Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechidiki, Muri Kuisa Pfungwa Pazvinangwa Zvekunamata Here?

Vechidiki, Muri Kuisa Pfungwa Pazvinangwa Zvekunamata Here?

“Isa mabasa ako kuna Jehovha uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.”​—ZVIR. 16:3.

NZIYO: 135, 144

1-3. (a) Vechidiki vese vanosangana nedambudziko ripi, uye izvi zvingaenzanisirwa sei? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) VaKristu vechidiki vangakunda sei dambudziko iri?

NGATITII uri kuronga kuenda kuchiitiko chinokosha chichaitirwa mutaundi riri kure. Kuti usvike ikoko unofanira kufamba rwendo rwakareba nebhazi. Pachiteshi chemabhazi, unovhiringidzika nekuti pane vanhu vakawanda chaizvo uye mabhazi akawanda. Asi zvakanaka kuti iwewe uri kunyatsoziva chinangwa chako chekuwana bhazi rekwauri kuda kuenda. Kana ukakwira bhazi riri kuenda kune imwewo nzvimbo, unorasika.

2 Mazuva ano vechidiki vanogona kufananidzwa nevanhu vari pachiteshi chemabhazi. Vechidiki vari parwendo rwakareba, kwete nebhazi, asi rwendo rweupenyu. Dzimwe nguva vanogona kushaya kuti vosarudza zvipi pakati pezvakawanda zvinenge zviripo. Vechidiki, zvinokuitirai nyore kana mukaziva kwamuri kuda kuenda muupenyu. Munofanira kunanga kupi?

3 Nyaya ino inopindura mubvunzo iwoyo kuburikidza nekukurudzira vechidiki kuti vaise pfungwa pakufadza Jehovha. Izvi zvinoreva kushandisa mazano aJehovha pazvinhu zvese muupenyu zvakadai sedzidzo, basa, kuva nemhuri, nezvimwewo. Uye zvinoreva kuvavarira kuzadzisa zvinangwa zvekunamata. Vechidiki vanoramba vakaisa pfungwa pakushumira Jehovha vanogona kuva nechokwadi chekuti achavakomborera uye achaita kuti ‘zvirongwa zvavo zvisimbiswe kwazvo,’ kana kuti zvibudirire.​—Verenga Zvirevo 16:3.

NEI MUCHIFANIRA KUVA NEZVINANGWA ZVEKUNAMATA?

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Zvine musoro kuti munhu ave nezvinangwa zvekunamata achiri mudiki. Nei zvakadaro? Tichaongorora zvikonzero zvitatu. Zvikonzero zviviri zvekutanga zvinoratidza kuti kuzadzisa zvinangwa zvekunamata kunosimbisa ushamwari hwemunhu naJehovha. Chechitatu chinobudisa pachena zvakanakira kuva nezvinangwa zvekunamata munhu achiri mudiki.

5. Ndechipi chikonzero chikuru chekuva nezvinangwa zvekunamata?

5 Chikonzero chikuru chekuva nezvinangwa zvekunamata ndechekuratidza Jehovha kuti tinoonga rudo rwake uye zvese zvaakatiitira. Mumwe munyori wemapisarema akati: “Zvakanaka kuonga Jehovha . . . Nokuti makaita kuti ndifare, haiwa Jehovha, nokuda kwebasa renyu; ndinoshevedzera nomufaro nokuda kwemabasa emaoko enyu.” (Pis. 92:1, 4) Sewechidiki, funga zvese zvawakapiwa naJehovha. Akakupa upenyu, Bhaibheri, ungano, tariro yakanaka yeramangwana, uye akaita kuti uzive chokwadi nezvake. Kuisa zvinhu zvekunamata pekutanga inzira yekuratidza nayo kuti unoonga makomborero awakapiwa naMwari, uye kunoita kuti uve pedyo naye.

6. (a) Zvinangwa zvekunamata zvinoitei paushamwari hwedu naJehovha? (b) Munhu anogona kuva nezvinangwa zvipi achiri mudiki?

6 Chikonzero chechipiri ndechekuti paunoshandira kuzadzisa zvinangwa zvekunamata, unenge uchiitira Jehovha basa rakanaka uye izvi zvinoita kuti uwedzere kuswedera pedyo naye. Muapostora Pauro akavimbisa kuti: “Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaH. 6:10) Unogona kuva nezvinangwa zvekunamata kunyange uri mudiki chaizvo. Christine aiva nemakore 10 paakasarudza kugara achiverenga nyaya dzeupenyu dzeZvapupu zvakatendeka. Aine makore 12, Toby akava nechinangwa chekuverenga Bhaibheri rese asati abhabhatidzwa. Maxim aiva nemakore 11 uye hanzvadzi yake Noemi, aiva nemakore 10 pavakabhabhatidzwa. Vese vakabva vatanga kushandira chinangwa chekuzoshumira paBheteri. Kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pachinangwa ichocho, vakanamira fomu rekunyorera basa repaBheteri kumadziro mumba mavo. Funga kuti zvinangwa zvipi zvinokosha kwauri wobva watanga kushandira kuzvizadzisa.​—Verenga VaFiripi 1:10, 11.

7, 8. (a) Kuva nezvinangwa kunoita sei kuti zvive nyore kuita zvisarudzo? (b) Nei mumwe wechidiki akasarudza kusaenda kuyunivhesiti?

7 Chikonzero chechitatu chekuti munhu ave nezvinangwa achiri mudiki ndechekuti pane zvisarudzo zvaanofanira kuita. Vechidiki vanofanira kuita zvisarudzo panyaya yedzidzo, basa uye zvimwewo. Kuita zvisarudzo kwakafanana nekusarudza nzira chaiyo paunenge wasvika pamharadzano. Chero bedzi uchiziva kwauri kuenda, kusarudza nzira chaiyo harisi dambudziko. Saizvozvowo, kana uchiziva zvinangwa zvako, kuita zvisarudzo zvakanaka kunowedzera kuva nyore. Zvirevo 21:5 inoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira [zvinobudirira].” Ukakurumidza kuronga upenyu hwako kuburikidza nekuva nezvinangwa zvakanaka, unokurumidzawo kubudirira. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Damaris paaifanira kuita chisarudzo chinokosha ari pazera rekuyaruka.

8 Damaris ainge akapasa chaizvo paakapedza sekondari. Aigona kunge akabvuma bhezari rekuti adzidze zvemutemo pane imwe yunivhesiti, asi pane kudaro akasarudza kushanda mubhengi achitambira mari shoma. Nei akadaro? “Ndakasarudza kupayona ndichiri mudiki chaizvo. Izvi zvaireva kuti ndaifanira kushanda mazuva mashoma pavhiki. Dhigirii rezvemutemo raigona kundiwanisa mari yakawanda chaizvo, asi ndaigona kutadza kuwana mukana wekushanda mazuva mashoma pavhiki.” Damaris ava nemakore 20 ari piyona. Anoona here sekuti akava nechinangwa chakanaka uye kuti akaita chisarudzo chakarurama paaiyaruka? Anoti, “Mubhengi mandinoshanda ndava kuonana nemagweta akawanda. Vanoita basa randingadai ndichiita kudai ndakadzidza zvemutemo. Zvisinei, vakawanda vavo havasi kutombofara nemabasa avo. Chisarudzo chandakaita chekupayona chakandibatsira kuti ndidzivise kuva munhu asingafari saivo uye chakaita kuti ndive nemufaro pakushumira Jehovha.”

9. Nei tichifanira kurumbidza vechidiki vedu?

9 Zviuru zvevechidiki vari muungano pasi rese zvinofanira kurumbidzwa nemwoyo wese. Vanozvipa kuna Jehovha uye vanoisa pfungwa dzavo pazvinangwa zvekunamata. Vechidiki vakadaro vanonakidzwa chaizvo neupenyu, panguva imwe chete vachidzidza kuteerera Jehovha pazvinhu zvese. Izvi zvinosanganisira dzidzo, basa, uye upenyu hwemhuri. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,” akanyora kudaro Soromoni. “Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvir. 3:5, 6) Vechidiki vari muungano yechiKristu vanokosha kuna Jehovha uyo anovada chaizvo. Anovadzivirira, anovatungamirira uye anovakomborera.

NYATSOGADZIRIRA KUPARIDZA

10. (a) Nei tichifanira kukoshesa ushumiri muupenyu hwedu? (b) Tingaitei kuti tinyatsobudirira muushumiri?

10 Wechidiki anoita kuti upenyu hwake huve hwekufadza Jehovha anokoshesa ushumiri. Jesu Kristu akataura kuti “mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa.” (Mako 13:10) Nemhaka yekuti basa rekuparidza rinofanira kuitwa nekukurumidza, tinofanira kurikoshesa chaizvo. Ungava nechinangwa chekubuda muushumiri kakawanda here? Ungapayona here? Asi ko kana usiri kunyatsofara mubasa rekuparidza? Ungaita sei kuti unyatsobudirira pakuparidza? Pane matanho maviri anogona kukubatsira. Nyatsogadzirira, uye usakanda mapfumo pasi pakuudza vamwe zvaunoziva. Unogona kushamisika nemufaro wauchawana pakuparidza.

Unogadzirira sei kuparidza? (Ona ndima 11, 12)

11, 12. (a) Vechidiki vangaitei kuti vagadzirire kuparidza? (b) Mumwe wechidiki akashandisa sei mukana waakawana kuti aparidze kuchikoro?

11 Unogona kutanga nekugadzirira mhinduro yemubvunzo unowanzobvunzwa nevamwe kuchikoro, wakadai sewekuti, “Nei uchiti Mwari ariko?” Website yedu yejw.org ine nyaya dzinobatsira vechidiki kuti vagadzirire kupindura mubvunzo iwoyo. Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA. Ipapo uchawana bepa rezvekuita rakanzi “Sei Ndichiti Mwari Ariko?” Bepa racho richakubatsira kuti ugadzirire mhinduro yako pachako. Rine magwaro matatu aunogona kushandisa paunenge uchitsanangura zvaunotenda​—VaHebheru 3:4, VaRoma 1:20 uye Pisarema 139:14. Uchishandisa mapepa aya unogona kugadzirira kupindura mubvunzo mumwe nemumwe.​—Verenga 1 Petro 3:15.

12 Paunowana mukana, kurudzira vaunodzidza navo kuti vaende pajw.org. Ndizvo zvakaitwa naLuca. Kirasi yake yaikurukura nezvezvitendero zvakasiyana-siyana, uye Luca akaona kuti bhuku raishandiswa raitaura zvisiri izvo nezveZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo akambozeza, akakumbira kuti aruramise mashoko iwayo enhema uye mudzidzisi wake akabvuma. Luca haana kungoperera pakutsanangura zvaanotenda asi akaratidzawo kirasi yese website yedu. Mudzidzisi wacho akavapa basa rekunoita kumba rekuti mwana mumwe nemumwe aone vhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi. Luca akafara kuti akakwanisa kuparidza.

13. Nei tisingafaniri kukanda mapfumo pasi panomuka matambudziko?

13 Usaora mwoyo kunyange ukasangana nezvinetso munzira yauri kufamba. (2 Tim. 4:2) Kana pakava nematambudziko, ramba uchishandira kuzadzisa zvinangwa zvako. Katharina aiva nemakore 17 paakava nechinangwa chekuparidzira munhu wese wekubasa kwake. Mumwe wavo akamutsvinyira kakawanda asi Katharina haana kuita basa nazvo. Unhu hwake hwakanaka hwakayemurwa nemumwe waaishanda naye ainzi Hans. Izvi zvakaita kuti Hans averenge mabhuku edu, adzidze Bhaibheri uye abhabhatidzwe. Katharina akanga atama uye haana kuziva zvese izvi. Fungidzira kufara kwaakaita pashure pemakore 13 paakanga akagara muImba yeUmambo nemhuri yake ndokunzwa Hans achisumwa semukurukuri anoshanya. Akafara chaizvo kuti akanga asina kusiya chinangwa chake chekuparidzira vaaishanda navo.

USAVHIRINGIDZWA

14, 15. (a) Vechidiki vanofanira kuyeukei kana vakava pamuedzo wekungoita zvinoitwa nevamwe? (b) Vechidiki vangakurira sei muedzo wekungoita zvinoitwa nevamwe?

14 Kusvika pari zvino, nyaya ino yakukurudzira kuti usarudze kuisa pfungwa dzako pakushumira Jehovha. Izvi zvinoreva kuisa pfungwa dzako pazvinangwa zvekunamata. Vamwe vechidiki vezera rako vanogona kunge vachingoda zvekunakidzwa, uye vangakukoka kuti ubatane navo. Pane imwe nguva uchafanira kuratidza kuti wakatsunga zvakadini kuti urambe uchiita zvawakasarudza. Usavhiringidzwa nekungotevedzera vezera rako. Kana tikadzokera kumuenzaniso webhazi, waisazokwira chero bhazi nemhaka yekungoti vanhu vari mubhazi racho vari kuita sevari kunakidzwa.

15 Pane zvinhu zvinoverengeka zvinokubatsira kukunda muedzo wekungoita zviri kuitwa nevamwe. Semuenzaniso, dzivisa mamiriro ezvinhu anozoita kuti zvikuomere kukunda muedzo wacho. (Zvir. 22:3) Uye zviyeuchidze nezvemarwadzo anovapo kana ukabatana nevamwe pakuita zvakaipa. (VaG. 6:7) Chimwe chinogona kukubatsira kubvuma kuti unoda kupiwa mazano. Kuzvininipisa kuchaita kuti ugamuchire mazano evabereki uye evamwe vari muungano vakasimba pakunamata.​—Verenga 1 Petro 5:5, 6.

16. Taura muenzaniso unoratidza zvakanakira kuzvininipisa.

16 Kuzvininipisa kwakaita kuti Christoph agamuchire zano rakanaka. Achangobhabhatidzwa, akatanga kugara achienda kunzvimbo inoitwa zvekusimbisa muviri. Vamwe vechidiki vaiendawo ikoko vakamukurudzira kuti apinde mukirabhu yavo yemutambo. Christoph akataura nyaya yacho nemumwe mukuru, uyo akamuudza kuti asati aita chisarudzo, atange afunga nezvengozi dzaivapo, dzakadai sekunyanya kuda zvemakwikwi. Kunyange zvakadaro, Christoph akapinda mukirabhu yacho. Asi nekufamba kwenguva akaona kuti mutambo wacho waiitwa zvechisimba uye waiva nengozi. Akakurukura zvakare nevamwe vakuru, uye vese vakamupa mazano emuMagwaro. “Jehovha akanditumira vanachipangamazano vakanaka, uye ndakamuteerera, kunyange zvazvo zvakatora nguva.” Unozvininipisa here zvekuti unogamuchira zano?

17, 18. (a) Jehovha anoda kuti vechidiki vaite sei? (b) Ungadzivisa sei kuzozvidemba wakura nemhaka yezvisarudzo zvaunenge waita? Taura muenzaniso.

17 “Fara hako, iwe jaya [kana kuti mhandara], uchiri muduku, uye mwoyo wako ngaukuitire zvakanaka mumazuva oujaya hwako.” (Mup. 11:9) Sewechidiki, Jehovha anoda kuti ufare. Nyaya ino yataura imwe nzira inoita kuti ufare. Ramba wakaisa pfungwa dzako pazvinangwa zvekunamata, uchitungamirirwa naJehovha muzvirongwa zvako zvese. Ukakurumidza kuita izvi, uchakurumidzawo kuona kuti Jehovha anokutungamirira, anokudzivirira uye anokukomborera. Funga nezvemazano akanaka aunowana muShoko raMwari, uye shandisa zano rekuti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.”​—Mup. 12:1.

18 Hapana munhu anoramba ari mudiki kwenguva yakareba. Vechidiki havatani kukura. Zvinosuwisa kuti pavanenge vakura, vakawanda vanodemba kuti vakava nezvinangwa zvisiri izvo pavaiva vadiki kana kuti vanorwadziwa kuti havana kutombobvira vava nezvinangwa. Vechidiki vari kuramba vakaisa pfungwa pazvinangwa zvekunamata vacharamba vachinyatsogutsikana nezvisarudzo zvavari kuita kunyange pavanenge vakura. Ndizvo zvakaitika kuna Mirjana, uyo aigona zvemitambo paaiyaruka. Akakumbirwa kuti apinde mumakwikwi eWinter Olympic Games, asi pane kudaro akasarudza kupinda mubasa renguva yakazara. Pava nemakore anopfuura 30 uye Mirjana achiri mubasa renguva yakazara pamwe chete nemurume wake. Anoti: “Mukurumbira, kukudzwa, simba, uye upfumi ndezvenguva pfupi uye hazvipi mufaro. Kushumira Mwari uye kuedza kuvawo nezvaunoita pakubatsira vanhu pakunamata ndizvo zvinangwa zvakanakisisa.”

19. Taura zvakanakira kuisa pfungwa pazvinangwa zvekunamata uchiri mudiki.

19 Vechidiki vari muungano vanofanira kurumbidzwa nemwoyo wese pamusana pekukurira kwavari kuita matambudziko aya uye kutsunga kwavari kuita kuisa pfungwa dzavo pakushumira Jehovha. Vechidiki vanoita izvi kuburikidza nekushandira kuti vazadzise zvinangwa zvekunamata uye kukoshesa chaizvo basa rekuparidza. Uyewo havabvumiri nyika kuti ivhiringidze zvinangwa zvavo. Vechidiki vanogona kuva nechokwadi chekuti havasi kushandira pasina. Vanotsigirwa nehama nehanzvadzi dzavo, uye kana vakazvipira kuna Jehovha, zvirongwa zvavo zvichabudirira.