Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

“Ndakadzidza Zvakawanda Kune Vamwe!”

“Ndakadzidza Zvakawanda Kune Vamwe!”

HWAIVA usiku hwakati ndo-o, tiri mumakomo ekuAlgeria. Ndaiva nemamwe masoja eFrance uye hondo yemuAlgeria yakanga yava kutsviriridza. Ndainge ndakabata pfuti ndiri panzvimbo yandairinda ndega, apo paiva nemurwi wemasaga ejecha. Ndakazongonzwa mutsindo uchiuya wakananga kwandiri. Ndakapindwa nechando. Ndakanga ndiine makore anenge 20 uye ndakanga ndisingadi kuuraya munhu kana kuurayiwa. Saka ndakashevedzera kuna Mwari kuti andibatsire.

Chiitiko ichocho chinotyisa chakachinja upenyu hwangu, nekuti ndipo pandakatanga kuda kuziva Mwari. Asi ndisati ndataura zvakazoitika usiku ihwohwo, regai ndikuudzei zvakaitika ndiri mudiki izvo zvakazoita kuti ndide kuziva nezvaMwari.

ZVANDAKADZIDZA KUNA BABA VANGU

Ndakaberekwa muna 1937 muGuesnain, guta rinocherwa zvicherwa riri kuchamhembe kweFrance. Ndakadzidza kushanda nesimba kuna baba vangu avo vaishanda mumugodhi wemarasha. Baba vakandidzidzisawo kuti ndivenge udzvinyiriri. Vaiona kuti vashandi vakawanda vemumugodhi vaidzvinyirirwa uye mashandiro avaiita aiva nengozi. Saka vaida kuvabatsira. Vaine chido chekuti zvinhu zvinakire vashandi ava, Baba vakapinda mumasangano airwira kodzero dzevashandi. Vairwadziwawo neunyengeri hwaiitwa nevapristi. Vakawanda vavo vaiva neupenyu hwakanaka, asi vaikumbira zvekudya uye mari kuvashandi vemumugodhi avo vaitamburira kuti vawane chekurarama nacho. Baba vaisemburwa nemaitiro evapristi zvekuti havana kana kutombondidzidzisa nezvechitendero. Kumba kwedu taisatombotaura nezvaMwari.

Pandaikura, ndakatangawo kuvenga udzvinyiriri. Chimwe chinhu chandaifunga kuti chakanga chisina kunaka ndechekuti vakawanda vaisafarira vanhu vekune dzimwe nyika vaigara muFrance. Ndainakidzwa nekutamba bhora nevana vevanhu vakanga vatamira muFrance. Uyewo amai vangu vakanga vasiri chizvarwa chemuFrance asi chekuPoland. Ndaida chaizvo kuti marudzi ese agare murugare uye achibatwa zvakaenzana.

NDAKATANGA KUFUNGISISA NEZVEUPENYU

Pandaiva muchiuto

Ndakapinzwa muchiuto muna 1957. Ndozvakaita kuti ndipedzisire ndava mumakomo ekuAlgeria muusiku hwandambotaura nezvahwo. Pashure pekushevedzera kuna Mwari kuti andibatsire, ndakaona kuti raiva dhongi remusango, kwete muvengi! Ndakatura befu! Zvakaitika izvi, uye hondo yacho pachayo zvakaita kuti nditange kufungisisa nezveupenyu. Ndakatanga kuzvibvunza mibvunzo yakadai sekuti, Takasikirwei? Mwari ane hanya nesu here? Tichazombova nerugare here?

Pandaiva pazororo kumba kwevabereki vangu, ndakaonana nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Akandipa Bhaibheri rechiKaturike mumutauro wechiFrench rinonzi La Sainte Bible, randakazotanga kuverenga ndadzokera kuAlgeria. Ndakanyanya kubatwa-batwa nezvinotaurwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4. Inoti: “Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” * Mashoko aya akandishamisa. Ndakazvibvunza kuti, ‘Angava echokwadi here?’ Panguva iyoyo ndaisaziva nezvaMwari kana kuti nezveBhaibheri.

Pandakapedza basa rechiuto muna 1959, ndakasangana nemumwe weZvapupu zvaJehovha ainzi François, uyo akandidzidzisa zvakawanda kubva muBhaibheri. Semuenzaniso, akandiratidza muBhaibheri kuti Mwari ane zita rinonzi Jehovha. (Pis. 83:18) François akatsanangurawo kuti Jehovha achaita kuti vanhu vabatwe zvakanaka panyika, achaita kuti nyika ive paradhiso, uye achazadzisa mashoko aZvakazarurwa 21:3, 4.

Dzidziso idzodzo dzaiva nemusoro uye dzakandibaya mwoyo. Ndakatsamwirawo chaizvo vapristi uye ndaida kuvafumura kuti vanodzidzisa zvinhu zvisiri muBhaibheri. Zvinoita sekuti ndakanga ndichiri nemaonero ababa vangu uye ndaisava nemwoyo murefu. Ndaida kugadzirisa zvinhu ipapo ipapo!

François nevamwe vanhu vandakanga ndava kushamwaridzana navo avo vaiva Zvapupu, vakandibatsira kuti ndidzore hasha dzangu. Vakanditsanangurira kuti basa redu sevaKristu harisi rekutonga vanhu, asi nderekuita kuti vave netariro tichivaudza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Ndiro basa raiitwa naJesu uye raakapa vateveri vake kuti vaite. (Mat. 24:14; Ruka 4:43) Ndakaonawo kuti ndaifanira kudzidza kutaura zvakanaka nevanhu ndisingavagumburi, pasinei nekuti ndaisabvumirana nezvavaitenda. Bhaibheri rinoti: “Muranda waShe haafaniri kukakavara, asi anofanira kuva munyoro kuvanhu vese.”—2 Tim. 2:24.

Ndakachinja mararamiro angu uye ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha muna 1959 pagungano redunhu. Pagungano iroro ndakaona imwe hanzvadzi yechidiki inonzi Angèle iyo yakanditora mwoyo. Ndakatanga kushanyira ungano yaaipinda, uye takachata muna 1960. Angèle mudzimai akazonaka, uye chipo chinokosha chinobva kuna Jehovha.—Zvir. 19:14.

Musi watakachata

NDAKADZIDZA ZVAKAWANDA KUVARUME VAKACHENJERA UYE VANE RUZIVO

Kwemakore ese aya, ndakadzidza zvidzidzo zvinokosha kubva kuhama dzakachenjera uye dzine ruzivo. Chimwe chezvidzidzo zvinonyanya kukosha ndechekuti kana tichida kubudirira pabasa chero ripi zvaro rakaoma, tinofanira kuzvininipisa uye kushandisa uchenjeri hunowanikwa pana Zvirevo 15:22 iyo inoti: “Kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”

Tiri mubasa remudunhu muFrance, muna 1965

Muna 1964, ndakatanga kuona kuti mashoko iwayo akafemerwa ndeechokwadi. Gore iroro ndakatanga kushumira semutariri wedunhu, ndichishanyira ungano kuti ndikurudzire hama uye ndidzisimbise pakunamata. Ndaingova nemakore 27 uye ndisina ruzivo rwakawanda. Saka ndaikanganisa kakawanda. Asi ndaiedza kudzidza pane zvandaikanganisa. Ndakadzidza zvinhu zvinokosha zvakawanda kubva kuhama dzaindipa mazano uye dzaiva neruzivo.

Ndinoyeuka zvakamboitika ndichangotanga basa remudunhu. Ndisati ndabva pane imwe ungano yandakanga ndashanyira muParis, imwe hama yakakura pakunamata yakandibvunza kana zvaiita kuti timbotaura tiri pedu tega. Ndakaipindura kuti, “Hongu zvinoita.”

Yakandibvunza kuti, “Louis, chiremba anobatsira ani, varwere here kana kuti vane utano?”

Ndakapindura kuti, “Varwere.”

Yakati: “Ndizvozvo. Asi ndakaona kuti unoita nguva yakawanda uine vanhu vakasimba pakunamata, vakadai semutariri weungano. Ungano yedu ine hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaora mwoyo, itsva, kana kuti dzinonyara. Vanhu vakadaro vangakurudzirwa chaizvo kana ukavawanira nguva, kunyange kutoenda kunodya kudzimba dzavo.”

Ndinotenda chaizvo zano rakanaka randakapiwa nehama iyoyo. Kuda kwayaiita makwai aJehovha kwakandibaya mwoyo. Kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma kubvuma zvandakanga ndakanganisa, ndakakurumidza kushandisa zvayakataura. Ndinotenda Jehovha nekuda kwehama dzakadaro.

Mugore ra1969 nera1973, ndakagadzwa kuti ndive mutariri weDhipatimendi Rezvekudya pamagungano maviri enyika dzakawanda akaitirwa muColombes, kuParis. Pagungano remuna 1973, taifanira kupa vanhu vanenge 60 000 zvekudya kwemazuva 5! Ndaisaziva kuti izvozvo taizozvigona sei. Asi kuti tibudirire, takashandisazve Zvirevo 15:22 iyo inokurudzira kutsvaga mazano kune vamwe. Ndakakumbira hama dzine ruzivo kuti dzibatsire. Vamwe vavo vaiita mabasa akadai sekutengesa nyama, kurima miriwo, kubika, uye kutenga zvinhu. Takabatsirana kuita basa iri rakaoma.

Muna 1973, ini nemudzimai wangu takakokwa kuti tishumire paBheteri muFrance. Basa rekutanga randakapiwa ikoko rakanga rakaomawo chaizvo. Ndaifanira kutumira mabhuku kuhama dzedu dzekuCameroon, uko kwakanga kwakabhanwa basa redu kubva muna 1970 kusvika muna 1993. Ndakaona sekuti ndaisazvikwanisa. Zvimwe ichiona kuti ndaitya, hama yaiona nezvebasa remuFrance yakandikurudzira ichiti: “Hama dzedu dzemuCameroon dzinoda chaizvo zvekudya zvekunamata. Ngativapei!” Uye ndizvo zvatakaita.

Tiri pamusangano unokosha wakaitwa kuNigeria muna 1973 neZvapupu zvaibva kuCameroon

Ndakaita nzendo dzakawanda kunyika dzakavakidzana neCameroon kuti ndinoonana nevakuru vaibva munyika iyoyo. Varume ivavo vainge vakashinga uye vakangwara. Vakandibatsira kuronga kuti tikwanise kuramba tichiendesa zvekudya zvekunamata kuCameroon. Jehovha akakomborera zvataiita. Kwemakore anenge 20, vanhu vake munyika iyoyo havana kana kumboshaya Nharireyomurindi uye chinyorwa chaibuda mwedzi nemwedzi chainzi Basa Redu reUmambo.

Muna 1977, ini naAngèle tiri kuNigeria tiine vatariri vematunhu vaibva kuCameroon nemadzimai avo

NDAKADZIDZA ZVAKAWANDA KUMUDZIMAI WANGU ANOKOSHA

Kubva pandakatanga kufambidzana naAngèle, ndaiona kuti aiva neushamwari hwepedyo naJehovha. Izvozvo ndakazonyatsozviona tava kugara tese. Semuenzaniso, musi watakachata akandikumbira kuti ndinyengetere nezvechido chedu chekuita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha semurume nemudzimai. Jehovha akapindura munyengetero iwoyo.

Angèle akandibatsirawo kuti ndiwedzere kuvimba naJehovha. Semuenzaniso, muna 1973 patakakokwa kuzoshumira paBheteri, ndaizeza nekuti ndaida basa remudunhu. Asi Angèle akandiyeuchidza kuti takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha. Saka taifanira kuita chero zvatinenge tanzi nesangano rake tiite. (VaH. 13:17) Ndakanyatsobvumirana naye. Saka takabva taenda kuBheteri. Mudzimai wangu akachenjera, anonzwisisa, uye anonyatsoda Jehovha. Izvozvo zvasimbisa imba yedu uye zvatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka kwemakore ese aya tiri pamwe chete.

Ndiina Angèle paBheteri, kuFrance

Iye zvino takwegura, uye Angèle achiri kuramba achinditsigira chaizvo. Semuenzaniso, kuti tikwanise kupinda zvikoro zvesangano, izvo zvinowanzoitwa neChirungu, ini naAngèle takashanda nesimba kuti tiwedzere kugona mutauro wacho. Saka takatanga kupinda neungano yeChirungu kunyange zvazvo takanga tava nemakore ekuma70 panguva yacho. Sezvo ndiri nhengo yeDare reBazi reFrance, mabasa andinoita aiita kuti ndisawana nguva yakawanda yekudzidzira mumwe mutauro. Asi taibatsirana naAngèle. Iye zvino tava nemakore ekuma80, uye tinoramba tichigadzirira misangano neChirungu uye nechiFrench. Tinoedzawo kuita zvese zvatinogona kuti tipinde misangano uye tiite ushumiri neungano yedu. Jehovha akakomborera kushanda nesimba kwatakaita pakudzidzira Chirungu.

Takawana chimwe chikomborero chakakura muna 2017. Ini naAngèle takawana ropafadzo yekupinda Chikoro cheNhengo dzeDare reBazi neMadzimai Avo, chinoitirwa kuWatchtower Educational Center, Patterson, kuNew York.

Zvechokwadi Jehovha ndiye Murayiridzi Mukuru. (Isa. 30:20) Saka hazvishamisi kuti vanhu vake, vakuru nevadiki, vanowana dzidzo yakanakisisa! (Dheut. 4:5-8) Ndakaona kuti vechidiki vanoteerera Jehovha, uye vanoteerera hama nehanzvadzi dzine ruzivo vanoita zvisarudzo zvakanaka muupenyu, uye vanova vashumiri vaJehovha vakatendeka. Zvirevo 9:9 inotiyeuchidza kuti: “Ipa ruzivo kumunhu akachenjera, uye achawedzera kuchenjera. Dzidzisa munhu akarurama, uye achawedzera kudzidza.”

Dzimwe nguva ndinombofunga usiku huya hwaityisa tiri mumakomo ekuAlgeria makore 60 adarika. Usiku ihwohwo ndaisatomboziva kuti ndaizova neupenyu hunofadza zvakadai. Ndakadzidza zvakawanda kune vamwe! Ini naAngèle takapiwa upenyu hwakanaka uye hunogutsa naJehovha. Saka tinoda kuramba tichidzidza kubva kuna Baba vedu vekudenga uye kuhama nehanzvadzi dzedu dzakachenjera uye dzine ruzivo idzo dzinoda Jehovha.

^ ndima 11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene.