Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri muBhaibheri

Enzanisa Zvinodzidziswa Kuchechi Kwenyu Nezviri muBhaibheri

URI muKristu here? Kana uri muKristu, uri pakati pevamwe vanopfuura mabhiriyoni maviri vanotiwo vaKristu. Izvi zvinoreva kuti mumwe chete pavanhu vatatu vega vega anozviti muteveri waKristu. Mazuva ano machechi anoti ndeechiKristu awanda chaizvo, asi zvaanodzidzisa zvinosiyana. Saka dzidziso dzaunotenda dzinogona kunge dzakasiyana nekure nedzevamwe vanotiwo vaKristu. Asi zvine basa here kuti unotenda dzidziso dzipi? Ehe zvine basa, kana kuri kuti unoda kunyatsotevedzera chiKristu chinotaurwa muBhaibheri.

Vateveri vaJesu Kristu vekutanga vakazotumidzwa kuti “vaKristu.” (Mabasa 11:26) Sezvo kwaingova nechiKristu chimwe chete, pakanga pasina chikonzero chekuti vadanwe nemamwe mazita. VaKristu vainge vakabatana pakutevedzera zvavaidzidziswa naJesu Kristu, uyo akatanga chiKristu. Ndizvo zviri kuitwawo nechechi yaunopinda here? Zvainodzidzisa ndizvo here zvaidzidziswa naKristu uye zvaitevedzerwa nevateveri vake vekutanga? Chii chinogona kukubatsira kuziva? Bhaibheri chete ndiro rinogona kukubatsira.

Chimbofunga izvi: Jesu Kristu airemekedza chaizvo Magwaro achiaona seShoko raMwari. Aitoshora vanhu vaikoshesa tsika dzavo kupfuura zvinodzidziswa neBhaibheri. (Mako 7:9-13) Saka zviri pachena kuti vateveri vechokwadi vaJesu vanofanira kutora dzidziso dzavo muBhaibheri. Saka muKristu mumwe nemumwe anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zvinodzidziswa kuchechi kwedu zvinoenderana here nezviri muBhaibheri?’ Kuti upindure mubvunzo uyu, wadii kumboenzanisa zvinodzidziswa kuchechi kwenyu nezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri?

Jesu akati kunamata kwatinoita Mwari kunofanira kubva pachokwadi chiri muBhaibheri. (Johani 4:24; 17:17) Uye muapostora Pauro akati kana tichida kuponeswa tinofanira kuva “nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Saka zvinokosha kuti dzidziso dzedu dzinge dzichibva pachokwadi chiri muBhaibheri nekuti tikasadaro hatizoponeswi.

ENZANISA DZIDZISO DZAUNOTENDA NEZVIRI MUBHAIBHERI

Tinokukumbira kuti uverenge mibvunzo 6 iri munyaya ino, wonzwa mhinduro dzacho dzinobva muBhaibheri. Verengawo mavhesi aripo, woona kuti ari kutsigira sei mhinduro dzacho. Kana wapedza zvibvunze kuti, ‘Zvinodzidziswa kuchechi kwedu zviri kuenderana here nezviri kutaurwa neBhaibheri?’

Mibvunzo iyi inogona kukubatsira kuti uone paumire. Ungada here kuenzanisa dzimwe dzidziso dzekuchechi kwenyu nezvinotaurwa neBhaibheri? Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira kuona chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri. Wadii kukumbira mumwe wavo kuti akubatsire kudzidza Bhaibheri pasina mari yaunobhadhara. Kana kuti unogona kuenda panzvimbo yedu yepaIndaneti, jw.org.