Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 18

Ucharega Chimwe Chinhu Chichikutadzisa Kutevera Jesu Here?

Ucharega Chimwe Chinhu Chichikutadzisa Kutevera Jesu Here?

“Anofara munhu asingawani chinomugumbura pandiri.”—MAT. 11:6.

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

ZVICHADZIDZWA *

1. Munhu paanoedza kuudza vamwe zvinotaurwa neBhaibheri anogona kushamiswa nei?

UNOYEUKA here pawakatanga kuziva kuti wakanga wawana chokwadi? Zvawaidzidza muBhaibheri zvakanga zvakanyatsojeka. Wakanzwa sekuti munhu wese aizoda kugamuchira zvawakanga wava kutenda. Waiva nechokwadi chekuti zvinotaurwa neBhaibheri zvaizoita kuti vafare iye zvino uye kuti vave netariro yakazonaka yeramangwana. (Pis. 119:105) Saka wakaudza hama neshamwari dzako chokwadi chawakanga wadzidza. Asi chii chakaitika? Zvakakushamisa kuti vakawanda vakaramba zvawaivaudza.

2-3. Mumazuva aJesu, vanhu vakawanda vaifungei nezvake uye nezvemashoko aaiparidza?

2 Hatifaniri kushamisika kana vamwe vakaramba mashoko atinoparidza. Mumazuva aJesu, vakawanda vakamuramba kunyange zvazvo aiita zvishamiso zvairatidza kuti aitsigirwa naMwari. Semuenzaniso, Jesu akamutsa Razaro. Kunyange vaya vaipikisa Jesu vaisagona kuramba chishamiso ichocho. Vatungamiriri vechiJudha vaisabvuma kuti Jesu aiva Mesiya. Vaitoda kuuraya Jesu naRazaro!—Joh. 11:47, 48, 53; 12:9-11.

3 Jesu aiziva kuti vanhu vakawanda vaisazobvuma kuti ndiye Mesiya. (Joh. 5:39-44) Akaudza boka revadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi kuti: “Anofara munhu asingawani chinomugumbura pandiri.” (Mat. 11:2, 3, 6) Nei vanhu vakawanda chaizvo vakaramba Jesu?

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino neinotevera, tichaongorora zvikonzero zvakasiyana-siyana zvakaita kuti vanhu vakawanda vemunguva yaJesu vamurambe. Tichaonawo kuti nei vakawanda mazuva ano vachiramba mashoko atinoparidza. Chinonyanya kukosha ndechekuti tichadzidza kuti nei tichifanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jesu kuitira kuti pasava nechinotitadzisa kuva vateveri vake.

(1) NZVIMBO YAKAKURIRA JESU

Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yekwaakakurira. Zvinhu zvakadaro zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 5) *

5. Chii chingangodaro chakaita kuti vamwe vafunge kuti Jesu aisava Mesiya akanga ataurwa?

5 Vakawanda vakaramba Jesu nemhaka yekwaakakurira. Vaibvuma kuti Jesu aiva mudzidzisi anoshamisa uye kuti aiita zvishamiso. Asi vaingomuona semwanakomana wemuvezi aiva murombo. Uye aibva kuNazareta, guta rinogona kunge raionekwa nevanhu serisinganyanyi kukosha. Kunyange Natanieri uyo akazova mudzidzi waJesu akamboti: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” (Joh. 1:46) Natanieri anogona kunge asina kufarira guta raigara Jesu panguva iyoyo. Kana kuti anogona kunge aifunga nezveuprofita huri pana Mika 5:2, uhwo hwakanga hwataura kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema, kwete muNazareta.

6. Chii chingadai chakabatsira vanhu vemunguva yaJesu kuti vazive kuti Jesu aiva Mesiya?

6 Magwaro anotii? Muprofita Isaya akataura kuti vavengi vaJesu vaizotadza kufunga ‘nezvemashoko edzinza raMesiya.’ (Isa. 53:8) Akawanda emashoko iwayo ainge akaprofitwa. Dai vanhu ivavo vakanga vawana nguva yekuongorora mashoko echokwadi, vangadai vakaziva kuti Jesu akaberekerwa muBhetrehema uye kuti aiva wedzinza raMambo Dhavhidhi. (Ruka 2:4-7) Saka nzvimbo yakaberekerwa Jesu yaienderana neuprofita huri pana Mika 5:2. Saka dambudziko revanhu vacho raiva papi? Vakakurumidza kufunga zvisiri izvo. Vakanga vasina mashoko akakwana. Izvi zvakaita kuti varambe Jesu.

7. Nei vakawanda mazuva ano vachiramba vanhu vaJehovha?

7 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vanhu vaJehovha vakawanda havana kupfuma kana kuti havaonekwi sevanokosha. Saka vanhu vakawanda vanofunga kuti ‘havana kudzidza uye vanhuwo zvavo.’ (Mab. 4:13) Vamwe vanofunga kuti vanhu vaJehovha havafaniri kudzidzisa Bhaibheri nekuti havana kuenda kuzvikoro zvinokosha zvechitendero. Vamwe vanhu vanoti Zvapupu zvaJehovha “chitendero chekuAmerica.” Asi chokwadi ndechekuti Zvapupu zvaJehovha zvakawanda hazvigari muAmerica. Vamwewo vakaudzwa kuti Zvapupu hazvitendi muna Jesu. Tinonzi nevanhu “tinoita zvekwaSatani,” “tiri chechi yevarungu,” uye “tinoita kuti vanhu vapandukire hurumende.” Sezvo vaya vanoudzwa zvinhu izvi vasina mashoko akakwana kana kuti vasingabvumi chokwadi, vanoramba kuva vanhu vaJehovha.

8. Maererano naMabasa 17:11, vanhu vanofanira kuitei kana vachida kuziva kuti vashumiri vaMwari mazuva ano ndivanaani?

8 Munhu angaitei kuti asagumburwa? Vanhu vanofanira kuongorora kuti chokwadi ndechipi. Izvi ndizvo zvakaitwa naRuka munyori weEvhangeri. Akashanda nesimba pakunyatsoongorora “zvinhu zvese kubvira pazvakatangira.” Aida kuti vaverengi vake ‘vanyatsova nechokwadi’ nezvavakanga vanzwa nezvaJesu. (Ruka 1:1-4) VaJudha vaigara muBheriya vaiita zvaiitwa naRuka. Pavakatanga kunzwa mashoko akanaka nezvaJesu, vakatarisa muMagwaro echiHebheru kuti vave nechokwadi nezvavaiudzwa. (Verenga Mabasa 17:11.) Mazuva anowo vanhu vanofanira kuongorora kuti chokwadi ndechipi. Vanofanira kuenzanisa zvavanodzidziswa nevanhu vaMwari nezvinotaurwa neBhaibheri. Vanofanirawo kudzidza zvakaitwa nevanhu vaJehovha mazuva ano. Kana vakanyatsoongorora kuti chokwadi ndechipi, havazovhiringidzwi nezvinotaurwa nevanhu.

(2) JESU AKARAMBA KUITA ZVISHAMISO ZVEKUDA KUONEKWA

Vakawanda vakagumburwa nekuramba kwaJesu kuita zviratidzo zvekushamisira. Zvinhu zvakadaro zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 9-10) *

9. Chii chakaitika Jesu paakaramba kupa chiratidzo chinobva kudenga?

9 Vamwe vanhu vemuzuva raJesu vaishamiswa nekudzidzisa kwake. Asi izvozvo zvega hazvina kuita kuti vagutsikane. Vaida zvinopfuura ipapo. Vakamuti aite “chiratidzo chinobva kudenga” kuti zvioneke kuti ndiye aiva Mesiya. (Mat. 16:1) Zvichida vaida kuti aite izvozvo pamusana pezvakanyorwa pana Dhanieri 7:13, 14. Asi nguva yaJehovha yekuti uprofita ihwohwo huzadzike yakanga isati yakwana. Zvaidzidziswa naJesu zvaifanira kuita kuti vagutsikane kuti aiva Mesiya. Asi paakaramba kuvapa chiratidzo chavaitsvaga, vakagumburwa nazvo.—Mat. 16:4.

10. Jesu akazadzisa sei zvakanyorwa nemuprofita Isaya nezvaMesiya?

10 Magwaro anotii? Muprofita Isaya akanyora nezvaMesiya achiti: “Haazoshevedzeri kana kudanidzira, uye haazoiti kuti inzwi rake rinzwike mumugwagwa.” (Isa. 42:1, 2) Jesu akaita ushumiri hwake asingaiti kuti vanhu vanyanye kufunga nezvake. Haana kuvaka temberi dzinoshamisira, uye akanga asingapfeki zvipfeko zvechitendero zvaimusiyanisa nevamwe, kana kushevedzwa nemazita echitendero ekuda kuonekwa semunhu anokosha. Paaitongwa, Jesu akaramba kuita chishamiso chekufadza Mambo Herodhi kunyange zvazvo upenyu hwake hwaiva pangozi. (Ruka 23:8-11) Jesu aiita zvishamiso, asi basa rekuparidza mashoko akanaka ndiro rainyanya kukosha kwaari. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Izvi ndizvo zvandakauyira.”—Mako 1:38.

11. Mazuva ano vamwe vanhu vane mafungiro api asiri iwo?

11 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Mazuva ano vanhu vakawanda vanoyemura chaizvo zvivakwa zvakakura zvemachechi zvinenge zvakashongedzwa nezvinhu zvinodhura, uye vanoyemura vatungamiriri vezvitendero vanoshevedzwa nemazita anoita kuti vaonekwe sevanokosha. Vanofarirawo mhemberero dzakatangwa nevahedheni dzisiri dzechiKristu. Vanhu vakawanda vanopinda zvitendero izvi havana zvizhinji zvavanodzidza nezvaMwari uye zvinangwa zvake. Vaya vanopinda misangano yedu yechiKristu vanodzidza kuti Jehovha anoda kuti tiitei. Dzimba dzedu dzeUmambo dzakachena uye hadzisi dzekushamisira. Vaya vanenge vachitungamirira havapfeki hembe dzinovasiyanisa nevamwe, uye havashevedzwi nemazita anoita kuti vaonekwe sevanokosha. Zvatinodzidzisa uye zvatinotenda zvinobva muShoko raMwari. Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda mazuva ano vanoramba zvatinoparidza nekuti manamatiro edu haasi ekushamisira uye zvatinodzidzisa handizvo zvavanenge vachida kunzwa.

12. Sezvinotaurwa pana VaHebheru 11:1, 6, kutenda kwedu kunofanira kunge kwakavakirwa pai?

12 Tingaitei kuti tisagumburwa? Muapostora Pauro akaudza vaKristu vaigara muRoma kuti: “Kutenda kunouya kana munhu anzwa shoko. Uyewo, shoko racho rinouya panoparidzwa nezvaKristu.” (VaR. 10:17) Saka kutenda kwedu kunowedzera kusimba patinodzidza Bhaibheri, kwete nekubatanidzwa pamhemberero dzechitendero dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri kunyange zvazvo dzichiita sedzakanaka. Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba kunobva paruzivo rwakarurama nekuti “pasina kutenda hazviiti kunyatsofadza Mwari.” (Verenga VaHebheru 11:1, 6.) Saka hatifaniri hedu kuona chishamiso chinobva kudenga kuti chitiratidze kuti tawana chokwadi. Kunyatsoongorora dzidziso dzeBhaibheri dzinosimbisa kutenda kwakatikwanira kuti tigutsikane kuti takawana chokwadi.

(3) JESU HAANA KUTEVEDZERA TSIKA DZAKAWANDA DZECHIJUDHA

Vakawanda vakagumburwa nekuramba kwaJesu dzimwe tsika dzavo. Zvinhu zvakadaro zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 13) *

13. Chii chakaita kuti vanhu vakawanda varambe Jesu?

13 Mumazuva aJesu, vadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi vakashamiswa nekuti vadzidzi vaJesu vakanga vasingatsanyi. Jesu akatsanangura kuti pakanga pasina chikonzero chekuti vatsanye paakanga achiri mupenyu. (Mat. 9:14-17) Kunyange zvakadaro, vaFarisi nevamwe vaipikisa Jesu vakamuramba nekuti aisatevedzera tsika dzavo. Vakashatirwa paakarapa vanhu vairwara paSabata. (Mako 3:1-6; Joh. 9:16) Vaizvikudza vachiti vanochengeta mutemo weSabata. Asi panguva imwe chete vaiona pasina chakaipa nekuita bhizinesi mutemberi. Vakagumbuka chaizvo Jesu paakavatsiura pamusana pezvavaiita. (Mat. 21:12, 13, 15) Uye vaya vakaparidzirwa naJesu musinagogi rekuNazareta vakaviruka nehasha Jesu paakashandisa mienzaniso yezvakaitika muIsraeri, iyo yairatidza kuti vaiva vanhu vanongozvifunga uye vasina kutenda. (Ruka 4:16, 25-30) Vanhu vakawanda vakaramba Jesu nekuti haana kuita zvavaifunga kuti aizoita.—Mat. 11:16-19.

14. Nei Jesu akaramba tsika dzevanhu dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri?

14 Magwaro anotii? Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha akati: “Vanhu ava vanouya kwandiri nemiromo yavo, uye vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni; uye kunditya kwavo kunobva pamirayiro yevanhu yavakadzidziswa.” (Isa. 29:13) Jesu akaita zvakanaka paakaramba tsika dzevanhu dzinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Vaya vanokoshesa tsika dzevanhu kupfuura zvinotaurwa neBhaibheri vanoramba Jehovha uye Mesiya waakatuma.

15. Nei vanhu vakawanda vasingafariri Zvapupu zvaJehovha?

15 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vakawanda vanogumbuka Zvapupu zvaJehovha pazvinoramba kubatana navo pakupemberera zvinhu zvinopesana neBhaibheri, zvakadai semazuva ekuberekwa uye Krisimasi. Vamwe vanotsamwa Zvapupu zvaJehovha pazvisingabatani navo pakupemberera zviitiko zvenyika kana pakutevedzera tsika dzinoitwa pamariro dzinopesana nezvinotaurwa neShoko raMwari. Vaya vanogumburwa neZvapupu zvaJehovha nezvikonzero izvozvo, vanenge vachitofunga kuti vari kunamata Mwari nenzira yaanoda. Asi kana vachikoshesa tsika dzenyika pane kukoshesa dzidziso dzakajeka dzinowanikwa muBhaibheri, havagoni kufadza Mwari.—Mako 7:7-9.

16. Maererano naPisarema 119:97, 113, 163-165, tinofanira kuitei, uye zvii zvatisingafaniri kuita?

16 Tingaitei kuti tisagumburwa? Tinofanira kushanda nesimba kuti tinyatsoda mitemo yaJehovha. (Verenga Pisarema 119:97, 113, 163-165.) Kana tichida Jehovha, ticharamba kutevedzera tsika dzese dzisingamufadzi. Hatizoregi chimwe chinhu chichikanganisa kuda kwatinoita Jehovha.

(4) JESU HAANA KUCHINJA UTONGI HWAIVAPO

Vakawanda vakagumburwa nekuramba kwaJesu kupindira mune zvematongerwo enyika. Zvinhu zvakadaro zvingagumbura sei vamwe mazuva ano? (Ona ndima 17) *

17. Itarisiro dzipi dzakaita kuti vakawanda vemunguva yaJesu vagumburwe?

17 Vamwe vanhu vepanguva yaJesu vaida kuti utongi hwaivapo huchinjwe. Vaitarisira kuti Mesiya avasunungure pautongi hwevaRoma avo vaivadzvinyirira. Asi pavakaedza kuita kuti Jesu ave mambo wavo, akaramba. (Joh. 6:14, 15) Vamwe vanhu kusanganisira vapristi, vaityira kuti Jesu aizoita kuti pave nehurumende yezvematongerwo enyika yaizopikisa vaRoma avo vakanga vaita kuti vatungamiriri ivavo vezvitendero vave nesimba. Zvavaityira izvi zvakaita kuti vaJudha vakawanda varambe Jesu.

18. Vanhu vakawanda vakanga vasina basa neuprofita hupi hwaitaura nezvaMesiya?

18 Magwaro anotii? Kunyange zvazvo uprofita hwakawanda huchitaura kuti Mesiya aizova Murwi anokunda, humwe uprofita hunoratidza kuti aizofanira kutanga afira zvivi zvedu. (Isa. 53:9, 12) Saka nei vaJudha vaitarisira zvisiri izvo nezvaMesiya? Vanhu vakawanda vemunguva yaJesu vaisava nebasa neuprofita hwakanga husingavimbisi kugadzirisa matambudziko avo nekukurumidza.—Joh. 6:26, 27.

19. Mafungiro api ane vakawanda anoita kuti varambe mashoko edu mazuva ano?

19 Tiri kuonawo zvakadaro zvichiitika here mazuva ano? Hongu. Vakawanda mazuva ano vanogumburwa nekuti hatipindiri mune zvematongerwo enyika. Vanofunga kuti tinofanira kuvhota panoitwa sarudzo. Asi kana tikasarudza mumwe munhu kuti atitonge, tinenge tichiramba Jehovha. (1 Sam. 8:4-7) Vanhu vangafungawo kuti tinofanira kuvaka zvikoro nezvipatara uye kuitawo mamwe mabasa ekuyamura vanhu. Vanoramba mashoko edu nekuti tinoisa simba redu pabasa rekuparidza, kwete pakugadzirisa matambudziko enyika.

20. Sezviri mumashoko aJesu ari pana Mateu 7:21-23, tinofanira kunyanya kuisa pfungwa dzedu pachii?

20 Tingaitei kuti tisagumburwa? (Verenga Mateu 7:21-23.) Tinofanira kunyanya kuisa pfungwa dzedu pabasa ratakarayirwa naJesu kuti tiite. (Mat. 28:19, 20) Hatitombofaniri kubatikana tichiedza kugadzirisa matambudziko enyika ino. Tinoda vanhu uye tine hanya nematambudziko avo, asi tinoziva kuti nzira yakanaka chaizvo yekubatsira vavakidzani vedu ndeyekuvadzidzisa nezveUmambo hwaMwari uye kuvabatsira kuti vave neushamwari naJehovha.

21. Tinofanira kushanda nesimba kuti tiitei?

21 Munyaya ino taongorora zvinhu zvina zvakaita kuti vakawanda varambe Jesu panguva yaakararama panyika, uyewo zvingaita kuti vamwe varambe vateveri vaJesu mazuva ano. Asi izvi ndizvo zvega here zvinhu zvatinofanira kungwarira? Aiwa. Munyaya inotevera tichaongorora zvimwe zvacho zvina. Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tisambogumburwa uye kuti tirambe tiine kutenda kwakasimba!

RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

^ ndima 5 Kunyange zvazvo Jesu aiva Mudzidzisi mukuru kupfuura vese vakamborarama panyika, vanhu vakawanda vepanguva yake vakamuramba. Vakamurambirei? Munyaya ino tichakurukura zvikonzero zvina. Tichaonawo kuti nei vakawanda mazuva ano vachigumburwa nezvinotaurwa uye nezvinoitwa nevateveri vaJesu vechokwadi. Chinonyanya kukosha ndechekuti tichadzidza kuti nei tichigona kuva nekutenda kwakasimba muna Jesu kuitira kuti tisamuramba.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Firipi ari kukurudzira Natanieri kuti aonane naJesu.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kuparidza mashoko akanaka.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu anoporesa murume ane ruoko rwakakokonyara vanhu vanomupikisa vachizviona.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu ari kuenda kugomo ari ega.