Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shumira Jehovha, Mwari Werusununguko

Shumira Jehovha, Mwari Werusununguko

“Pane [mweya] waJehovha, pane rusununguko.”​—2 VAK. 3:17.

NZIYO: 49, 73

1, 2. (a) Nei vanhu vepanguva yemuapostora Pauro vaifunga nezveuranda uye rusununguko? (b) Pauro akati ndiani anoita kuti pave nerusununguko rwechokwadi?

VANHU vaigara munzvimbo dzaitongwa neRoma, umo maigara vaKristu vepakutanga, vaidada nemitemo yavo, matongero avaiita mhosva uye rusununguko rwavaiva narwo. Asi simba nembiri zveRoma zvaibva pakufondoka kwaiita varanda. Pane imwe nguva, anenge munhu mumwe chete pavanhu vatatu vega vega aiva muranda. Pasina mubvunzo, nyaya yeuranda neyerusununguko dzaiva mupfungwa dzevanhuwo zvavo, kusanganisira vaKristu.

2 Tsamba dzemuapostora Pauro dzinotaura zvakawanda nezverusununguko. Asi chinangwa cheushumiri hwake chaisava chekugadzirisa matambudziko enyika ino, sezvaidiwa nevakawanda panguva iyoyo. Panzvimbo paizvozvo, Pauro nevamwe vaKristu vakashanda nesimba kuti vadzidzise vanhu mashoko akanaka eUmambo hwaMwari uye kukosha kwerudzikinuro rwaKristu Jesu. Pauro akaudza hama dzake dzechiKristu kwadzaigona kuwana rusununguko rwechokwadi. Semuenzaniso, mutsamba yaakanyorera vaKristu vaiva muKorinde, akataura zvakajeka kuti: “Jehovha [Mweya]; uye pane [mweya] waJehovha, pane rusununguko.”​—2 VaK. 3:17.

3, 4. (a) Chii chakaita kuti Pauro anyore mashoko ari pana 2 VaKorinde 3:17? (b) Tinofanira kuitei kuti tive nerusununguko runobva kuna Jehovha?

3 Mutsamba yake yechipiri kuvaKorinde, Pauro akataura nezvekubwinya kwaMosesi paakadzika kubva muGomo reSinai, pashure pekunge abva pamberi pengirozi yaJehovha. Pavakaona Mosesi, vanhu vakatya, uye Mosesi akaisa chifukidziro pachiso chake. (Eks. 34:29, 30, 33; 2 VaK. 3:7, 13) Pauro akati: “Asi pavanotendeukira kuna Jehovha, chifukidziro chacho chinobviswa.” (2 VaK. 3:16) Mashoko aPauro anorevei?

4 Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, Jehovha, Musiki wezvinhu zvese ndiye chete ane rusununguko rusina parunogumira. Saka zvine musoro kuti titi “pane [mweya] waJehovha,” pane rusununguko. Kuti tive nerusununguko rwakadaro tobatsirwa narwo, tinofanira ‘kutendeukira kuna Jehovha’ kureva kuti tinofanira kuva neushamwari naye. VaIsraeri pavaiva murenje havana kuona zvinhu semaonerwo azvaiitwa naJehovha. Zvaiita sekuti mwoyo yavo nepfungwa zvainge zvakaomeswa uye zviine chifukidziro, vachingofunga nezvekushandisa rusununguko rwavakanga vava narwo kuti vaite zvinodiwa nenyama.—VaH. 3:8-10.

5. (a) Mweya waJehovha unounza rusununguko rwakaita sei? (b) Tinoziva sei kuti munhu anogona kuva muranda kana musungwa asi aine rusununguko runopiwa naJehovha? (c) Mibvunzo ipi yatinofanira kupindura?

5 Zvisinei, rusununguko rwatinopiwa nemweya waJehovha runopfuura kusunungurwa pauranda. Mweya iwoyo unotipa rusununguko runopfuura nekure ruya rungapiwa nevanhu. Unotisunungura pauranda hwechivi nerufu uye pauranda hwekunamata kwenhema netsika dzakwo. (VaR. 6:23; 8:2) Irworwo rusununguko runoshamisa chaizvo! Munhu anogona kubatsirwa nerusununguko irworwo kunyange ari mujeri kana kuti ari muranda. (Gen. 39:20-23) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Hama Harold King naHama Horst Henschel, avo vakatsungirira kugara mujeri kwemakore akawanda nemhaka yekutenda kwavo. Unogona kuona uye kunzwa vachitaura zvakaitika kwavari paJW Broadcasting. (Enda pakanzi KUBVUNZWA NEKUTAURA ZVAKAITIKA > KUTSUNGIRIRA MIEDZO.) Zvisinei, tingaratidza sei kuti tinokoshesa rusununguko rwedu? Uye tingaitei kuti tishandise rusununguko urwu zvakanaka?

KUKOSHESA RUSUNUNGUKO RWATAKAPIWA NAMWARI

6. VaIsraeri vakaratidza sei kuti vaisakoshesa rusununguko rwavakapiwa naJehovha?

6 Patinoziva kukosha kwechipo chatinenge tapiwa, tinobva tada kuratidza kuti tinoonga atipa wacho. VaIsraeri havana kukoshesa rusununguko rwavakapiwa naJehovha paakavanunura muuranda hweIjipiti. Pangopera mwedzi mishomanana, vakatanga kushuwa zvekudya nezvekunwa zvavaimbova nazvo muIjipiti uye vaitonyunyuta pamusoro pezvinhu zvavaipiwa naJehovha, vachitoda kudzokera kuIjipiti. Pafunge, vaikoshesa ‘hove, magaka, manwiwa, rikisi, hanyanisi negariki’ kupfuura rusununguko rwavakapiwa naJehovha Mwari kuti vamunamate. Saka hazvishamisi kuti nei Jehovha akatsamwira kwazvo vanhu vake. (Num. 11:5, 6, 10; 14:3, 4) Ichi chidzidzo chakakosha kwatiri.

7. Pauro akashandisa sei zano rake riri pana 2 VaKorinde 6:1, uye isu tingarishandisawo sei?

7 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vese kuti vasarerutsa rusununguko rwatakapiwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu. (Verenga 2 VaKorinde 6:1.) Yeuka kurwadziwa kwaiita Pauro muhana nekuti aiva muranda wechivi nerufu. Asi pasinei naizvozvo akati: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” Nei akadaro? Akatsanangurira vaKristu kuti: “Nokuti mutemo [wemweya] iwoyo unopa upenyu huri pamwe naKristu Jesu wakakusunungurai pamutemo wechivi noworufu.” (VaR. 7:24, 25; 8:2) Tichitevedzera muenzaniso waPauro, isuwo hatitombofaniri kurerutsa kusunungurwa kwatakaitwa naJehovha kubva muuranda hwechivi nerufu. Kuburikidza nerudzikinuro, tinogona kushumira Mwari wedu nehana yakachena tichinakidzwa nekuita izvozvo.​—Pis. 40:8.

Uri kushandisa rusununguko rwako pakushumira Jehovha here kana kuti pakuita zvaunoda? (Ona ndima 8-10)

8, 9. (a) Muapostora Petro akapa yambiro ipi nezvekushandisa rusununguko rwedu? (b) Tinotarisana nengozi dzipi mazuva ano?

8 Zvisinei, kuwedzera pakuratidza kuonga, tinofanira kuyeuka kuti hatitombofaniri kushandisa zvisiri izvo rusununguko rwedu runokosha. Muapostora Petro akayambira kuti tisashandisa rusununguko rwedu sechikonzero chekuita zvinodiwa nenyama. (Verenga 1 Petro 2:16.) Yambiro iyoyo haikuyeuchidzi here zvakaitika kuvaIsraeri murenje? Ngozi iyoyo ichiripo uye zvichida yatowedzera. Satani nenyika yake vanoita kuti pave nezvinhu vakawanda zvinoyevedza zvakadai sezvipfeko, zvekudya nezvekunwa, zvekuzvivaraidza nazvo nezvimwewo zvakawanda. Vashambadzi vakangwara vanowanzoshandisa vanhu vane chitarisiko chakanaka kuti vaite kuti tione sekuti tinofanira kutenga zvimwe zvinhu nepo zvisingakoshi kwatiri. Zviri nyore chaizvo kuti tinyengerwe nezvinhu izvi toshandisa rusununguko rwedu zvisiri izvo.

9 Zano raPetro rinoshandawo pane dzimwe nyaya dzinokosha muupenyu dzakadai sekusarudza dzidzo kana basa. Semuenzaniso, vechidiki vari kuenda kuchikoro vanonzwa vachimanikidzwa kushanda nesimba kuti vakwanise kuwana nzvimbo muzvikoro zvakanakisisa zvedzidzo yepamusoro. Vakawanda vanovaudza kuti kana vakawana dzidzo yepamusoro, vachawana mabasa anobhadhara uye anoyemurwa. Vanhu ivavo vanowanzobudisa mashoko ekuratidza kuti vanenge vawana dzidzo yekuyunivhesiti vanowana mari yakawanda kupfuura vaya vanenge vaperera padzidzo yesekondari. Zviri nyore chaizvo kuti vechidiki vatorwe mwoyo nedzidzo yepamusoro pavanenge vava kufanira kuita zvisarudzo zvinobata-bata upenyu hwavo hwese. Ivo nevabereki vavo vanofanira kuyeukei?

10. Tinofanira kuyeukei patinoshandisa rusununguko rwedu pakusarudza zvatinoda?

10 Vamwe vangafunga kuti sezvo nyaya idzi dziri dzekuti munhu anosarudza ega, vanofanira kuva nerusununguko rwekusarudza zvavanoda chero bedzi hana yavo ichivabvumira. Zvichida vanofunga nezvemashoko akanyorerwa vaKristu vemuKorinde naPauro pamusoro pezvekudya achiti: “Nei rusununguko rwangu ruchifanira kutongwa nehana yomumwe munhu?” (1 VaK. 10:29) Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti tine rusununguko rwekusarudza zvatinoda panyaya yedzidzo uye basa, tinofanira kuyeuka kuti rusununguko rwedu rune parunogumira uye kuti zvisarudzo zvese zvatinoita zvine migumisiro yazvo. Nemhaka yechikonzero ichocho, Pauro akatanga ataura kuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka.” (1 VaK. 10:23) Izvozvo zvinotibatsira kuona kuti pane zvimwe zvinokosha zvekufunga nezvazvo kupfuura zvatinoda kana totaura nezvekushandisa rusununguko rwedu pazvinhu zvese muupenyu hwedu.

KUSHANDISA RUSUNUNGUKO RWEDU ZVAKANAKA PAKUSHUMIRA MWARI

11. Nei takasunungurwa?

11 Paaipa yambiro yekuti tisashandisa rusununguko rwedu zvisiri izvo, Petro akataura chikonzero chacho. Akatikurudzira kushandisa rusununguko rwedu “sevaranda vaMwari.” Saka chikonzero chakaita kuti Jehovha atisunungure kubva pamutemo wechivi newerufu achishandisa Jesu ndechekuti tirarame upenyu hwekuzvitsaurira “sevaranda vaMwari.”

12. Noa nemhuri yake vakatisiyira muenzaniso upi?

12 Nzira yakanakisisa yekuzvidzivirira pakushandisa zvisiri izvo rusununguko rwedu torega kuvazve varanda vezvido zvenyika ndeyekushandisa nguva yedu nesimba pakushumira Jehovha zvizere. (VaG. 5:16) Funga zvakaitwa naNoa nemhuri yake. Vakararama munyika yainge yakazara kurwisana uye unzenza. Asi havana kubatanidzwa pane zvaiitwa nevanhu vainge vakavapoteredza. Izvozvo vakazvikwanisa sei? Vakasarudza kuramba vakabatikana pakuita zvavainge varayirwa naJehovha. Vakavaka areka, vakaunganidza zvekudya zvavo nezvemhuka uye vakayambira vamwe nezveMafashamo. “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.” (Gen. 6:22) Zvakaguma nei? Noa nemhuri yake vakapona pakaparadzwa nyika iyoyo.​—VaH. 11:7.

13. Jesu akapiwa basa ripi raakazopawo vateveri vake?

13 Jehovha akatirayira kuti tiitei mazuva ano? Tinoziva kuti Mwari akapa Jesu basa rekuparidza uye kuti Jesu akapawo vadzidzi vake basa iri. (Verenga Ruka 4:18, 19.) Mazuva ano, vakawanda vakapofumadzwa namwari wenyika ino uye vari muuranda hwechitendero chenhema, pfuma uye zvematongerwo enyika. (2 VaK. 4:4) Tine ropafadzo yekutevedzera muenzaniso waJesu wekubatsira vanhu kuti vazive uye vanamate Jehovha, Mwari werusununguko. (Mat. 28:19, 20) Basa iroro harisi nyore. Mune dzimwe nyika vanhu vari kuwedzera kusava nehanya nezvatinoparidza, uye vamwe vanotoita hasha. Mubvunzo watinofanira kuzvibvunza ndewekuti, ‘Ndinogona here kushandisa rusununguko rwangu kuti ndiwedzere kutsigira basa reUmambo?’

14, 15. Vanhu vaJehovha vakawanda vakasarudza kuitei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

14 Zvinokurudzira chaizvo kuti vakawanda vakaona kuti nguva yapera uye vakaita kuti upenyu hwavo husava netwakawandawanda kuitira kuti vaite basa renguva yakazara. (1 VaK. 9:19, 23) Vamwe vavo vanoshumira munzvimbo dzavanogara uye vamwe vanotamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Mumakore 5 adarika, vaparidzi vanopfuura 250 000 vakatanga kupayona, uye iye zvino kwava nemapiyona enguva dzose anopfuura 1 100 000. Zvinofadza chaizvo kuona vakawanda kudaro vachishandisa rusununguko rwavo zvakanaka pakushumira Jehovha.​—Pis. 110:3.

15 Chii chakabatsira hama nehanzvadzi idzi kuti dzishandise rusununguko rwadzo zvakanaka? Funga nezvaJohn naJudith, avo vakashumira munyika dzakati kuti mumakore 30 apfuura. Vanoyeuka kuti pakatanga Chikoro Chebasa Roupiyona muna 1977, vanhu vakakurudzirwa kutamira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pachinangwa ichocho, John anoti akachinja basa kakawanda kuitira kuti varambe vaine upenyu husina twakawandawanda. Pavakazoenda kune imwe nyika, vakaona kuti kunyengetera kuna Jehovha uye kuvimba naye kwakavabatsira pakudzidza mutauro mutsva, kujaira tsika itsva uye kutsungirira mamiriro ekunze. Kushumira kwavakaita kwemakore ese iwayo kwakavabatsira sei? “Ndakaona kuti ndainge ndakabatikana mubasa rakanakisisa pane ese andinoziva kana andakaita,” anodaro John. “Jehovha akawedzera kuva munhu chaiye kwandiri, sezvaizoita baba vane rudo. Ndakanyatsonzwisisa zvinorehwa naJakobho 4:8 iyo inoti: ‘Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.’ Ndakaziva kuti ndakanga ndawana zvandaitsvaga, chinangwa chinogutsa muupenyu.”

16. Hama nehanzvadzi dzinosvika zviuru dzakashandisa sei rusununguko rwadzo zvakanaka?

16 Kusiyana naJohn naJudith, vamwe vanongokwanisa kushumira mubasa renguva yakazara kwenguva pfupi. Kunyange zvakadaro, vakawanda vanozvipira kushanda mumabasa ekuvaka munyika dzakasiyana-siyana. Semuenzaniso, paivakwa mahofisi edu makuru kuWarwick, New York, hama nehanzvadzi dzinenge 27 000 dzakazvipira kushanda ikoko. Vaishanda kwenguva inotangira pamavhiki maviri kusvika kugore kana kutopfuura. Vakawanda vavo vakambosiya zvavaiita kuitira kuti vashumire ikoko. Iwoyo muenzaniso wakazonaka wekushandisa rusununguko rwavakapiwa naJehovha, Mwari werusununguko, kuti vamurumbidze uye vamukudze.

17. Vaya vanoshandisa zvakanaka rusununguko rwavakapiwa naMwari vachava neramangwana rakaita sei?

17 Tinoonga zvikuru kuti takasvika pakuziva Jehovha uye tine rusununguko runobva pakunamata kwechokwadi. Ngatiratidzei nezvatinosarudza kuti tinokoshesa rusununguko irworwo. Pane kuti tirushandise zvisiri izvo, ngatishandisei rusununguko rwedu pamwe chete nemikana yarunounza kuti tishumire Jehovha nepatinogona napo. Kana tikadaro tinogona kutarisira kuwana makomborero akavimbiswa naJehovha pachazadzika mashoko euprofita uhwu hwekuti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”​—VaR. 8:21.