Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotii?

Bhaibheri Rinotii?

Zvekunamata zvakatangwa nevanhu here?

VAMWE VANOTI zvekunamata zvakatangwa nevanhu; asi vamwe vanoti Mwari anoshandisa zvitendero kuti abatsire vanhu kuswedera pedyo naye. Unotiwo chii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Pane “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu.” (Jakobho 1:27) Kunamata kwakachena kana kuti kwechokwadi kunobva kuna Mwari.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Chechi inofadza Mwari inotaura zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri.—Johani 4:23, 24.

  • Kana chechi ichidzidzisa pfungwa dzevanhu haibatsiri. —Mako 7:7, 8.

Zvine basa here kuti munhu ave nechechi yaanopinda?

UNGATI KUDII?

  •  Ehe

  •  Aiwa

  •  Zvinosiyana nemunhu

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Mwari anoda kuti vanhu vanomunamata vaungane vachiita zvinhu zvakarongeka.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Vanhu vanonamata Mwari pamwe chete vanofanira kuva nedzidziso imwe chete.—1 VaKorinde 1:10, 11.

  • Vanhu vanonamata zvinotenderwa naMwari vanobatana sehama nehama pasi rose.—1 Petro 2:17.