Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Varume Vakagadzwa​—Dzidzai Kubva Kuna Timoti

Varume Vakagadzwa​—Dzidzai Kubva Kuna Timoti

GORE rakapera, pane zviuru zvevarume vakagadzwa kuva vakuru nevashumiri vanoshumira pakati peZvapupu zvaJehovha pasi rese. Kana uri mumwe wavo, hapana mubvunzo kuti unofarira basa rako idzva.

Asi zvinonzwisisika kuti unogona kunge uchimbonetseka. Mumwe mukuru wechidiki anonzi Jason anoti, “Pandakagadzwa, ndakaona sekuti zvekuita zvainge zvandiwandira chaizvo.” Mosesi naJeremiya vakanzwa sekuti vaisakwanisa kuita mabasa avakanga vapiwa naJehovha. (Eks. 4:10; Jer. 1:6) Kana uchimbovawo nemanzwiro akadaro, ungaakurira sei, woramba uchifambira mberi? Ona muenzaniso wemudzidzi wechiKristu, Timoti.​—Mab. 16:1-3.

TEVEDZERA MUENZANISO WATIMOTI

Timoti anofanira kunge akanga ava kuda kusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei, muapostora Pauro paakamukoka kuti vafambe vese. Sezvo Timoti aiva mudiki, pakutanga anogona kunge aisava nechivimbo uye anogona kunge aizeza kuita basa rake. (1 Tim. 4:11, 12; 2 Tim. 1:1, 2, 7) Asi pashure pemakore gumi, Pauro aigona kuudza ungano yaiva muFiripi kuti: “Ndiri kutarisira kuti, kana Ishe Jesu achida, ndichakurumidza kukutumirai Timoti . . . Nokuti handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake.”​—VaF. 2:19, 20.

Chii chakaita kuti Timoti ave mukuru akadaro? Ona zvinhu 6 zvaunodzidza kwaari.

1. Aiva nehanya nevanhu zvechokwadi. Pauro akaudza hama dzemuFiripi kuti: “[Timoti] achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose.” (VaF. 2:20) Zvechokwadi, Timoti aiva nehanya nevanhu. Aida kuti vanhu vaswedere pedyo naJehovha, uye akashanda nesimba achiitira ivo.

Usaita semumwe mutyairi webhazi anonyanya kukoshesa kusvika pachiteshi chimwe nechimwe nenguva kupfuura kutakura vanhu. William, imwe hama inoremekedzwa yava nemakore anopfuura 20 iri mukuru, anopa varume vachangobva kugadzwa zano rekuti: “Idai hama. Isai pfungwa pakudzibatsira kupfuura pakuronga uye pakuongorora kuti zvinhu zviri kuitwa sei muungano.”

2. Aiisa zvekunamata pekutanga. Achitaura nezvekusiyana kwainge kwakaita Timoti nevamwe, Pauro akati: “Vamwe vose vari kuzvitsvakira zvavanoda, kwete zviya zvaKristu Jesu.” (VaF. 2:21) Pauro ainyora mashoko aya ari muRoma. Akaona kuti hama dzemo dzainyanya kubatikana nezvinhu zvadzaifarira. Dzakanga dzisinganyatsoiti mabasa ekunamata. Asi handizvo zvaiitwa naTimoti. Paimuka mikana yekuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi, aiita saIsaya uyo akati: “Ndiri pano! Nditumei.”​—Isa. 6:8.

Ungaita sei kuti zvinhu zvaunofanira kuita pakurarama zvisavhiringana nezvaunofanira kuita semukuru? Kutanga, isa zvinonyanya kukosha pekutanga. Pauro akati: “Muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaF. 1:10) Koshesa zvinhu zvinokosheswa naMwari. Chechipiri, zvirerutsire. Bvisa zvinhu zvinokupedzera nguva nesimba. Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Tiza kuchiva kwouduku, asi tevera kururama, kutenda, rudo, rugare.”​—2 Tim. 2:22.

3. Aishanda nesimba pakuita mabasa matsvene. Pauro akayeuchidza VaFiripi kuti: “Munoziva uchapupu hwaakapa pamusoro pake, kuti iye akashanda neni mukuita kuti mashoko akanaka aenderere mberi, sezvinoita mwana anoshanda nababa vake.” (VaF. 2:22) Timoti aisava nenungo. Aishanda nesimba pamwe chete naPauro, uye izvozvo zvakaita kuti vawedzere kuva nerudo pakati pavo.

Musangano raMwari mune basa rakawanda. Basa iroro rinogutsa zvechokwadi uye rinogona kuita kuti uve pedyo nehama nehanzvadzi dzako. Saka iva nechinangwa chekuva ‘nezvizhinji zvekuita mubasa raShe.’​—1 VaK. 15:58.

4. Aishandisa zvaaidzidza. Pauro akanyorera Timoti kuti: “Wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu.” (2 Tim. 3:10) Sezvo Timoti aishandisa zvaaidzidza, akazokodzera kupiwa mabasa akakura.​—1 VaK. 4:17.

Une mukuru agara nebasa here anokupa mazano panyaya dzekunamata? Kana usina, wadii kutsvaga? Tom, uyo ava nemakore akawanda ari mukuru anoti: “Mumwe mukuru agara nebasa akandibatsira uye akanyatsondidzidzisa. Ndaigara ndichimukumbira mazano uye ndaiashandisa. Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuva nechivimbo.”

5. Airamba achizvidzidzisa. Pauro akakurudzira Timoti achiti: “Vavarira kuzvirovedza nokuzvipira kuna Mwari.” (1 Tim. 4:7) Mumhanyi anogona kunge aine murayiridzi, asi iye anofanira kudzidzirawo ega. Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose, kurayira, uye kudzidzisa. . . . Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”​—1 Tim. 4:13-15.

Unofanirawo kuramba uchivandudza unyanzvi hwako. Nyatsodzidza Shoko raMwari uye ramba uchifambirana nemirayidzo yesangano. Uyewo, dzivisa kunyanya kuzvivimba, zvichida uchifunga kuti une ruzivo rwakawanda zvekuti unokwanisa kugadzirisa dambudziko chero ripi zvaro usina kunyatsotsvakurudza. Uchitevedzera Timoti, “ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako.”​—1 Tim. 4:16.

6. Aivimba nemweya waJehovha. Achifunga nezveushumiri hwaTimoti, Pauro akamuyeuchidza kuti: “Rinda chinhu chinokosha chawakachengeteswa [nemweya] mutsvene ugere matiri.” (2 Tim. 1:14) Kuti arambe achiita ushumiri hwake, Timoti aifanira kuvimba nemweya waMwari.

Donald, uyo ava nemakumi emakore ari mukuru, anoti: “Varume vakagadzwa vanofanira kukoshesa ushamwari hwavo naMwari. Vaya vanoita izvozvo ‘vanowedzera simba pamusoro perimwe simba.’ Kana vakanyengeterera mweya waMwari uye vakava nechibereko chawo, vachava chikomborero chaicho kuhama dzavo.”​—Pis. 84:7; 1 Pet. 4:11.

KOSHESA ROPAFADZO YAKO

Zvinokurudzira chaizvo kuona hama dzakawanda dzichangobva kugadzwa, dzakaita sewe, dzichifambira mberi pakunamata. Jason, uyo ambotaurwa kwekutanga, anoti: “Panguva yese yandange ndiri mukuru, ndadzidza zvakawanda uye chivimbo changu chawedzera. Iye zvino ndinonyatsonakidzwa nebasa rangu uye ndinoriona seropafadzo yakanaka chaizvo.”

Ucharamba uchifambira mberi pakunamata here? Iva nechinangwa chekudzidza kubva kuna Timoti. Ukadaro, uchavawo chikomborero kuvanhu vaMwari.