Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?

Tingava Sei Nerusununguko Rwechokwadi?

“Kana Mwanakomana akakusunungurai, chokwadi muchava vakasununguka.”​—JOH. 8:36.

NZIYO: 54, 36

1, 2. (a) Chii chinoratidza kuti vanhu vari kurwira rusununguko? (b) Izvozvo zviri kuguma nei?

MAZUVA ano, vanhu vanowanzotaura nezvekuva nekodzero dzakaenzana uye kuva nerusununguko. Munyika dzakawanda vanhu havadi kudzvinyirirwa, kusarurwa uye kuva varombo. Vamwe vanorwira kuti vave nerusununguko rwekutaura, rwekuzvisarudzira uye kurarama sezvavanoda. Vanhu vakawanda kwese kwese vanoda kusununguka.

2 Asi kuzadzisa zvido izvozvo hakusi nyore. Kuti vawane rusununguko, vakawanda vanoronga kuratidzira kana kutopandukira vanenge vachitonga. Asi kuita izvi kunounza rusununguko here? Kwete. Kazhinji kunoguma nematambudziko uye rufu. Zvese izvi zvinoratidza kuti mashoko akafemerwa Mambo Soromoni ndeechokwadi ekuti: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—Mup. 8:9.

3. Tingaita sei kuti tinyatsofara uye tinyatsogutsikana?

3 Mudzidzi wechiKristu Jakobho akataura zvatinofanira kuita kuti tiwane mufaro wechokwadi nekugutsikana kwechokwadi. Akanyora kuti: “Iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri . . . achafara paanouita.” (Jak. 1:25) Jehovha, uyo akapa mutemo iwoyo wakakwana, anonyatsoziva zvinhu zvinokosha kuvanhu kuti vanyatsofara uye vanyatsogutsikana. Akapa murume nemukadzi vekutanga zvese zvavaida kuti vafare, kusanganisira rusununguko rwechokwadi.

VANHU PAVAIVA NERUSUNUNGUKO RWECHOKWADI

4. Adhamu naEvha vaiva nerusununguko rwakaita sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

4 Patinoverenga zvitsauko zviviri zvekutanga zvaGenesisi, tinogona kuona kuti Adhamu naEvha vaiva nerusununguko runoshuwirwa nevanhu mazuva ano. Vaiva nezvinhu zvese, vakanga vasina chekutya uye vaisava neaivadzvinyirira. Murume nemukadzi vekutanga vaisambonetseka nenyaya yekushaya zvekudya, basa, kurwara uye kufa. (Gen. 1:27-29; 2:8, 9, 15) Izvi zvinoreva here kuti rusununguko rwaiva naAdhamu naEvha rwakanga rusina parwaigumira? Ngationei.

5. Kusiyana nezvinofungwa nevazhinji, chii chinodiwa kuti vanhu vave nerusununguko?

5 Vanhu vakawanda mazuva ano vanofunga kuti rusununguko rwechokwadi runoreva kuti vanofanira kunge vachikwanisa kuita chero zvavanoda pasinei nekuti zvinoguma nei. Bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti rusununguko runoreva “kukwanisa kusarudza uye kuita zvaunenge wasarudza.” Zvisinei, rinowedzera kuti: “Pamutemo, vanhu vanonzi vakasununguka kana vakasaisirwa miganhu inovadzvinyirira, isina zvainoshanda kana kuti isina musoro.” Izvi zvinoratidza kuti pane miganhu inodiwa kuti munhu wese ave nerusununguko. Mubvunzo unovapo ndewekuti: Ndiani ane kodzero yekusarudza miganhu isingadzvinyiriri, inoshanda uye ine musoro?

6. (a) Nei Jehovha ari iye chete ane rusununguko rusina parunogumira? (b) Vanhu vanogona kuva nerusununguko rwakaita sei, uye nei zvakadaro?

6 Panyaya yekuva nerusununguko, zvinokosha kuyeuka kuti Jehovha Mwari ndiye chete ane rusununguko rusina parunogumira. Nemhaka yei? Nekuti ndiye Musiki wezvinhu zvese uye Changamire ane simba pazvinhu zvese. (1 Tim. 1:17; Zvak. 4:11) Yeuka mashoko aMambo Dhavhidhi paaitaura nezvenzvimbo inoshamisa yaJehovha. (Verenga 1 Makoronike 29:11, 12.) Saka zvisikwa zvese zvekudenga nezvepanyika zvine rusununguko rune parunogumira. Zvinofanira kuziva kuti Jehovha Mwari chete ndiye ane kodzero yekusarudza miganhu isingadzvinyiriri, inoshanda uye ine musoro. Ndizvo chaizvo zvakaitwa naJehovha Mwari kuvanhu kubva pakutanga chaipo.

7. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinofanira kuita zvinoita kuti tifare?

7 Kunyange zvazvo Adhamu naEvha vaiva nerusununguko pazvinhu zvakawanda, rusununguko rwavo rwaiva nemiganhu. Mimwe yacho vakangosikwa vainayo. Semuenzaniso, vabereki vedu vekutanga vaiziva kuti vaifanira kufema, kudya uye kurara kuti varambe vachirarama. Kuita izvi kwaizoita kuti vanzwe vasina rusununguko here? Aiwa, Jehovha akava nechokwadi chekuti kunyange pavaizogara vachiita zvinhu izvi, vaizofara uye vaizogutsikana. (Pis. 104:14, 15; Mup. 3:12, 13) Ndiani asinganakidzwi nekufema mhepo yakachena, kudya zvaanofarira, kana kumuka pashure pekunge arara zvakanaka usiku? Tinoita zvinhu izvozvo tichifara tisingaoni sekuti tiri kudzvinyirirwa kana kuti tine mutoro. Hapana mubvunzo kuti Adhamu naEvha vainzwawo saizvozvo.

8. Mwari akapa vabereki vedu vekutanga murayiro upi, uye nemhaka yei?

8 Jehovha akarayira Adhamu naEvha kuti vazadze nyika nevana vavo uye vaichengetedze. (Gen. 1:28) Murayiro iwoyo waivashayisa rusununguko here? Aiwa. Vakapiwa murayiro iwoyo kuti vazadzise chinangwa cheMusiki wavo chekuita kuti nyika yese ive paradhiso inogarwa nekusingaperi nevanhu vasina chivi. (Isa. 45:18) Mazuva ano, vanhu pavanosarudza kusaroora kana kusaroorwa, kana pavanoroorana asi vosarudza kusava nevana, vanenge vasingaiti zvinopesana nekuda kwaJehovha. Kunyange zvakadaro, vanhu vanoroorana vova nevana pasinei nematambudziko azvinounza. (1 VaK. 7:36-38) Nemhaka yei? Nekuti vanotarisira kuwana mufaro nekugutsikana. (Pis. 127:3) Kudai Adhamu naEvha vakateerera Jehovha vangadai vakanakidzwa newanano yavo uye nemhuri yavo nekusingaperi.

NEI PASISINA RUSUNUNGUKO RWECHOKWADI?

9. Nei murayiro waMwari uri pana Genesisi 2:17 waisadzvinyirira, waishanda uye waiva nemusoro?

9 Jehovha akapa Adhamu naEvha mumwe murayiro uye akajekesa zvaizoitika kana vakasauteerera. Akati: “Usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Gen. 2:17) Murayiro uyu waivadzvinyirira, waisashanda, kana kuti waisava nemusoro here? Waishayisa Adhamu naEvha rusununguko here? Aiwa. Vaongorori veBhaibheri vakawanda vanotofunga kuti murayiro iwoyo wairatidza uchenjeri uye waiva nemusoro. Semuenzaniso, mumwe muongorori akati: “Pfungwa yatinowana pamirayiro yaMwari iri pana [Genesisi 2:16, 17] ndeyekuti Mwari chete ndiye anoziva zvakanakira . . . vanhu uye Mwari chete ndiye anoziva zvisina kuvanakira. Kuti zvivafambire ‘zvakanaka,’ vanhu vanofanira kuvimba naMwari uye kumuteerera. Kana vakasateerera, vanosiyiwa vachisarudza vega zvakanaka . . . uye zvakaipa.” Zvakaoma chaizvo kuti vanhu vaite izvi vari vega.

Zvakasarudzwa naAdhamu naEvha zvakakonzera matambudziko (Ona ndima 9-12)

10. Nei tisingafaniri kuona sekuti rusununguko rwekusarudza rwakafanana nekodzero yekusarudza zvakanaka nezvakaipa?

10 Mazuva ano, vanhu vakawanda pavanoverenga murayiro waJehovha kuna Adhamu vangati akanyimwa rusununguko rwekuita zvaaida. Pavanotaura izvozvo, vanenge vachitadza kunzwisisa kuti kuva nerusununguko rwekusarudza kwakasiyana nekuva nekodzero yekusarudza zvakanaka nezvakaipa. Adhamu naEvha vaiva nerusununguko rwekusarudza kuti voteerera Mwari here kana kuti vorega. Zvisinei, Jehovha chete ndiye ane kodzero yekusarudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, sezvaimiririrwa “nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” waiva mumunda weEdheni. (Gen. 2:9) Tinofanira kubvuma kuti hapasi pese patinoziva kuti zvisarudzo zvedu zvichaguma nei, uye hatizivi kuti zvichaguma nezvakanaka here nguva dzese. Ndosaka tichiwanzoona vanhu vachiita zvisarudzo vaine vavariro yakanaka, asi zvozoguma nekutambura, kana njodzi. (Zvir. 14:12) Izvi zvinonyanya kukonzerwa nekuti vanhu vane zvimwe zvavasingakwanisi kuita. Achishandisa murayiro wake, Jehovha akadzidzisa Adhamu naEvha nenzira yerudo mashandisiro avaifanira kuita rusununguko rwechokwadi. Asi murume nemukadzi vekutanga vakasarudza kuitei?

11, 12. Nei zvakasarudzwa naAdhamu naEvha zvakaunza matambudziko? Taura muenzaniso.

11 Zvinosuwisa kuti vabereki vedu vekutanga vakasarudza kusateerera. Evha akasarudza kuteerera zvaakavimbiswa naSatani zvekuti: “Maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Gen. 3:5) Zvakasarudzwa naAdhamu naEvha zvakazoita kuti vawedzere kuva nerusununguko here? Aiwa, hazvina kudaro. Zvavakasarudza hazvina kuvapa rusununguko rwavakavimbiswa naSatani. Vakatozoona kuti kuramba kutungamirirwa naJehovha uye kuita zvavanoda kwakaita kuti vapinde mumatambudziko. (Gen. 3:16-19) Nemhaka yei? Nekuti Jehovha haana kupa vanhu rusununguko rwekusarudza kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi.​—Verenga Zvirevo 20:24; Jeremiya 10:23.

12 Tingazvienzanisa nezvinoitwa nemutyairi wendege. Kuti asvike zvakanaka kwaari kuenda, anofanira kufamba achitevedzera nzira yaanobvumirwa kufamba nayo. Anoita izvi achishandisa maturusi ari mundege anomubatsira kuziva kwaari kuenda uye anotaura nevanhu vanoona nezvekufamba kwendege vanenge vari pasi. Asi kana mutyairi wendege akasarudza kusateerera mirayiridzo iyoyo, obva afamba nenzira chero yaanenge ada, anogona kupinda munjodzi. Kufanana nemutyairi wendege iyeye, Adhamu naEvha vaida kuita zvinhu nenzira yavo. Vakaramba kutungamirirwa naMwari. Zvakaguma nei? Izvi zvakaita kuti ivo nevana vavo vese vavaizova navo vave nechivi uye vafe. (VaR. 5:12) Vachiedza kuita zvavaida, vakarasikirwa nerusununguko rwechokwadi rwavakanga vapiwa.

UNGAWANA SEI RUSUNUNGUKO RWECHOKWADI?

13, 14. Tingawana sei rusununguko rwechokwadi?

13 Vanhu vangafunga kuti kana vaine rusununguko rwakawanda upenyu hunova nani chaizvo, asi chokwadi ndechekuti rusununguko rusina miganhu runogona kubatsira kana kukuvadza. Ichokwadi kuti rusununguko rune zvakawanda zvarunobatsira; asi zvinotyisa kufungidzira kuti nyika yaizenge yakaipa sei kudai kwakanga kusina miganhu zvachose. Nechikonzero ichocho, bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti: “Mitemo yevanhu yakaoma kunzwisisa nekuti inofanira kuchengetedza vanhu asi panguva imwe chete ichivaisira miganhu.” Shoko rekuti “yakaoma” rakanyatsokodzera. Funga nezvemitemo yakawanda chaizvo yakanyorwa nevanhu, uye magweta nevatongi vakawanda chaizvo vanenge vachifanira kutsanangura uye kushandisa mitemo iyoyo.

14 Kusiyana naizvozvo, Jesu akaratidza nzira iri nyore yekuva nerusununguko rwechokwadi. Akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Joh. 8:31, 32) Saka kuti tiwane rusununguko rwechokwadi, tinofanira kuita zvinhu zviviri. Chekutanga, gamuchira chokwadi chaakadzidzisa, uye chechipiri, iva mudzidzi wake. Kuita izvozvo kunounza rusununguko rwechokwadi. Asi tinova vakasununguka pachii? Jesu akaenderera mberi achiti: “Munhu wose anoita chivi muranda wechivi. . . . Kana Mwanakomana akakusunungurai, chokwadi muchava vakasununguka.”​—Joh. 8:34, 36.

15. Nei rusununguko rwakavimbiswa naJesu ruchiita kuti ‘tisununguke zvechokwadi’?

15 Rusununguko rwakavimbiswa naJesu runopfuura nekure rusununguko ruri kudiwa chaizvo nevanhu vakawanda mazuva ano. Jesu paakati: “Kana Mwanakomana akakusunungurai, chokwadi muchava vakasununguka,” akanga ari kutaura nezvekusunungurwa muuranda hwakaipisisa chaizvo, hwekuva “muranda wechivi.” Chivi chinoita kuti tiite zvakaipa uye chinogonawo kutitadzisa kuita zvatinoziva kuti zvakarurama kana kutitadzisa kuita zvese zvatinogona. Saka izvozvo zvinoratidza kuti tiri varanda vechivi, uye zvinoita kuti tigumbuke, tirwadziwe, titambure uye pakupedzisira tife. (VaR. 6:23) Muapostora Pauro akanzwa marwadzo ekuva muranda wechivi. (Verenga VaRoma 7:21-25.) Tichangokwanisa kuva nerusununguko rwechokwadi rwaimbova nevabereki vedu vekutanga kana tisisiri varanda vechivi.

16. Tingava sei vakasununguka zvechokwadi?

16 Mashoko aJesu ekuti “kana mukaramba muri mushoko rangu,” anoratidza kuti pane zvatinofanira kuita kuti atisunungure. SevaKristu vakazvitsaurira, takazviramba uye takasarudza kurarama tichitevera miganhu yedzidziso dzaKristu sevadzidzi vake. (Mat. 16:24) Sezvakavimbiswa naJesu, tichawana rusununguko rwechokwadi kana chibayiro chake cherudzikinuro chava kushanda zvizere patiri.

17. (a) Tingava sei nemufaro nekugutsikana kwechokwadi? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

17 Kuteerera zvinodzidziswa naJesu sevadzidzi vake kuchaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa uye kuti tigutsikane zvechokwadi. Izvi zvinoita kuti tive netariro yekuzosunungurwa zvakakwana kubva pauranda hwechivi nerufu. (Verenga VaRoma 8:1, 2, 20, 21.) Munyaya inotevera tichakurukura kuti tingashandisa sei nekuchenjera rusununguko rwatiinarwo iye zvino kuitira kuti tikudze Jehovha, Mwari werusununguko rwechokwadi, nekusingaperi.