Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

Hapana Chingaita Kuti Vakarurama Vagumburwe

Hapana Chingaita Kuti Vakarurama Vagumburwe

“Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru; hapana chingaita kuti vagumburwe.”—PIS. 119:165.

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Mumwe munyori akatii, uye tichakurukurei munyaya ino?

MAZUVA ano mamiriyoni evanhu anoti anotenda muna Jesu, asi havabvumi zvaakadzidzisa. (2 Tim. 4:3, 4) Mumwe munyori akati: “Kudai mazuva ano paiva nemumwe ‘Jesu’ uyo aizotaura zvinhu sematauriro aiita Jesu wekutanga . . . , taizomuramba here semarambiro atakaita makore 2 000 akapfuura? . . . Mhinduro yacho ndeyekuti: Hongu, taizomuramba.”

2 Vanhu vakawanda vemunguva yaJesu vakamunzwa achidzidzisa uye vakamuona achiita zvishamiso, asi vakaramba kutenda maari. Nei vakaramba? Munyaya yakapfuura, takakurukura zvikonzero zvina zvakaita kuti vanhu vagumburwe nezvakataurwa naJesu uye zvaakaita. Ngatikurukurei zvimwe zvikonzero zvina. Patinenge tichidaro, tichaona kuti nei mazuva ano vanhu vachiramba vateveri vaJesu, uye kuti tingaitei kuti tisagumburwa.

(1) JESU AISASARURA

Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yevanhu vaaiwadzana navo. Zvinhu izvi zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 3) *

3. Zvii zvakaitwa naJesu zvakaita kuti vamwe vagumburwe?

3 Paaiva panyika, Jesu aiwadzana nevanhu vakasiyana-siyana. Aidya nevapfumi uye nevanhu vane simba, asiwo aiita nguva yakawanda achiwadzana nevarombo uye nevanhu vaidzvinyirirwa. Uyewo ainzwira tsitsi vanhu vaionekwa ‘sevatadzi.’ Vamwe vanhu vaizviona sevakarurama vaigumburwa nezvaiitwa naJesu. Vakabvunza vadzidzi vake kuti: “Nei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?” Jesu akavapindura achiti: “Vaya vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda. Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo.”—Ruka 5:29-32.

4. Maererano nemuprofita Isaya, vaJudha vaifanira kutarisirei nezvaMesiya?

4 Magwaro anotii? Pachine makore akawanda Mesiya asati auya, muprofita Isaya akamutsanangura seuya aisazogamuchirwa nenyika. Uprofita hwacho hwakati: “Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu . . . Zvaiita sekuti chiso chake chakanga chakahwandiswa kuti tisachiona. Akazvidzwa, uye takamuona seasingakoshi.” (Isa. 53:3) Mesiya aizorambwa “nevanhu,” saka vaJudha ivavo vepanguva yaJesu vaifanira kutarisira kuti Jesu aizorambwa.

5. Mazuva ano vanhu vakawanda vanoona sei vateveri vaJesu?

5 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanofara chaizvo kana vanhu vane mukurumbira, vane upfumi uye vanonzi nenyika vakachenjera vakava nhengo dzezvitendero zvavo. Vanovabvumira kuva nhengo dzemachechi avo kunyange zvazvo vachiita zvinhu zvinovengwa naJehovha. Vatungamiriri ivavo vezvitendero vanotarisira pasi vashumiri vaJehovha vanoshingaira uye vane tsika dzakachena, nekuti nyika inovaona sevasingakoshi. Pauro akati Mwari akasarudza vaya ‘vanotarisirwa pasi.’ (1 VaK. 1:26-29) Asi Jehovha anokoshesa vashumiri vake vese vakatendeka.

6. Tingava sei nemafungiro aiva naJesu anotaurwa pana Mateu 11:25, 26?

6 Tingaitei kuti tisagumburwa? (Verenga Mateu 11:25, 26.) Usakanganiswa nemaonerwo anoitwa vanhu vaJehovha nenyika. Ziva kuti Jehovha anoshandisa vaya vanozvininipisa chete kuti vaite kuda kwake. (Pis. 138:6) Uye funga zvinhu zvakawanda zvaakaita achishandisa vanhu vanoonekwa nenyika sevasina kuchenjera kana kungwara.

(2) JESU AKAFUMURA DZIDZISO DZENHEMA

7. Nei Jesu akadana vaFarisi kuti vanyengeri, uye ivo vakaitei?

7 Jesu akafumura vatungamiriri vezvitendero vepanguva yake nekuti vaisadzidzisa vanhu kunamata Jehovha zvakarurama. Semuenzaniso, akafumura unyengeri hwevaFarisi, avo vainyanya kukoshesa magezero avaiita maoko avo kupfuura kuchengeta vabereki vavo. (Mat. 15:1-11) Vadzidzi vaJesu vanogona kunge vakashamiswa nezvaakataura. Saka vakamubvunza kuti: “Munoziva here kuti vaFarisi vagumbuka nezvamataura?” Jesu akapindura achiti: “Chinhu chese chinomera chisina kudyarwa naBaba vangu vekudenga chichadzurwa. Varegei vakadaro. Ivo mapofu anotungamirira vamwe. Saka kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, ese ari maviri achawira mugomba.” (Mat. 15:12-14) Jesu haana kurega zvaiitwa nevatungamiriri vezvitendero zvichimutadzisa kutaura chokwadi.

8. Jesu akaratidza sei kuti Mwari haagamuchiri dzimwe dzidziso dzezvitendero?

8 Jesu akaratidzawo kuti dzimwe dzidziso dzaidzidziswa muzvitendero dzaiva dzenhema. Haana kutaura kuti Mwari anogamuchira dzidziso dzese dzezvitendero. Asi akataura kuti vakawanda vaizova mumugwagwa wakapamhamha unoenda mukuparadzwa, uye vashomanana vaizova mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu. (Mat. 7:13, 14) Akanyatsotaura kuti vamwe vanhu vaizoti vanoshumira Mwari, asi chokwadi ndechekuti vanenge vasingamushumiri. Akapa yambiro yekuti: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza. Muchavaziva nemichero yavanobereka.”—Mat. 7:15-20.

Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yekufumura kwaakaita zvinodzidziswa muzvitendero zvenhema uye zvinoitwa imomo. Zvinhu izvi zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 9) *

9. Ndedzipi dzimwe dzidziso dzenhema dzinodzidziswa muzvitendero dzakafumurwa naJesu?

9 Magwaro anotii? Uprofita hweBhaibheri hwakataura kuti Mesiya aizoshingairira imba yaJehovha. (Pis. 69:9; Joh. 2:14-17) Kushingaira ikoko ndiko kwakaita kuti Jesu afumure zvaidzidziswa uye zvaiitwa muzvitendero zvenhema. Semuenzaniso, vaFarisi vaitenda kuti mweya haufi. Asi Jesu akadzidzisa kuti vakafa vakarara. (Joh. 11:11) VaSadhusi vairamba kuti vakafa vachamutswa. Asi Jesu akamutsa shamwari yake Razaro. (Joh. 11:43, 44; Mab. 23:8) VaFarisi vaiti zvinhu zvese zvinoitika kwatiri kana kuti zvatinoita zvinokonzerwa nemasimba asingaoneki uye naMwari. Asi Jesu akadzidzisa kuti vanhu vanogona kusarudza kushumira Mwari kana kusamushumira.—Mat. 11:28.

10. Nei vanhu vakawanda vachigumburwa nezvatinodzidzisa?

10 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vanhu vakawanda vanogumburwa nekuti tinoshandisa Bhaibheri tichiratidza vanhu kuti zvinodzidziswa muzvitendero ndezvenhema. Vatungamiriri vezvitendero vanodzidzisa vateveri vavo kuti Mwari anoranga vanhu vakaipa mumoto. Vanoshandisa dzidziso iyoyo yenhema kuti vanhu varambe vachivateerera. Sezvo tiri vashumiri vaJehovha vanonamata Mwari werudo, tinofumura dzidziso iyoyo yenhema. Vatungamiriri ivavo vanodzidzisawo kuti mweya haufi. Dai dzidziso iyoyo iri yechokwadi, hapana aizofanira kumutswa. Tinoratidza kuti dzidziso iyoyo haisi yemuBhaibheri. Uye kunyange zvazvo zvitendero zvakawanda zvichidzidzisa kuti zvese zvatinoita zvakasarudzwa kare naMwari kana kuti nemamwe masimba asingaoneki, tinodzidzisa kuti munhu ane rusununguko rwekusarudza, uye anogona kusarudza kushumira Mwari. Vatungamiriri vezvitendero vanoita sei patinovafumura kuti vanodzidzisa nhema? Kakawanda kacho vanoviruka nehasha!

11. Maererano nezvakataurwa naJesu pana Johani 8:45-47, Mwari anoda kuti vanhu vake vaitei?

11 Tingaitei kuti tisagumburwa? Kana tichida chokwadi, tinofanira kutenda uye kuteerera zvinotaurwa naMwari. (Verenga Johani 8:45-47.) Tinoda kumira zvakasimba muchokwadi, kwete kuita zvakaitwa naSatani Dhiyabhorosi. Hatimbodi kuita zvinhu zvinopesana nezvatinotenda. (Joh. 8:44) Mwari anoda kuti vanhu vake ‘vaseme zvakaipa vobatisisa zvakanaka,’ sezvakaitwa naJesu.—VaR. 12:9; VaH. 1:9.

(3) JESU AKATAMBUDZWA

Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yekufa kwaakaita padanda. Zvinhu izvi zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 12) *

12. Nei mafiro akaita Jesu akaita kuti vaJudha vakawanda varambe kuti aiva Mesiya?

12 Chii chimwe chakaita kuti vaJudha vepanguva yaJesu vagumburwe? Pauro akati: “Isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo.” (1 VaK. 1:23) Nei vaJudha vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yemafiro aakaita? Kufa kwakaita Jesu padanda kwakaita kuti vamuone segororo uye mutadzi, saka vakaramba kutenda kuti aiva Mesiya.—Dheut. 21:22, 23.

13. Vaya vakaramba Jesu vakatadza kuziva chii?

13 VaJudha vaya vakaramba Jesu vakatadza kuziva kuti aisava nemhosva, aipomerwa zvenhema, uye kuti aibatwa zvisina kunaka. Vaya vakatonga Jesu vakanga vasina basa nekutonga zvakarurama. Dare repamusorosoro rechiJudha rakaungana zvechimbi-chimbi kuti ritonge Jesu uye harina kutevedzera mitemo. (Ruka 22:54; Joh. 18:24) Pane kuti vaongorore kuti zvaipomerwa Jesu zvaiva zvechokwadi here, vatongi vacho vaitsvaga “uchapupu hwenhema hwekupomera Jesu kuti vamuuraye.” Izvozvo pazvakaramba, mupristi mukuru akaedza kuita kuti Jesu ataure zvakaipa kuti vamuwanire mhosva. Izvozvo zvaipesana nezvaitaurwa nemutemo. (Mat. 26:59; Mako 14:55-64) Uye pashure pekunge Jesu amutswa, vatongi ivavo vasina kururama vakabhadhara masoja eRoma ayo ainge akarinda guva raJesu “masirivha akawanda” kuti vaparadzire nhema dzekuti nei muguva makanga musina munhu.—Mat. 28:11-15.

14. Magwaro akanga ataura kutii nezvekufa kwaMesiya?

14 Magwaro anotii? Kunyange zvazvo vaJudha vakawanda vepanguva yaJesu vaisatarisira kuti Mesiya aifanira kufa, ona kuti Magwaro akanga ataura kuti: “Akadurura upenyu hwake kunyange kusvikira parufu uye akaverengwa pamwe chete nevadariki; akatakura chivi chevanhu vakawanda, uye akareverera vadariki.” (Isa. 53:12) Saka vaJudha vakanga vasina chikonzero chekuramba Jesu paakaurayiwa semutadzi.

15. Ndezvipi zvinopomerwa Zvapupu zvaJehovha zvinoita kuti vamwe vanhu vasada kuva Zvapupu?

15 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Jesu akapomerwa nhema, akanzi ane mhosva, uye ndizvo zviri kuitirwawo Zvapupu zvaJehovha mazuva ano. Ona mimwe mienzaniso. Kuma1930 nekuma1940, pane nyaya dzakawanda dzakaendeswa kumatare muUnited States dzine chekuita nerusununguko rwedu rwekunamata Mwari. Vamwe vatongi vainyatsoratidza kuti vaisatifarira. Mupurovhinzi yeQuebec, kuCanada, Chechi neHurumende zvakashanda pamwe chete pakupikisa basa redu. Vaparidzi vakawanda vakaiswa mujeri nechikonzero chekungoti vakataura nevamwe vanhu nezveUmambo hwaMwari. MuNazi Germany, hama dzechidiki dzakawanda dzakatendeka dzakaurayiwa nehurumende iyoyo yaiva neutsinye. Panguva ino, hama dzedu dzakawanda kuRussia dziri kuiswa mujeri dzichinzi dzine mhosva yekutaura nevanhu nezveBhaibheri, uye kuita izvozvo kunonzi kunoita kuti vanhu vapandukire hurumende. Kunyange Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene mumutauro wechiRussian, yakabhanwa uye inonzi “inoita kuti vanhu vapandukire hurumende” nekuti inoshandisa zita rekuti Jehovha.

16. Maererano na1 Johani 4:1, nei tichifanira kungwarira kuti tisatsauswa nenhema dzinotaurwa nezvevanhu vaJehovha?

16 Tingaitei kuti tisagumburwa? Ziva chokwadi nezvenyaya yacho. MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akayambira vanhu vaimuteerera kuti vamwe vanhu ‘vaizovapomera zvinhu zvakaipa zvakasiyana-siyana.’ (Mat. 5:11) Nhema idzi dzinobva kuna Satani. Anoita kuti vanotipikisa vaparadzire nhema dzakaipa nezvevaya vanoda chokwadi. (Zvak. 12:9, 10) Tinofanira kuramba nhema dzinotaurwa nevanhu vanotipikisa. Hatifaniri kurega nhema dzakadaro dzichiita kuti titye kana kuti dzichikanganisa kutenda kwedu.—Verenga 1 Johani 4:1.

(4) JESU AKATENGESWA UYE AKASIYIWA

Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yekutengeswa kwaakaitwa naJudhasi. Zvinhu izvi zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 17-18) *

17. Zvakaitika kuna Jesu paakanga ava pedyo nekufa zvinogona kunge zvakagumbura sei vamwe?

17 Ava pedyo nekuurayiwa, Jesu akatengeswa nemumwe wevaapostora vake 12. Mumwe muapostora akaramba Jesu katatu, uye vaapostora vake vese vakamusiya usiku hwekupedzisira asati aurayiwa. (Mat. 26:14-16, 47, 56, 75) Jesu haana kushamiswa nazvo. Akanga atombotaura kuti ndizvo zvaizoitika. (Joh. 6:64; 13:21, 26, 38; 16:32) Vamwe pavakaona izvozvo, vanogona kunge vakagumburwa vachifunga kuti, ‘Kana vaapostora vaJesu vachiita izvozvo, ini handidi kuva mumwe wavo!’

18. Uprofita hupi hwakazadzika pane zvakaitika kuna Jesu ava pedyo nekufa?

18 Magwaro anotii? Pachine mazana emakore, Jehovha akanga ataura muShoko rake kuti Mesiya aizotengeswa nemasirivha 30. (Zek. 11:12, 13) Mutengesi wacho aizova mumwe weshamwari dzaJesu dzepedyo. (Pis. 41:9) Muprofita Zekariya akanyorawo kuti: “Rova mufudzi, makwai apararire.” (Zek. 13:7) Vanhu vanoda Mwari vaisazoramba Jesu nemhaka yezvaiitika, asi kutenda kwavo kwaizosimbiswa pavaiona uprofita uhwu huchizadzika pana Jesu.

19. Vanhu vanoda Mwari vanozivei?

19 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Mazuva ano vamwe vanhu avo vaimbova Zvapupu zvainyatsozivikanwa, vakasiya chokwadi, vakapandukira sangano, uye vanoedzawo kutsausa vamwe. Vanoparadzira mashoko akaipa, nyaya dzinotsausa, uye nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha vachishandisa mapepanhau, redhiyo, TV neIndaneti. Asi vanhu vanoda Mwari havatsauswi. Vanoziva kuti Bhaibheri rakataura kuti zvinhu zvakadaro zvaizoitika.—Mat. 24:24; 2 Pet. 2:18-22.

20. Tingaitei kuti tisatsauswa nevaya vakasiya chokwadi? (2 Timoti 4:4, 5)

20 Tingaitei kuti tisatsauswa? Tinofanira kuramba tichisimbisa kutenda kwedu nekugara tichidzidza, nekunyengetera kakawanda, uye nekuramba tichiita basa ratakapiwa naJehovha. (Verenga 2 Timoti 4:4, 5.) Kana tiine kutenda hatizotyi patinonzwa mashoko akaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. (Isa. 28:16) Kuda kwatinoita Jehovha, Shoko rake, uye hama dzedu kuchatibatsira kuti tisatsauswa nevaya vakasiya chokwadi.

21. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda mazuva ano vachiramba mashoko edu, chii chatiine chokwadi nacho?

21 Panguva yaJesu, vanhu vakawanda vakagumburwa uye vakamuramba. Asi kunewo vakawanda vakatenda maari. Vaisanganisira mumwe aiva nhengo yedare reSanihedrini uye “vapristi vakawanda.” (Mab. 6:7; Mat. 27:57-60; Mako 15:43) Mazuva anowo kune mamiriyoni akasarudza kutevera Jesu? Nei vakasarudza kumutevera? Nekuti vanoziva chokwadi chiri muMagwaro uye vanochida. Shoko raMwari rinoti: “Vaya vanoda mutemo wenyu ndivo vane rugare rukuru; hapana chingaita kuti vagumburwe.”—Pis. 119:165.

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

^ ndima 5 Munyaya yakapfuura, takakurukura zvikonzero zvina zvakaita kuti vanhu varambe Jesu kare uye kuti nei vachiramba vateveri vake mazuva ano. Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvikonzero zvina. Tichaonawo kuti nei vaya vanoda Jehovha vasingazoregi chimwe chinhu chichiita kuti vagumburwe.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kudya naMateu nevateresi.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kudzinga vanhu vari kutengesa mutemberi.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kutakuriswa danda rekutambudzirwa.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Judhasi ari kutengesa Jesu nekumutsvoda.