Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | BHAIBHERI RAKASVIKA SEI KWATIRI?

Nyaya Yaunofanira Kuziva

Nyaya Yaunofanira Kuziva

Pamabhuku ese echitendero, hapana rakafanana neBhaibheri. Kubva parakanyorwa kusvikira nhasi, vanhu vakawanda vange vachitora dzidziso dzavo kubva mariri. Asiwo, hakuna bhuku rakamboongororwa uye rakashorwa zvakanyanya seBhaibheri.

Somuenzaniso, vamwe vaongorori havana chokwadi kuti maBhaibheri atiinawo mazuva ano anotaura chaizvo here zvaiva muzvinyorwa zvekutanga. Mumwe purofesa wezvechitendero anoti, “Hatina chokwadi kuti mashoko acho akanyatsokopwa sezvaari kubva muzvinyorwa zvepakutanga. Zvinyorwa zvatiinazvo iye zvino zvine pakawanda pazvakasiyana nezvinyorwa zvekutanga zveBhaibheri, nekuti zvakawanda zvacho zvakatozonyorwa papfuura mazana emakore kubva pakanyorwa zvinyorwa zvekutanga zveBhaibheri.”

Vamwe havabvumi zvinotaurwa neBhaibheri nemhaka yemachechi avanopinda. Somuenzaniso, Faizal akarerwa nevabereki vakanga vasiri vaKristu uye kumba kwavo vaiti Bhaibheri ibhuku dzvene asi zvirimo zvakachinjwa. Anoti, “Izvi zvaiita kuti ndisafarira kutaura nyaya dzeBhaibheri kana vamwe vanhu vakada kudzitanga. Ende futi Bhaibheri racho ravaishandisa harisiro rakanyorwa pakutanga-tanga. Zvirimo zvakachinjwa!”

Zvine basa here kuti Bhaibheri rakachinjwa kana kuti harina? Chimbofunga nezvemibvunzo iyi: Ungabvuma here zvinovimbiswa neBhaibheri nezveremangwana kana usina chokwadi chekuti zvaivamo muzvinyorwa zvekutanga? (VaRoma 15:4) Kana kuri kuti maBhaibheri emazuva ano azere nezvikanganiso zvaiitwa nevanhu pavaianyora, ungatsvaka here mazano mariri panyaya dzinokosha dzakadai sedzebasa, dzemhuri kana kuti dzekunamata?

Kunyange zvazvo pasisina mabhuku eBhaibheri akanyorwa pakutanga-tanga, tine zvimwe zvinyorwa zvekare zvakakopwa muBhaibheri rekutanga. Zvinyorwa izvozvo zvakachengetedzwa sei kuti zvisaora, zvisaparadzwa nevanhu vaishora uye zvisachinjwa mashoko? Kuchengetedzwa kwazvakaitwa kusvika nhasi kunokubatsira sei kuti ubvume zvinotaurwa neBhaibheri? Verenga nyaya inotevera kuti uwane mhinduro dzemibvunzo iyi.