‘neshamwari dzechokwadi’ kunoita kuti tigutsikane.​—Zvirevo 17:17.

TINOGONA KUFARA IYE ZVINO KANA TIKATEVEDZERA MAZANO ARI MUBHAIBHERI

KUTSUNGIRIRA KANA UCHIRWARA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwoyo unofara mushonga wakanaka.”​Zvirevo 17:22.

Kufara kwakafanana ‘nemushonga’ unogona kukubatsira kutsungirira kana uchirwara. Asi ungafara sei iwe uchirwara?

Tenda zvaunoitirwa. Kana ukagara uchingofunga nezvedambudziko rako, uchaona kuti “mazuva ese” unenge usingafari. (Zvirevo 15:15) Pane kuramba uchifunga nezvedambudziko rako, Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.” (VaKorose 3:15) Ratidza kuti unotenda kunyange ukaitirwa zvinhu zvidiki. Zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani, kuzvipa nguva yekuona kunaka kwakaita zuva parinovira, kunzwa kamhepo kanofefetera, uye kunyemwererwa nemunhu waunofarira.

Batsirawo vamwe. Kunyange kana uchirwara unofanira kuyeuka kuti, “kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Vamwe pavanotenda zvaunenge wavaitira, unonzwa kufara, uye hauzorambi uchingofunga nezvedambudziko rako. Kana ukaitirawo vamwe zvinhu zvinoita kuti vafare, zvichaita kuti newewo ufare.

KUSIMBISA WANANO

Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’​VaFiripi 1:10.

Kana murume nemudzimai vakaita nguva shoma vari pamwe chete izvozvo zvinogona kukanganisa imba yavo. Vanofanira kuisa wanano yavo pekutanga muupenyu. Wanano ndechimwe chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe zvinhu.

Itai zvinhu pamwe chete. Rongai kuti muite zvinhu pamwe chete. Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” (Muparidzi 4:9) Munogona kubika mese, kuita maekisesaizi, kumbofurwa nemhepo, kana kuita zvimwe zvinhu zvamunofarira.

Ratidza kuti unoda mumwe wako. Bhaibheri rinokurudzira murume nemudzimai kuti vadanane uye varemekedzane. (VaEfeso 5:28, 33) Kunyemwerera mumwe wako, kumumbundira, kunyange kumupa chipo chidiki kunogona kusimbisa wanano yenyu. Asi pane zvimwe zvamunofanira kungoitirana muri vaviri kwete paine vanhu.​—VaHebheru 13:4.