Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutevedzera Jehovha​—Mwari Anokurudzira Vanhu Vake

Kutevedzera Jehovha​—Mwari Anokurudzira Vanhu Vake

“Ngaarumbidzwe iye Mwari . . . anotinyaradza * pakutambudzika kwedu kwose.”​—2 VAK. 1:3, 4.

NZIYO: 7, 3

1. Pakapanduka Adhamu naEvha, Jehovha akapa sei vanhu kurudziro uye tariro?

KUBVIRA pakatadza vanhu vachibva vava nechivi, Jehovha akaratidza kuti ndiMwari anokurudzira vanhu vake. Pashure chaipo pekupanduka kwakaitika muEdheni, akaita kuti vana vaizoberekwa naAdhamu vave netariro nechivimbo. Vanhu pavaizonzwisisa uprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15, vaizova netariro yekuti “nyoka yepakutanga,” Satani Dhiyabhorosi uye mabasa ake ese akaipa zvichaparadzwa.​—Zvak. 12:9; 1 Joh. 3:8.

JEHOVHA AKAKURUDZIRA VASHUMIRI VAKE VEKARE

2. Jehovha akakurudzira sei Noa?

2 Mushumiri waJehovha, Noa, akararama munyika yaisada Mwari uye mhuri yake ndiyo yega yainamata Jehovha. Nemhaka yekuti kurwisana uye unzenza zvakanga zvazara panyika, Noa aigona kuora mwoyo. (Gen. 6:4, 5, 11; Jud. 6) Asi Jehovha akamupa mashoko akaita kuti ave neushingi hwekuramba ‘achifamba naMwari.’ (Gen. 6:9) Jehovha akaudza Noa kuti aizoparadza nyika iyoyo yakaipa uye akamurayira zvaaifanira kuita kuti mhuri yake ipone. (Gen. 6:13-18) Jehovha akaratidza Noa kuti ndiMwari anokurudzira.

3. Joshua akakurudzirwa sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

3 Pava paya, Joshua akapiwa basa rakakura chaizvo rekuita kuti vanhu vaMwari vakwanise kugara muNyika Yakapikirwa. Izvi zvaisanganisira kukunda marudzi aiva munzvimbo yacho ayo aiva nemauto akasimba chaizvo. Joshua aiva nechikonzero chekutya. Achiziva izvi, Jehovha akarayira Mosesi kuti asimbise Joshua. Mwari akati: “Rayira Joshua, umukurudzire uye umusimbise, nokuti ndiye achayambuka ari pamberi pevanhu ava uye ndiye achaita kuti vagare nhaka nyika yauchaona.” (Dheut. 3:28) Joshua asati atanga kuita basa racho, Jehovha akamukurudzira achiti: “Handina kukurayira here? Shinga, usimbe. Usavhunduka kana kutya, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.” (Josh. 1:1, 9) Aya mashoko aikurudzira chaizvo!

4, 5. (a) Jehovha akakurudzira sei vanhu vake vekare? (b) Jehovha akakurudzira sei Mwanakomana wake?

4 Jehovha akakurudzirawo vanhu vake seboka. Achishandisa mashoko euprofita ayo aigona kunyaradza vaJudha vaiva nhapwa muBhabhironi, Jehovha akati: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.” (Isa. 41:10) Jehovha akakurudzira vaKristu vepakutanga saizvozvo uye ndizvo zvaanoitawo kuvanhu vake mazuva ano.​—Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.

5 Jesu pachake akakurudzirwa naBaba vake. Paakabhabhatidzwa, Jesu akanzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mat. 3:17) Mashoko iwayo anofanira kunge akasimbisa Jesu chaizvo paaiita ushumiri hwake pasi pano.

JESU AKAKURUDZIRA VAMWE

6. Mufananidzo wematarenda unokurudzira sei?

6 Jesu akatevedzera muenzaniso waBaba vake. Mufananidzo wematarenda uyo wakataurwa naJesu muuprofita hune chekuita nekuguma kwemamiriro ezvinhu unokurudzira vanhu kuti vave vakatendeka. Tenzi akakudza mumwe nemumwe wevaranda vake vakatendeka nemashoko ekuti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza kuti utarisire zvinhu zvizhinji. Fara pamwe chete natenzi wako.” (Mat. 25:21, 23) Mashoko aya akakurudzira chaizvo vadzidzi vake kuti varambe vachishumira Jehovha vakatendeka.

7. Jesu akakurudzira sei vaapostora vake, kunyanya Petro?

7 Vaapostora vaJesu vaiwanzoitisana nharo nenyaya yekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, asi nemwoyo murefu Jesu akavakurudzira kuti vazvininipise uye kuti vashumire vamwe kwete kutsvaga kushumirwa. (Ruka 22:24-26) Kana ari Petro, akarwadzisa Jesu kakawanda. (Mat. 16:21-23; 26:31-35, 75) Pane kuti arambe Petro, Jesu akamukurudzira uye akatomurayira kuti asimbise hama dzake.—Joh. 21:16.

KUKURUDZIRWA KWAKAITWA VANHU MUNGUVA DZEKARE

8. Hezekiya akakurudzira sei vakuru vehondo nevanhu vemuJudha?

8 Kunyange Mwanakomana waJehovha asati auya panyika kuzoratidza muenzaniso wakakwana wekukurudzira vamwe, vashumiri vaJehovha vakatendeka vaiziva kuti vaifanira kukurudzira vamwe. Paaityisidzirwa nevaAsiriya, Hezekiya akaunganidza vakuru vehondo nevanhu vemuJudha kuti avakurudzire uye ‘vanhu vakasimbiswa nemashoko ake.’​—Verenga 2 Makoronike 32:6-8.

9. Bhuku raJobho rinotidzidzisei nezvekukurudzira vamwe?

9 Kunyange zvazvo iye pachake aida kunyaradzwa, Jobho akapa ‘vanyaradzi vatatu vaimutambudza’ chidzidzo panyaya yekukurudzira vamwe. Akavaudza kuti kudai vaiva ivo vaida kunyaradzwa, ‘aizovasimbisa nemashoko omuromo wake, uye kunyaradza kwemiromo yake kwaizovazorodza pamarwadzo avo.’ (Job. 16:1-5) Pakupedzisira, Jobho akazokurudzirwa naErihu uye naJehovha pachake.​—Job. 33:24, 25; 36:1, 11; 42:7, 10.

10, 11. (a) Nei mwanasikana waJefta aida kukurudzirwa? (b) Mazuva ano ndivanaani vanoda kukurudzirwa saizvozvo?

10 Mumwe munhu akararama kare aida kukurudzirwa aiva mwanasikana waJefta. Asati aenda kunorwisa vaAmoni, Mutongi Jefta akapika kuti kana Jehovha akaita kuti akunde, munhu aizotanga kubuda kuti amuchingamidze pashure pehondo aizopiwa kuti ashumire Jehovha patebhenekeri. Zvakabva zvaitika kuti mwanasikana wake ndiye akabuda kuzopembera naye. Ndiye ega mwana waaiva naye. Jefta akarwadziwa chaizvo. Asi akazadzisa zvaainge avimbisa ndokuita kuti mwanasikana wake, uyo aiva mhandara, aende kuShiro kunoshumira patebhenekeri kweupenyu hwake hwese.​—Vat. 11:30-35.

11 Kunyange zvazvo izvi zvainge zvakaomera Jefta, zvinofanira kunge zvakanga zvakatonyanya kuomera mwanasikana wake uyo akazvipira kutsigira chisarudzo chababa vake. (Vat. 11:36, 37) Izvi zvaireva kuti aisazoroorwa, aisazova nevana uye aisazokwanisa kuita kuti zita remhuri nenhaka zvirambe zviripo. Saka mwanasikana waJefta aida kunyaradzwa uye kukurudzirwa chaizvo. Bhaibheri rinotaura nezvenyaya iyi richiti: “Wakava murau pakati paIsraeri wokuti: Gore negore vanasikana vaIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta muGiriyedhi, mazuva mana pagore.” (Vat. 11:39, 40) Hatifaniri here kurumbidza uye kukurudzira vaKristu vanosarudza kusaroora kana kusaroorwa kuitira kuti vaise pfungwa ‘pazvinhu zvaShe’?​—1 VaK. 7:32-35.

VAAPOSTORA VAKAKURUDZIRA HAMA DZAVO

12, 13. Petro ‘akasimbisa sei hama dzake’?

12 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaudza Petro kuti: “Simoni, Simoni, tarira! Satani akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi. Asi ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.”​—Ruka 22:31, 32.

Mashoko akafemerwa evaapostora akakurudzira ungano dzepakutanga uye anotikurudzirawo mazuva ano (Ona ndima 12-17)

13 Petro akava mbiru muungano yechiKristu yepakutanga. (VaG. 2:9) Akakurudzira hama dzake kuburikidza nekuratidza ushingi paPendekosti uye pashure pacho. Ava pedyo nekupedza ushumiri hwake akanyorera vaKristu tsamba. Achitsanangura kuti nei akavanyorera tsamba yacho, Petro akati: “Ndakunyorerai nemashoko mashoma, . . . kuti ndikukurudzirei uye ndikupupurirei nomwoyo wose kuti uyu ndiwo mutsa usina kukodzera kuwanwa wechokwadi waMwari; mirai zvakasimba mauri.” (1 Pet. 5:12) Tsamba dzaPetro dzakafemerwa dzichiri kukurudzira vaKristu kusvika panguva ino. Tinoda chaizvo kurudziro iyi sezvatinomirira kuzadziswa kwezvakapikirwa naJehovha.​—2 Pet. 3:13.

14, 15. Mashoko akafemerwa emuapostora Johani anokurudzira sei vaKristu?

14 Muapostora Johani aivawo mbiru muungano yechiKristu yepakutanga. Akanyora Evhangeri inonakidza yeushumiri hwaJesu iyo yakakurudzira vaKristu vakawanda kare uye ichiri kutikurudzirawo. Ndiyo yega ine mashoko aJesu ekuti vadzidzi vake vechokwadi vanozivikanwa nerudo.​—Verenga Johani 13:34, 35.

15 Tsamba nhatu dzaJohani dzine imwe pfuma inokosha. Patinenge taremerwa nechivi, hatinyaradzwi here patinoverenga kuti “ropa raJesu . . . rinotichenesa pazvivi zvose”? (1 Joh. 1:7) Uye kana mwoyo wedu ukaramba uchitipa mhosva, hatibudisi misodzi yekuonga here patinoverenga kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu”? (1 Joh. 3:20) Johani ndiye ega akanyora kuti “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8, 16) Mutsamba yake yechipiri neyechitatu anokurudzira vaKristu kuti varambe “vachifamba muchokwadi.”​—2 Joh. 4; 3 Joh. 3, 4.

16, 17. Muapostora Pauro akapa kurudziro ipi kuvaKristu vepakutanga?

16 Panguva yevaKristu vepakutanga, zvichida muapostora akaita zvakawanda pakukurudzira hama dzake ndiPauro. Zvinoita sekuti chiKristu chichangotanga, vaapostora vakawanda vakaramba vari muJerusarema, umo maiva nedare rinotungamirira. (Mab. 8:14; 15:2) VaKristu vaiva muJudhiya vaiparidza nezvaKristu kuvanhu vaitotenda nechekare kuti kuna Mwari mumwe chete. Asi muapostora Pauro akatumwa nemweya mutsvene kuti anoparidzira vaGiriki nevaRoma avo vainamata vanamwari vakawanda.​—VaG. 2:7-9; 1 Tim. 2:7.

17 Pauro akatenderera munharaunda yava kuzivikanwa seTurkey, uyewo muGirisi nemuItari, achitanga ungano dzechiKristu pakati pevanhu vaisava vaJudha. VaKristu ava vainge vachangotendeuka ‘vaitambudzwa nevanhu vemunyika yavo’ uye vaida kukurudzirwa. (1 VaT. 2:14) Munenge mugore ra50 C.E., Pauro akanyorera ungano yeTesaronika yainge ichangotangwa achiti: “Tinogara tichionga Mwari patinotaura nezvenyu mose muminyengetero yedu, nokuti tinoramba tichifunga nezvebasa renyu rinobva pakutenda nebasa renyu rorudo nokutsungirira kwenyu.” (1 VaT. 1:2, 3) Akavakurudzirawo kuti vasimbisane, achiti: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana.”​—1 VaT. 5:11.

DARE RINOTUNGAMIRIRA RINOKURUDZIRA

18. Dare rinotungamirira repanguva yevaapostora rakakurudzira sei Firipi?

18 Dare rinotungamirira repanguva yevaapostora raikurudzira vaya vaitungamirira muungano uye vamwe vaKristu vese. Muevhangeri Firipi paakaparidza nezvaKristu kuvaSamariya, akanyatsotsigirwa nevaya vaiva mudare rinotungamirira. Dare iri rakatuma nhengo dzaro mbiri, Petro naJohani, kunonyengeterera vanhu vatsva vainge vatendeuka kuti vagamuchire mweya mutsvene. (Mab. 8:5, 14-17) Firipi nevaya vaainge abatsira kuti vatendeuke vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo nekutsigirwa kwavakaitwa nedare rinotungamirira.

19. Tsamba yakatumirwa nedare rinotungamirira yakaita kuti ungano yevaKristu vepakutanga inzwe sei?

19 Pava paya, dare rinotungamirira raifanira kusarudza kana vaKristu vemamwe marudzi vaifanira kudzingiswa kana kuti kuchecheudzwa sezvaifanira kuitwa vaJudha maererano neMutemo waMosesi. (Mab. 15:1, 2) Dzichitungamirirwa nemweya mutsvene uye pashure pekuongorora Magwaro, hama dzaitungamirira dzakasarudza kuti izvozvo zvakanga zvisingachakoshi uye dzakanyora tsamba kuungano dzichivaudza izvi. Vamiririri vedare rinotungamirira vakatumwa kuti vaendese tsamba yacho kuungano dzese. Izvi zvakaguma nei? “Pashure pokuiverenga vakafara nokukurudzira kwacho.”​—Mab. 15:27-32.

20. (a) Mazuva ano Dare Rinotungamirira rinokurudzira sei hama pasi rese? (b) Mubvunzo upi uchapindurwa munyaya inotevera?

20 Mazuva ano, Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha rinokurudzira nhengo dzemhuri yeBheteri, vaya vari mubasa chairo renguva yakazara mundima uye vamwe vaKristu vese vechokwadi. Sezvakaitikawo munguva yevaapostora, hama dzinofara padzinokurudzirwa. Uyewo muna 2015, Dare Rinotungamirira rakabudisa bhurocha rinonzi Dzoka Kuna Jehovha, iro rakakurudzira vanhu vakawanda munyika yese. Asi vaya vari kutungamirira ndivo chete vanofanira kutevedzera Jehovha pakukurudzira vamwe here? Mhinduro yemubvunzo iwoyo ichakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 2 Kana kuti “anotikurudzira.”