Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RAKASVIKA SEI KWATIRI?

Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?

Chii Chakaita Kuti Bhaibheri Risaparara?

Bhaibheri richiripo nanhasi. Saka unogona kuwanawo rako wozviverengera. Kana ukasarudza shanduro yakanaka yeBhaibheri, zvichaita kuti uve nechokwadi chekuti zvauri kuverenga ndizvo chaizvo zvaivamo muzvinyorwa zvekutanga. * Asi chii chakaita kuti Bhaibheri rirambe riripo pasinei nekuti rakanyorwa kare, vanhu vakaedza kuriparadza uye vamwe vakaedza kuchinja zviri mariri? Rakasiyana papi nemamwe mabhuku?

“Ndava kunyatsoziva kuti Bhaibheri randiinaro chipo chinobva kuna Mwari”

Vanhu vakawanda vanoverenga Bhaibheri vanobvumirana nemashoko emuapostora Pauro uyo akati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Vanoti Bhaibheri rakaramba riripo nekuti iShoko raMwari uye kuti Mwari ndiye akarichengetedza. Faizal, ambotaurwa nezvake munyaya yekutanga akazofunga kudzidza Bhaibheri kuti aongorore kana zvaakaudzwa zvaiva zvechokwadi. Zvaakawana zvakamushamisa. Akaona kuti zvinhu zvakawanda zvinodzidziswa mumachechi hazvimo muBhaibheri. Akafarawo paakazoziva kuti nei Mwari akasika nyika.

Anoti: “Ndava kunyatsoziva kuti Bhaibheri randiinaro chipo chinobva kuna Mwari. Sezvo Mwari ari iye akasika nyika, hapana chaizomutadzisa kuti arichengetedze kusvikira iye zvino. Kuramba izvi kwakafanana nekuramba kuti Mwari ndeWemasimbaose! Uye ndingazvitaura ndakamira pai?”—Isaya 40:8.

^ ndima 3 Verenga nyaya iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2008 inoti, “Ungasarudza Sei Shanduro yeBhaibheri Yakanaka?