Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 21

Jehovha Achakupa Simba

Jehovha Achakupa Simba

“Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.”—2 VAK. 12:10.

RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Zvapupu zvakawanda zvinosangana nematambudziko api?

MUAPOSTORA PAURO akakurudzira Timoti kuti aite ushumiri hwake zvizere uye zano iroro rinoshandawo kuvaKristu vese. (2 Tim. 4:5) Saka tinoteerera zano raPauro toita zvese zvatinogona pakushumira Mwari. Asi dzimwe nguva zvinombooma. Zvinotoda ushingi kuti hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dziite basa rekuparidza. (2 Tim. 4:2) Funga nezvehama dzedu dzinogara munyika dzinorambidzwa mamwe mabasa edu kana kuti dzinorambidzwa ese. Vanoita basa iri kunyange zvazvo vachiziva kuti izvozvo zvingaita kuti vaiswe mujeri.

2 Vanhu vaJehovha vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana anogona kuvaodza mwoyo. Semuenzaniso, vakawanda vanofanira kushanda nesimba kuti vangowana zvinhu zvekuriritira mhuri dzavo. Vanoda kuita zvakawanda muushumiri, asi panozopera vhiki vanenge varukutika. Vamwe havakwanisi kuita zvakawanda nekuti vane urwere husingaperi kana kuti vakwegura, kana kuti havakwanisi kufamba vachibva pamba pavo. Vamwewo vanogara vachinzwa sekuti havakoshi kuna Jehovha. Imwe hanzvadzi inonzi Mary, * inogara kuMiddle East inoti: “Ndinofanira kushanda nesimba kuti ndikunde manzwiro andinoita kana ndakaora mwoyo, uye izvozvo zvinondisiya ndapera simba. Ndinobva ndatanga kuzvipa mhosva nekuti kuora mwoyo kunenge kwanditadzisa kubuda muushumiri.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Pasinei nematambudziko edu, Jehovha anogona kutipa simba rekuita zvese zvatinogona kuti tirambe tichimushumira. Tisati takurukura kuti Jehovha anotibatsira sei, ngationgororei kuti akasimbisa sei Pauro naTimoti kuti vaite ushumiri hwavo pasinei nematambudziko.

SIMBA REKUTI TIRAMBE TICHIPARIDZA

4. Pauro akasangana nematambudziko api?

4 Pauro akasangana nematambudziko akawanda. Ainyanya kuda kubatsirwa naJehovha paakarohwa, paakatemwa nematombo, uye paakaiswa mujeri. (2 VaK. 11:23-25) Pauro haana kunyara kutaura kuti dzimwe nguva aifanira kushanda nesimba kuti arwise kuora mwoyo. (VaR. 7:18, 19, 24) Akatsungirirawo “munzwa munyama” uyo waaida chaizvo kuti Mwari abvise.—2 VaK. 12:7, 8.

Chii chakabatsira Pauro kuti aite ushumiri hwake? (Ona ndima 5-6) *

5. Pauro akakwanisa kuitei pasinei nematambudziko aaisangana nawo?

5 Jehovha akapa Pauro simba rekuita ushumiri hwake, pasinei nematambudziko ese aaisangana nawo. Funga zvakaitwa naPauro. Paakanga ari musungwa achigara mune imwe imba muRoma, akashingaira kuparidzira vanhu vakawanda, avo vangangodaro vaisanganisira vanhu vaiva nezvinzvimbo muhurumende. (Mab. 28:17; VaF. 4:21, 22) Akaparidzirawo Varindi veMuzinda waMambo vakawanda uye aiparidzira vese vaimushanyira. (Mab. 28:30, 31; VaF. 1:13) Panguva iyoyo, Mwari akafemera Pauro kuti anyore tsamba dzakabatsira vaKristu, uye dzichiri kubatsirawo vaKristu vechokwadi mazuva ano. Uyewo muenzaniso waPauro wakasimbisa ungano dzaiva muRoma, zvikaita kuti hama dzake ‘dzitonyanya kuratidza ushingi pakutaura shoko raMwari dzisingatyi.’ (VaF. 1:14) Kunyange zvazvo Pauro aisakwanisa kuita zvaaida, akaita zvaaigona uye ‘zvakatozoita kuti mashoko akanaka afambire mberi.’—VaF. 1:12.

6. Maererano na2 VaKorinde 12:9, 10, chii chakabatsira Pauro kuti aite ushumiri hwake?

6 Pauro aiziva kuti zvese zvaaiita mubasa raJehovha aizviita nesimba raMwari, kwete rake. Akati simba raMwari ‘raiitwa kuti rive rakakwana mukusava kwake nesimba.’ (Verenga 2 VaKorinde 12:9, 10.) Achishandisa mweya wake mutsvene, Jehovha akapa Pauro simba rekuita ushumiri hwake zvizere pasinei nekutambudzwa, kuiswa mujeri, uye mamwe matambudziko aaisangana nawo.

Chii chakabatsira Timoti kuti aite ushumiri hwake? (Ona ndima 7) *

7. Timoti aiva nematambudziko api aigona kuita kuti zvimuomere kuita ushumiri hwake?

7 Timoti, shamwari yaPauro yechidiki, aifanirawo kuvimba nesimba raMwari kuti aite ushumiri hwake. Timoti aifamba naPauro vachienda kure nebasa reumishinari. Uyewo Pauro aimutuma kuti anoshanyira ungano achidzikurudzira. (1 VaK. 4:17) Timoti aigona kunge aifunga kuti aisazvikwanisa. Pamwe ndizvo zvakaita kuti Pauro amuudze kuti: “Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki.” (1 Tim. 4:12) Uye panguva iyi, Timoti aivawo newake munzwa munyama wekugara ‘achirwara-rwara.’ (1 Tim. 5:23) Asi Timoti aiziva kuti mweya mutsvene waJehovha waizomupa simba raaida kuti aparidze mashoko akanaka uye ashumire hama dzake.—2 Tim. 1:7.

SIMBA REKURAMBA TAKATENDEKA PASINEI NEMATAMBUDZIKO

8. Jehovha anosimbisa sei vanhu vake mazuva ano?

8 Mazuva ano Jehovha anopa vanhu vake ‘simba rakawedzerwa pane ravagara vainaro’ kuitira kuti vakwanise kuramba vachimushumira vakatendeka. (2 VaK. 4:7) Ngatikurukurei zvinhu zvina zvinoshandiswa naJehovha kuti atisimbise uye kuti atibatsire kuramba takatendeka kwaari zvinoti: kunyengetera, Bhaibheri, hama nehanzvadzi dzechiKristu, uye ushumiri hwedu.

Jehovha anotisimbisa achishandisa munyengetero (Ona ndima 9)

9. Kunyengetera kunotibatsira sei?

9 Tinosimbiswa nekunyengetera. Pana VaEfeso 6:18, Pauro anotikurudzira kunyengetera kuna Mwari “nguva dzese.” Mwari anobva atisimbisa. Jonnie, uyo anogara kuBolivia, akaona kubatsirwa kwaakaitwa naJehovha paakasangana nematambudziko akawanda. Mudzimai wake uye vabereki vake vakarwara zvakanyanya panguva imwe chete. Jonnie aiomerwa nekuvachengeta vese vari vatatu. Amai vake vakafa, uye zvakatora nguva yakareba kuti mudzimai wake nababa vake vapore. Achitaura nezvenguva iyoyo yainge yakaoma, Jonnie anoti, “Pandainetseka chaizvo, ndaiwanzobatsirwa nekunyengetera ndichitaura manzwiro andaiita.” Jehovha akapa Jonnie simba raaida kuti atsungirire. Mumwe mukuru ari kuBolivia anonzi Ronald, akaudzwa kuti amai vake vakanga vaine kenza. Papera mwedzi, vakabva vafa. Chii chakamubatsira panguva iyoyo yainge yakaoma? Anoti: “Pandinonyengetera kuna Jehovha ndinomuudza zvese zviri mumwoyo mangu uye manzwiro andinenge ndichiita. Ndinoziva kuti anondinzwisisa zviri nani kupfuura chero ani zvake, kunyange kupfuura zvandinoita ini pachangu.” Dzimwe nguva tinganzwa sekuti hatichakwanisi kutsungirira matambudziko edu uye tingasaziva kuti tonyengetera nezvei. Asi Jehovha anotikurudzira kuti tinyengetere kwaari kunyange kana zvakatiomera kuti titaure manzwiro atinenge tichiita.—VaR. 8:26, 27.

Jehovha anotisimbisa achishandisa Bhaibheri (Ona ndima 10)

10. Sezvinoratidzwa pana VaHebheru 4:12, nei kuverenga Bhaibheri uye kudzamisa pfungwa pane zvatinoverenga kuchikosha chaizvo?

10 Tinosimbiswa neBhaibheri. Pauro aiverenga Magwaro kuti awane simba uye anyaradzwe, uye isu tinofanirawo kuita izvozvo. (VaR. 15:4) Patinoverenga Shoko raMwari, todzamisa pfungwa pane zvatinenge taverenga, Jehovha anogona kushandisa mweya wake kuti utibatsire kuwedzera kunzwisisa kuti Bhaibheri rinoshanda sei pane zvinenge zvichiitika muupenyu hwedu. (Verenga VaHebheru 4:12.) Ronald ambotaurwa nezvake anoti: “Ndinofara chaizvo kuti ndinogara ndichiverenga Bhaibheri manheru ega-ega. Ndinofungisisa chaizvo nezveunhu hwaJehovha uye mabatiro aaiita vashumiri vake. Izvi zvinondisimbisa.”

11. Bhaibheri rakasimbisa sei hanzvadzi yakanga yafirwa nemurume?

11 Tinogona kuona matambudziko edu neziso rakanaka kana tikafungisisa zvinotaurwa neShoko raMwari. Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe mukadzi ainge afirwa nemurume. Mumwe mukuru akamuudza kuti aigona kuwana zvinhu zvinomubatsira kana akaverenga bhuku raJobho. Paakariverenga, mukadzi wacho akatanga kutsoropodza Jobho nemhaka yemafungiro ake. Mukadzi wacho akafungidzira achiyambira Jobho kuti: “Jobho! Usangofunga nezvematambudziko ako chete!” Asi akabva aona kuti mafungiro ake akanga akafanana chaizvo neaJobho. Izvi zvakamubatsira kuti achinje maonero ake, uye zvakamupa simba rekuti atsungirire kufirwa kwaakaitwa nemurume.

Jehovha anotisimbisa achishandisa hama nehanzvadzi dzechiKristu (Ona ndima 12)

12. Jehovha anotisimbisa sei achishandisa hama nehanzvadzi dzedu?

12 Tinosimbiswa nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Jehovha anosimbisawo vaKristu achishandisa vanhu vavanonamata navo. Pauro akanyora kuti aisuwa ‘kukurudzirana’ nehama nehanzvadzi dzake dzechiKristu. (VaR. 1:11, 12) Mary ambotaurwa nezvake, anokoshesa chaizvo kuwadzana kwaanoita nehama nehanzvadzi dzechiKristu. Anoti: “Jehovha akashandisa hama nehanzvadzi dzaisatomboziva nezvematambudziko angu. Vaitaura mashoko anokurudzira kana kunditumira makadhi, uye ndizvo chaizvo zvandaida. Zvinondibatsirawo pandinotaura nedzimwe hanzvadzi dzakasangana nematambudziko akafanana neangu, ndodzidza pane zvadzakaita. Uye vakuru vanogara vachiita kuti ndione kuti hama nehanzvadzi dzemuungano dzinondida.”

13. Tingakurudzirana sei pamisangano yeungano?

13 Pamisangano yedu ndipo pamwe patinokurudzirana. Paunopinda misangano unogona kusimbisa vamwe nekuvaudza mashoko anoratidza kuti unovada uye kuti unotenda zvavanoita. Semuenzaniso, musangano usati watanga, mumwe mukuru anonzi Peter akaudza imwe hanzvadzi ine murume asingatendi kuti: “Zvinokurudzira chaizvo kukuonai pano. Nguva dzese munenge muine vana venyu 6 vakapfeka zvakanaka uye vanenge vakagadzirira kupa mhinduro.” Maziso ayo achiyangarara misodzi yekuonga, hanzvadzi yacho yakabva yati: “Ndanga ndichida chaizvo kunzwa mashoko akadaro nhasi.”

Jehovha anotisimbisa achishandisa ushumiri (Ona ndima 14)

14. Kuita ushumiri kunotibatsira sei?

14 Tinosimbiswa neushumiri. Patinoudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri, tinozorodzwa uye tinowana simba pasinei nekuti vanhu vateerera here kana kuti kwete. (Zvir. 11:25) Imwe hanzvadzi inonzi Stacy yakaona kusimbisa kunoita ushumiri. Pakadzingwa mumwe munhu wemumhuri mavo, Stacy akarwadziwa chaizvo, uye airamba achizvibvunza kuti, ‘Pane zvimwe zvandaigona kuita here kuti ndimubatsire?’ Zvakanga zvakamuomera kuti arege kufunga nezvazvo. Chii chakamubatsira kuti arege kunyanya kushungurudzika? Ushumiri! Paaiita basa rekuparidza, akatanga kuisa pfungwa pavanhu vaiva mundima vaida kudzidza chokwadi. Anoti: “Panguva iyoyo, Jehovha akandipa mumwe munhu wekudzidza naye Bhaibheri uyo akafambira mberi nekukurumidza. Izvozvo zvakandikurudzira chaizvo. Chinhu chiri kunyanya kundibatsira chaizvo muupenyu hwangu, kubuda muushumiri.”

15. Unodzidzei pane zvakataurwa naMary?

15 Vamwe vanofunga kuti havakwanisi kuita zvakawanda muushumiri nemhaka yemamiriro avo ezvinhu. Kana ari iwo manzwiro ako, yeuka kuti Jehovha anofara kana ukaita zvese zvaunogona. Funga zvakare nezvaMary ambotaurwa. Paakatamira kundima yemumwe mutauro, akanzwa sekuti haana zvakawanda zvaaigona kubatsira nazvo. Anoti, “Kwenguva yakati, ndaingokwanisa kupa mhinduro pfupi kana kuverenga vhesi yeBhaibheri, kana kupa turakiti muushumiri.” Izvi zvaiita kuti anzwe seasina chaanogona paaizvienzanisa nevanhu vanonyatsogona mutauro wacho. Asi akagadzirisa maonero ake. Akatanga kuona kuti Jehovha aigona kumushandisa pasinei nekuti aisanyatsogona mutauro wacho. Anoti, “Zvinotaurwa neBhaibheri zviri nyore kunzwisisa, uye zvinogona kuchinja upenyu hwevanhu.

16. Chii chinogona kubatsira vaya vasingachakwanisi kubva pamba?

16 Jehovha anoona uye anokoshesa chido chedu chekuita ushumiri, kunyange kana tisingakwanisi kubva pamba. Anogona kutibatsira kuti tiparidzire vaya vanouya kuzotichengeta kana kuti vanachiremba nemanesi. Kana tikaenzanisa zvatiri kuita iye zvino nezvataimboita kare, tinogona kuora mwoyo. Asi kana tikanzwisisa kuti Jehovha ari kutibatsira sei iye zvino, tinogona kuwana simba rekutsungirira chero muedzo tichifara.

17. Maererano naMuparidzi 11:6, nei tichifanira kuramba tichiita ushumiri hwedu kunyange zvazvo zvichiita sekuti hapana chiri kubuda?

17 Hatizivi kuti pambeu yechokwadi chatinodyara ndeipi ichamera yotanga kukura. (Verenga Muparidzi 11:6.) Semuenzaniso, imwe hanzvadzi ine makore ekuma80 inonzi Barbara inogara ichiparidza nefoni uye netsamba. Akanyora imwe tsamba akaitumira pamwe chete neNharireyomurindi yaMarch 1, 2014, iyo yaiva nemusoro unoti: “Zvawakaitirwa naMwari.” Haana kuziva kuti akanga atumira tsamba yacho kune mumwe murume nemudzimai vakanga vasisiri Zvapupu zvaJehovha. Vakaverenga magazini yacho kakawanda. Murume wacho akanzwa sekuti Jehovha akanga achitotaura naye. Murume nemudzimai ava vakatanga kupinda misangano uye vakazova Zvapupu zvinoshingaira pashure pemakore anopfuura 27 vasingashumiri Jehovha. Barbara akakurudzirwa uye akasimbiswa chaizvo nezvakanaka zvakabva patsamba imwe chete iyoyo.

Jehovha anotisimbisa achishandisa (1) munyengetero, (2) Bhaibheri, (3) hama nehanzvadzi dzechiKristu, uye (4) ushumiri (Ona ndima 9-10, 12, 14)

18. Tinofanira kuitei kuti tisimbiswe naMwari?

18 Jehovha anotipa zvinhu zvakawanda kuti atisimbise, zvakadai semunyengetero, Bhaibheri, hama nehanzvadzi dzedu uye basa rekuparidza. Patinoshandisa zvinhu izvi, tinoratidza kuti tinovimba kuti anokwanisa kutibatsira uye kuti anoda kutibatsira. Ngatigarei tichivimba naBaba vedu vekudenga, avo vanofarira ‘kuratidza simba ravo vachibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwavari.’—2 Mak. 16:9.

RWIYO 61 Shingai, Imi Zvapupu!

^ ndima 5 Tiri kurarama munguva dzakaoma, asi Jehovha anotibatsira kuti titsungirire. Munyaya ino tichadzidza kuti Jehovha akabatsira sei muapostora Pauro naTimoti kuti varambe vachimushumira pasinei nematambudziko avo. Tichakurukura zvinhu zvina zvatinopiwa naJehovha zvinotibatsira kuti tirambe tichimushumira mazuva ano.

^ ndima 2 Zita rakachinjwa.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Paari musungwa anogara pamba muRoma, Pauro anonyora tsamba kuungano dzakawanda uye anoudza vanhu vanomushanyira mashoko akanaka.

^ ndima 55 KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Timoti anokurudzira hama paanoshanyira ungano.