Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Nhokwe dzaishandiswa here pakugadzira zvikepe panguva yaiitika zviri muBhaibheri?

Nhokwe

ZVAINYATSOZIVIKANWA kuti mapepa ekunyorera ayo aishandiswa kare muEgypt aigadzirwa nenhokwe. VaGiriki nevaRoma vainyorera pamapepa aigadzirwa nenhokwe. * Asi vakawanda havazivi kuti nhokwe dzaishandiswawo pakugadzira zvikepe.

Mhando mbiri dzezvikepe zvakagadzirwa nenhokwe zvakawanikwa muguva rekuEgypt

Makore anopfuura 2 500 adarika, muprofita Isaya akanyora kuti vanhu vanogara “munzvimbo yenzizi dzeItiopiya” vakatuma “nhume nemugungwa dziri muzvikepe zvenhokwe.” Muprofita Jeremiya akazotaurawo kuti guta reBhabhironi paraizorwiswa nevaMedhiya nevaPezhiya, vaizopisa “zvikepe zvenhokwe” zvevaBhabhironi kuti vasatiza.—Isa. 18:1, 2; Jer. 51:32.

Bhaibheri rakafemerwa naMwari, saka hazvishamisi vadzidzi veBhaibheri kuti zvakawanikwa pakuchera matongo zvinoratidza kuti nhokwe dzaishandiswa pakugadzira zvikepe munguva yaiitika zviri muBhaibheri. (2 Tim. 3:16) Zvii zvakawanikwa? Vanochera matongo vakawana uchapupu hunonyatsoratidza kuti kuEgypt kwaigadzirwa zvikepe zvenhokwe.

ZVIKEPE ZVENHOKWE ZVAIGADZIRWA SEI?

Mumakuva emuEgypt maiva nemifananidzo yaiva kumadziro yairatidza kuti nhokwe dzaichekwa sei uye kuti dzaishandiswa sei pakugadzira zvikepe. Varume vaicheka nhokwe, vobva vadzisunga kuita mwanda, uye vozosunganidza zvakasimba mwanda yacho pamwe chete. Dzinde renhokwe rine mativi matatu. Saka kana madzinde acho akanyatsosungwa pamwe chete, anonyatsobatana zvakasimba. Maererano nebhuku rinonzi A Companion to Ancient Egypt, zvikepe zvaigadzirwa nenhokwe zvaigona kureba mamita anopfuura 17, zviine zvikwasviso 10 kana 12 kudivi rimwe chete.

Mufananidzo uri kumadziro wekuEgypt unoratidza magadzirirwo aiitwa zvikepe zvenhokwe

NEI VANHU VAIGADZIRA ZVIKEPE VAISHANDISA NHOKWE?

Nhokwe dzakanga dzakawanda chaizvo murwizi rwaNire. Uyewo zvikepe zvenhokwe zvaiva nyore kugadzira. Kunyange vanhu pavakazotanga kushandisa miti pakugadzira zvikepe zvakakura, zvinoita sekuti vabati vehove nevavhimi vakaramba vachishandisa zvikepe zvidiki zvaigadzirwa nenhokwe.

Zvikepe zvaigadzirwa nenhokwe zvakaramba zvichishandiswa kwenguva refu. Mumwe munyori wechiGiriki anonzi Plutarch, uyo akararama panguva yevaapostora, akati vamwe vanhu vepanguva yaakararama vakanga vachiri kushandisa zvikepe zvaigadzirwa nenhokwe.

^ ndima 3 Nhokwe dzinonyatsokura mumatoro uye munzizi dzinoyerera zvishoma nezvishoma. Nhokwe imwe chete inogona kureba mamita 5, uye nechekuzasi kwayo inogona kukora zvekusvika masendimita 15.