Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana Pisarema 144:12-15, “Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene” yakadzokororwa ya2013 (yatisati tava nayo muShona) inotaura nezvevanhu vaMwari. Mushanduro ya1984 mavhesi aya anotaura nezvevanhu vakaipa vekune imwe nyika, vanotaurwa muvhesi 11. Nei mashoko acho akagadziridzwa?

Mashoko acho muchiHebheru anogona kureva zvese zviri zviviri. Saka mashoko eshanduro yakadzokororwa anobva pazvikonzero zvinotevera:

  1. Mashoko emushanduro yakadzokororwa anoenderana negirama rechiHebheru. Kupindirana kwemashoko ari muPisarema 144:12-15 nemavhesi ari mumashure macho kunobva pazvinorehwa neshoko rekutanga muvhesi 12, uye shoko racho muchiHebheru ndiasher. Shoko rekuti asher rinogona kushandurwa nenzira dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, rinogona kureva zvakafanana nechisazitasingwi chekuti “avo” kana kuti “ivo.” “Avo” ndiye akashandiswa mushanduro ya1984. Saka zvinhu zvakanaka zvinotaurwa muvhesi 12 kusvika ku14 zvainzi zvinoshanda kuvanhu vakaipa, avo vanotaurwa mumavhesi ari mumashure macho. Zvisinei, shoko rekuti asher rinogonawo kuratidza mugumisiro wechimwe chinhu uye rinogona kushandurwa richinzi “kuitira kuti” kana kuti “zvadaro.” Shoko rekuti “zvadaro” ndiro rakashandiswa mushanduro yakadzokororwa ya2013 uye mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri.

  2. Mashoko akadzokororwa anonyatsopindirana nepisarema racho rese. Kushandiswa kweshoko rekuti “zvadaro” muvhesi 12 kunoreva kuti makomborero anotaurwa muvhesi 12 kusvika ku14 anonzwisiswa kuti ndeevanhu vakarurama, vaya vari kukumbira kuti ‘vasunungurwe uye vanunurwe’ pane vakaipa (vhesi 11). Kugadziridzwa uku kunoratidzwawo muvhesi 15, umo shoko rekuti “vanofara” rava kushandiswa nenzira inopindirana nezvimwe zviri kutaurwa. Saka mumitsara yacho iri miviri, vari kunzi vanofara vanhu vamwe chete, vanhu avo “Mwari wavo ari Jehovha!” Yeukawo kuti mashoko acho echiHebheru ainge asina nyora dzemutauro, dzakadai sedzinoratidza mashoko akataurwa nemunhu. Saka vashanduri vanofanira kuziva zviri kutaurwa chaizvo, vachifunga nezvemanyorerwo aiitwa nhetembo muchiHebheru, mavhesi ari pedyo, uye mamwe magwaro anotaura zvinoenderana naizvozvo.

  3. Mashoko eBhaibheri rakadzokororwa anowiriranawo nemamwe mavhesi anovimbisa makomborero kuvanhu vaMwari vakatendeka. Nemhaka yekugadziridzwa kweshanduro yeshoko rekuti asher, pisarema racho rava kuratidza tariro yakasimba yaiva nemunyori waro, Dhavhidhi, yekuti pashure pekunge Mwari anunura vaIsraeri pavavengi vavo, aizokomborera vanhu vake nekuita kuti vafare uye vabudirire. (Revh. 26:9, 10; Dheut. 7:13; Pis. 128:1-6) Semuenzaniso, Dheuteronomio 28:4 inoti: “Zvibereko zvedumbu rako nezvibereko zvevhu rako nezvibereko zvezvipfuwo zvako, mhuru dzemombe dzako nevana vemakwai ako zvichakomborerwa.” Panguva yaitonga Soromoni mwanakomana waDhavhidhi, vaIsraeri vakava nerugare uye vakabudirira zvavainge vasina kumboita. Uyezve, zvimwe zvakaitika paitonga Soromoni zvairatidza zvaizoitika pakutonga kwaMesiya.​—1 Madz. 4:20, 21; Pis. 72:1-20.

Mashoko akagadziridzwa ePisarema 144 haachinji manzwisisire atinoita dzidziso dzeBhaibheri. Asi kugadziridza uku kunoita kuti pisarema racho rese rinyatsoratidza tariro yagara ichikosheswa nevashumiri vaJehovha yekuti vakaipa vachaparadzwa, zvadaro, vakarurama vova nerugare uye kubudirira nekusingaperi.​—Pis. 37:10, 11