Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utsinye Huchazombopera Here?

Utsinye Huchazombopera Here?

Wakamborwiswa here kana kuti zvakamboitika kune mumwe munhu wekumba kwenyu? Unotya here kuti rimwe zuva unogona kurwiswa? Sekutaura kwakaita vamwe, nyaya dzekuitirwa utsinye “chatova chirwere chaicho chiri kuramba chichipararira pasi rose.” Inzwa zvinotevera.

MHIRIZHONGA MUDZIMBA UYE KUBATWA CHIBHARO: Sangano reUnited Nations rakati, “Pavakadzi vatatu vega vega, mumwe chete wavo akamborohwa kana kuti kubatwa chibharo nemurume wake. Zvinofungidzirwa kuti pasi rose mukadzi mumwe chete pavakadzi 5 anogona kuzobatwa chibharo.”

UTSOTSI MUMIGWAGWA: KuUnited States kunonzi kune zvikwata zvematsotsi anotyisa zvinopfuura 30 000. KuLatin America, anenge munhu mumwe chete pavatatu vega vega akataura kuti akamborwiswa.

KUURAYA: Zvinofungidzirwa kuti muna 2012, vanhu vakapondwa vaisvika hafu yemiriyoni uye nhamba iyi yakanga yakakura kudarika yevanhu vakafira muhondo. Nhamba yevanhu vanopondwa munyika dzekuSouthern Africa neCentral America inopeta kanopfuura ka4 nhamba yevanhu vanopondwa pasi rose. Mugore rimwe chete kuLatin America kwakapondwa vanhu vanopfuura 100 000 uye kuBrazil vanenge 50 000. Pane chingaitwa here kuti utsinye hubve hwapera zvachose?

UTSINYE HUNOGONA KUPERA HERE?

Nei utsinye hwapararira kudai? Zvimwe zvinokonzera ndeizvi: kusawirirana pamusana pekusiyana kweupfumi uye tsika nemagariro, kusakoshesa upenyu hwevamwe, kunwisa doro uye kushandisa madrugs, kurwisana kwevanhu vakuru vana vachiona, uye kuona matsotsi achiita sokuti hapana chaanoitwa nemutemo.

Ndizvo hazvo kuti dzimwe nyika dziri kuedzawo kuderedza dambudziko iri. Zvinonzi mumakore 10 apfuura, nhamba yevanhu vanourayiwa yakaderera chaizvo ne80 muzana muguta reSão Paulo rokuBrazil iro rinogara vanhu vakawanda. Kunyange zvakadaro, nyaya dzokurwiswa dzichakazara muguta iri uye vanhu vanenge 10 pavanhu 100 000 voga voga vanogaramo vari kupondwa. Saka, zvoitwa sei kuti dambudziko iri ribve rapera zvachose?

Vanhu vanoda zvemhirizhonga vanofanira kutochinja mafungiro nemaitiro avo. Vanofanira kuva nerudo vachiremekedza vamwe, vosiyana nekuzvikudza, kuchiva zvinhu zvevamwe uye kungofunga zvakavanakira.

Zvii zvingaita kuti munhu azochinja kudai? Tarisa uone zvinodzidziswa neBhaibheri:

  • “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.”—1 Johani 5:3.

  • “Kutya Jehovha kunoreva kuvenga zvakaipa.” *Zvirevo 8:13.

Kuda Mwari uye kutya kumugumbura ndizvo zvinhu zvikuru zvinogona kubatsira kunyange vanhu vanoda zvekurwa kuti vachinje upenyu hwavo. Kuchinja kwacho hakusi kwezuva rimwe chete asi kuti kutochinja unhu hwavo zvachose. Zvinhu zvakadai zvinoitika here?

Chimbofunga nezvaAlex * wekuBrazil, uyo akapedza makore 19 ari mujeri pamusana pemhosva dzakasiyana-siyana dzokurwisana nevanhu. Pashure pekunge adzidziswa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akabva azovawo Chapupu muna 2000. Akanyatsochinja zvechokwadi here? Ehe, uye anorwadziwa chaizvo paanofunga zvinhu zvakaipa zvaaiita. Anoti, “Ndava kuda Mwari nokuti ndava kunyatsonzwa kuti akandiregerera. Kuda Jehovha uye kumutenda ndizvo zvakandibatsira kuchinja mararamiro angu.”

César, wekuBrazil zvekare, aipaza dzimba uye aiba akapakata pfuti. Ndiwo aitova mararamiro ake kwemakore anenge 15. Chii chakazoita kuti achinje? Paaiva mujeri, Zvapupu zvaJehovha zvakataura naye achibva ada kudzidzawo Bhaibheri. César anoti: “Apa ndipo pandakatanga kuva negwara muupenyu hwangu. Ndakadzidza kuda Mwari. Ndakadzidzawo kutya Jehovha, ndinoreva kutya kutangazve kuita zvakaipa ndichimurwadzisa. Ndakanga ndisingadi kuita zvinhu zvinoratidza kuti handisi kutenda mutsa wake waakandiratidza. Kumuda uye kumutya uku ndizvo zvakandibatsira kuti ndichinje unhu hwangu.”

Inzwa zvaungaita kuti urarame munyika isina vanhu vane utsinye

Zvakaitika kuvanhu ava zvinoratidzei? Zvinoratidza kuti Bhaibheri rinokwanisa kuchinja mafungiro evanhu, zvoita kuti vachinje upenyu hwavo. (VaEfeso 4:23) Alex, ambotaurwa anowedzera kuti: “Zvandaidzidza muBhaibheri zvaiita sokuti ndiri kugezwa nemvura yakachena ndichibviswa zvishoma nezvishoma pfungwa dzakaipa. Handina kumbobvira ndafunga kuti ndaikwanisa kuzochinja.” Izvi zvinoratidza kuti Bhaibheri rine simba rokuchenesa pfungwa dzedu kana tikadzizadza nezvinhu zvakachena zvarinotaura. (VaEfeso 5:26) Rinoita kuti vanhu vane utsinye uye vanongofunga zvakavanakira vachinje mafungiro avo, vova vanhu vane mutsa uye vane rugare. (VaRoma 12:18) Vanova nerugare muupenyu hwavo nemhaka yekushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.—Isaya 48:18.

Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 8 miriyoni, zviri munyika 240 zvinoziva kuti chii chichaita kuti utsinye hupere. Vanhu vemarudzi ose uye vane tsika dzakasiyana-siyana vakadzidza kutya Mwari uye kumuda. Vakadzidzawo kuda vamwe vanhu uye kugarisana murunyararo semhuri imwe chete pasi rose. (1 Petro 4:8) Vanhu ava vanonyatsoratidza pachena kuti zvinokwanisika kuti panyika pasava nevanoitira vamwe utsinye.

UTSINYE HWAVA KUZOPERA!

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achaita kuti utsinye hupere panyika. Kwasara nguva pfupi kuti “zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari” risvike. (2 Petro 3:5-7) Panguva iyoyo hakuzovizve nevanhu vanotambudza vamwe. Chii chinoita kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Mwari achapindira?

Bhaibheri rinoti Mwari ‘anovenga munhu wose anoda zvechisimba.’ (Pisarema 11:5) Musiki anoda runyararo uye anobata vanhu zvakaenzana. (Pisarema 33:5; 37:28) Ndokusaka asingazoregi vanhu vakaipa vachiita zvavanoda.

Saka kuchava nenyika itsva ine runyararo. (Pisarema 37:11; 72:14) Wadii wadzidza kuti ungaitawo sei kuti ukwanise kuzorarama munyika iyoyo inenge isina vanhu vanoda zvekurwisana nevamwe.

^ ndima 14 Mazita akachinjwa.